sho62-0311 hondo hurusa yati yamborwiwa vgrdownload.branham.org/pdf/sho/sho62-0311 the greatest...

70
HONDO HURUSA Y ATI Y AM BORWI WA Ndinokutendai, Hama Orman. Ishe vakuropafadzei. 2 Mangwanani, shamwari. Ndinofara kuva pano zvakare mangwanani ano, uye ndanga ndisingazvifungiri, ini ndangofunga, mumwoyo mangu, uye ndine chokwadi kuti zvakadarowo kuungano. Zvino ndanga ndichingoverenga uye…Ndatenda, hanzvadzi. Zvino Ishe vangoita sevakaisa chimwe chinhu chidiki pamwoyo wangu, kuti ndichiunze kuChechi, uye ndafunga kuti yava nguva yekuzviita. Uye zvino izvi… 3 Pandakasvika, uyezve ndisingazivi kuti tichazova pano musi weSvondo ino, ndakazivisa izvo kuti ndine—ndine Mharidzo kuChechi. Uye ndinoda kuti, kana Mwari achida, ndiunze Mharidzo iyi Svondo inouya. Uye pachazova nenguva yakati rebeyi, saka, pamwe haingazobudi nguva dzahalf past twelve, one o’clock dzisati dzakwana, pamwe, kana panguva iyoyo. Zvanga zviri pamwoyo wangu kwenguva refu, uye ndinofunga kuti ndinofanira kutsanangurira vanhu kuti sei ndanga ndisiri kushingaira zvakanyanya kunoparidza kunze. Ndakaparidza ndichizvinyenyeredza, asi ndine chokwadi kuti hazvina kujeka kusvika pazvaifanira. Saka, ndinofunga, Ishe vachida, Svondo inouya ndinoda kutora nguva yangu ndozviisa pachena, chikonzero uye kuti sei, uye ndokuitai kuti muzive, neMagwaro, kuti chii chiri kuitika, mugoona, kuti sei zviri zvazviri. Nokuti, pamwe ndichange ndichienda mhiri kwamakungwa kana kumwewo kwakadaro ndichibva kuno. Ndakamirira zvino kuona kuti ndeipi nzira iyo yaAchandidanira kuti ndiende. Kupedzisira… 4 Usiku hungangoita utatu hwapfuura, kana usiku uviri, ndakafonerwa pedyo nepakati pousiku; ndichinzi ndinamatire mumwe mukadzi anga ari muchipatara. Zvino vakandifonera, vakati, “Namatai.” Zvino ndakanganwa zita ravakandipa, iro…Vakati yaiva shamwari yaMai James Bell, hanzvadzi yedu pano pachechi, hanzvadzi yechitema, inotsigira kwazvo, mukadzi akanaka. Ndinotenda kuti zita raiva rokuti Shepherd, randakapiwa. Saka ndakaburuka pamubhedha ndokupfugama pasi, ndoku—ndokuudza mudzimai wangu. Foni yakarira, ndiyo yakamumutsa. Zvino ndakati, “Tinofanira kunamatira Mai Shepherd, hanzvadzi yafona, shamwari yaMai James Bell.” Saka takavanamatira, tikadzokerazve pamubhedha.

Upload: others

Post on 31-Dec-2019

5 views

Category:

Documents


0 download

TRANSCRIPT

Page 1: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

HONDO HURUSA

YATIYAMBORWIWA

Ndinokutendai, HamaOrman. Ishe vakuropafadzei.

2 Mangwanani, shamwari. Ndinofara kuva pano zvakaremangwanani ano, uye ndanga ndisingazvifungiri, inindangofunga, mumwoyo mangu, uye ndine chokwadi kutizvakadarowo kuungano. Zvino ndanga ndichingoverengauye…Ndatenda, hanzvadzi. Zvino Ishe vangoita sevakaisachimwe chinhu chidiki pamwoyo wangu, kuti ndichiunzekuChechi, uye ndafunga kuti yava nguva yekuzviita. Uye zvinoizvi…

3 Pandakasvika, uyezve ndisingazivi kuti tichazova pano musiweSvondo ino, ndakazivisa izvo kuti ndine—ndine MharidzokuChechi. Uye ndinoda kuti, kana Mwari achida, ndiunzeMharidzo iyi Svondo inouya. Uye pachazova nenguva yakatirebeyi, saka, pamwe haingazobudi nguva dzahalf past twelve,one o’clock dzisati dzakwana, pamwe, kana panguva iyoyo.Zvanga zviri pamwoyo wangu kwenguva refu, uye ndinofungakuti ndinofanira kutsanangurira vanhu kuti sei ndanga ndisirikushingaira zvakanyanya kunoparidza kunze. Ndakaparidzandichizvinyenyeredza, asi ndine chokwadi kuti hazvina kujekakusvika pazvaifanira. Saka, ndinofunga, Ishe vachida, Svondoinouya ndinoda kutora nguva yangu ndozviisa pachena,chikonzero uye kuti sei, uye ndokuitai kuti muzive, neMagwaro,kuti chii chiri kuitika, mugoona, kuti sei zviri zvazviri. Nokuti,pamwe ndichange ndichienda mhiri kwamakungwa kanakumwewo kwakadaro ndichibva kuno. Ndakamirira zvinokuona kuti ndeipi nzira iyo yaAchandidanira kuti ndiende.Kupedzisira…

4 Usiku hungangoita utatu hwapfuura, kana usiku uviri,ndakafonerwa pedyo nepakati pousiku; ndichinzi ndinamatiremumwe mukadzi anga ari muchipatara. Zvino vakandifonera,vakati, “Namatai.” Zvino ndakanganwa zita ravakandipa,iro…Vakati yaiva shamwari yaMai James Bell, hanzvadziyedu pano pachechi, hanzvadzi yechitema, inotsigira kwazvo,mukadzi akanaka. Ndinotenda kuti zita raiva rokuti Shepherd,randakapiwa. Saka ndakaburuka pamubhedha ndokupfugamapasi, ndoku—ndokuudza mudzimai wangu. Foni yakarira, ndiyoyakamumutsa. Zvino ndakati, “Tinofanira kunamatira MaiShepherd, hanzvadzi yafona, shamwari yaMai James Bell.” Sakatakavanamatira, tikadzokerazve pamubhedha.

Page 2: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

2 SHOKO RAKATAURWA

5 Uyezve nguva dzinenge dzaten kana eleven o’clock, zuvarakatevera, ndakatambira runhare zvakare. Aiva Billy. Iyeakati, vakanga vasiri Mai Shepherd, akati vaiva Mai Bell,pachavo, kwete shamwari yaMai Bell. “Vaiva Mai Bell, uyevari muchipatara, varwarisa.” Zvino takamhanyira kuchipatara,asi vakanga vatopfuura. Ishe vakanga vatodanira Mai Bell,kuMusha.6 Mai Bell vagara vari mumwe anoungana nesu zvakatendekapano pachechi, kwemakore. Murume wavo, James, neni,taishanda pamwe chete, nababa vangu, makore mazhinjiapfuura, kunze, tichigadzira…tichigadzira njanji idzi, kubvakuPennsylvania, kusvika muColgate pano, makore mazhinjiakapfuura, ndinofunga kuti ave makumi matatu, kanakupfuura. Uye tinoda Hanzvadzi Bell. Vanga vari munhumukuru.7 Uye ndinonzwa kuti vainzwa kurwadziwa kwaikonzerwanenduru kwakaipa, uye ivo…Chiremba wavo, uyo aizivadambudziko iro zvakanaka, aiva asiri muguta panguvaiyoyo. Zvino mumwe chiremba mutsva akauya kuzovatarisa,aka—akaraira kuti vavhiyiwe nechimbichimbi, asi ivohavana kurarama pakuvhiyiwa uku. Uye—uye ivo vaiva…ndinovafunga…maziviro andinozviita, kuti murapi wavowamazuva ose aidai asina kuti—kuti vavhiyiwe, nokuti vakangavari munhu ane muviri mukobvu uye chimiro chavo chenduruchakanga chisina kumira zvakanaka. Uye vaiva nematombo,ndinofunga kudaro, kana chimwe chinhu mukati mechinogaranduru, uye—uye Ishe vanga vavaitira tsitsi. Vakamborwarazvorudzi urwu kazhinji nguva dzapfuura Ishe vakavabatsira,pana izvozvo. Asi zvazongoitika kuti zvive saizvozvo…Zvino,kana tikazvitarisa pakukwana kwazvo, isu tingati: Mwariwakadana Hanzvadzi Bell, uye ndiyo nzira yazvaifanira kuuyanayo, maona.8 Uye kuti akazvipotsa sei, kuzviunza kwandiri, kutindakafunga kuti vaiva Mai…Muzvare Shepherd. Ini ndakangandisingazivi Muzvare Shepherd. Mudzimai uyu anogonakunge ari pano, mangwanani ano, uye ndingangomuziva kanandikamuona chiso chake. Asi, zvakataurwa zvichinzi vaivaMai Shepherd. Uye kuti pamwe zvakaitwa zvose saizvozvo,kuitira kuti…Kana ndaziva kuti vainge vari Mai Bellvaiva mumamiriro iwayo, pamwe ndaidai ndakaendako uyendikavakumbirira pakarepo. Uyezve, onai, izvo, pamwe, Mwariakanga asingadi kuti tiite izvozvo. Saka, “Tinoziva kuti zvinhuzvose izvi zvinoshanda pamwe chetemukunaka kuna avo vanodaMwari.”9 Uye ndine chokwadi chokuti Hanzvadzi Bell vaida Ishewedu. Vaivamudzimai akanaka. Zvino, ivomumwewedu.Muno,hatina zvekutsaurana neruvara rweganda.Mhuri yaMwari hainamiganhu inotemwa pachishandiswa ruvara rweganda. Kana tiri

Page 3: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

HONDO HURUSA YATI YAMBORWIWA 3

vatsvuku, vakasvibira, vatema, kana veyellow, hazvina mhosva,kana vachena. Chero zvazvingava, tiri hama nehanzvadzimunaKristu. Saka naizvozvo tino—tinovada. Uye tichavashuva,isu Tebhanakeri. Ndichaashuva sei, ma “ameni” makuru,akakasharara, aivo Hanzvadzi Bell, kumashure uko mukona.Uye pataivatakura tichienda kumba, vaisitaura pamusoropaShe Jesu.10 Uye kana ndaizvinzwisisa zvakanaka, handinakumbozviziva kusvikira nguva pfupi ichangodarika, asindinofunga rufu rwavo ruchachemerwa imo muno muchechi.[Hama Neville vanoti, “Ndizvozvo.”—Mupepeti.] Icho Chipirichiri kuuya nenguva dza [“one o’clock.”] one o’clock. Uyendinofunga kuti imi neni tichazotungamirira [“Ndizvozvo.”]sevhisi yerufu urwu.11 Asi, muungano, kuti taderera pakusimba kwedu nemunhumumwe mangwanani ano. Mukuremekedza Hanzvadzi yeduBell, ngatisimukei netsoka dzedu kwekanguva, tichikotamisahuso hwedu.12 Mwari woupenyu, Anopa nokutora upenyu; saJobo wekareakati, “Ishe anopa uye Ishe anotorera; ngariropafadzwe ZitaraShe.” Makore akati kuti apfuura, Makatuma HanzvadziBell pakati pedu, kuti vave nhengo pamwe chete nesu,muhukuru hwegovero yeupfumi hwaMwari. Uye tinokutendaiImi nokuda kokurunzira kwavaiva nako pamberi pedu, kutivaifarira sei kuimba nokupupura, uye kuzadzwa noMweyazvekuti vaisvikira pakuchema nokudanidzira. Uye vakangavasinganyari neEvangeri yaJesu Kristu, nokuti, kwavari,Raiva Simba raMwari rinounza ruponeso. Kuona makoreavo achiwanda, uye kuti nguva inosvika apo tose tinofanirakudavira. Uye Imi mavabvisa kwatiri, mangwanani ano, kutivave muHupo hweNyu. Nokuti, zvirokwazvo ndicho chokwadi,kana tabva pano, tinopindamuHupo hwaMwari.13 O Mwari, tinokutendai Imi pane zvose. Tinonamata kutiMucharopafadza murume wavo, shamwari yangu, James;mwanakomana wavo, vanasikana vavo, vose avo. Tinonzwakuti mwanakomana wavo ari kubhururuka kubva kuGermany,kubva kumauto, achiuya kumba, kupa ruremekedzo rwaanogonakupa rwokupedzisira, panyika, kuna amai vakatisiya.Kuti hana yemujaya uyu iri kurova sei mangwanani ano.Ndinomunamatira, Ishe. Mwari, muropafadzei. RopafadzaiJimmy, uye ari sei iye…Kumuona achishanda kunze uko,maawa anonetesa, kuti araramise mhuri yake. Ndinonamatirakuti mhuri huru iyi isazopatsanuka, asi vhiri remhuririsapwanyikamuNyika iri mhiri kweupenyu huno.14 Dai isu, Ishe, zvino tasungazve zviri nane hanzu dzokurwanebhanhire, tawedzera kusunga, uye tobva tabuda kundorwazvino, kundorwa tisina mumwe wataiva naye svondo yakapera.

Page 4: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

4 SHOKO RAKATAURWA

Tinonamata kuti Muchatichengeta uye kutisimbisa, uyekutibatsira apo tinoenderera mberi, uye rimwe zuva dai tosetaunganidzwa pamwe chete zvakare mhiri kweupenyu huno.Nokuti tinozvikumbira izvi nemuZita raJesu. Ameni.15 Zvino dai mweya wehanzvadzi yedu yaenda wazororamurugare. Ndinoda kuti nditi rufu rwavo—rwavo ruchaparidzwapano Svondo, kana Chipiri, uye tingada…Munhuwese achauyaakasununguka kuuya. Ndinofunga Hama Neville pano vanezvirongwa zvose. [Hama Neville vanobvuma—Mupepeti.] Uyemaiva nazvo. Zvino, nhasi, ndinongo…16 Onai, hakuna zvakawanda. Dai pakava nechigaro kumwechingaunzirwa Hama navaHanzvadzi Slaughter kumashureuko. Ndakagamuchira foni yenyu, Hanzvadzi Slaughter,ndikaenda kunonamatira wenyu…vamwe vaHanzvadziSlaughter, Hanzvadzi Jean Slaughter vane fivhiri yetsuro,tularemia.Zvirokwazvo yakavabata, asi tinovimba naMwarikuti vachaita zvakanaka.17 Zvino tinoda kuverenga rimwe Gwaro. Uye ndinodakudzidzisa mangwanani ano, ndichitora nguva yangu, nokutikubva pandakadzoka kubva kunze, kuArizona, zvino, pahuropangu pachakashoshoma.18 Uye zvino, Svondo inotevera, musakanganwa, uyendinofunga kuti Billy akatotumira kare matsamba oku—okukushambadzira. Uye ichava sevhisi yakati rebei,tinotenda, saka ngatiuyei nekukurumidza sekukurumidzakwamunokwanisa. Tinoda kutanga, kubva pana hafu pastnine, kana kuti ndinoreva, ten o’clock. Uye pamwe, rangarirai,pamwe one kana one-…pamwe kusvika hafu past twelvekana one o’clock, saizvozvo, maawa matatu kana mana kanakupfuura, ndinoda kutora, uye kungotora Magwaro. Hunzaimapepa nezvinyoreso zvenyu, tingozviisa pachena. Panemubvunzo, bvunza—ubvunze, maona, uye pamwe tinogonakuzvitsanangura, kuita zvatinokwanisa kubatsira.19 Zvino ngativerengei mamwe Magwaro, chokutanga, zvino.Ndine nzvimbo nhatu muBhaibheri, idzo ndinoda kuverenga.Yokutanga yadzo, kana muchida kudzimaka, uye kana munepenzera. Ndinoda kuzendamira, mangwanani ano, pazvinyorwazvakawanda zvandinoda…kana kuti, Magwaro akawanda,ayo ndichada kuzendamira paari. Rokutanga ndi PetroWokutanga 5:8-10, VaEfeso 6:10-17, uye Danieri 12:1-14. Zvino,tochiverenga, tichitora nguva yedu.20 Uye munhu wese akagara pasi. Asi, pachine vashomavakamira, kumashure uye kurutivi. Asi tichaedza kuti tipedzenokukurumidza tigokusunungurai kuti muende, tozonamatiravanorwara.21 Tine mudzimai mudiki akarara pano mangwanani ano,anorwara kwazvo. Ndakanzwa kuti airwarisa, nezuro. Uye

Page 5: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

HONDO HURUSA YATI YAMBORWIWA 5

ndi—ndinoda kuti anzwe, mangwanani ano, chekutanga,ndisati ndamunamatira. Uye ndinoziva marwarire emudzimaiwechidiki uyu. Uye ari kurwara kwazvo, asi tina Babamukurukuru wokuDenga Uyo wakakunda nokupfuura zvirwerezvose. Uye ndine ka—kadiki…22 Ndakumbira Mai Woods kuti vakaverenge, asi ivo—ivovazeza ku—kudaro. Chinyorwa, apo chiremba wezvokurapaakashamiswa zvirokwazvo. Apo, iye anga ari mutsoropodziweKupodza kwaMwari, uye asingadi kuti munhu ataurenezvekupodzwa uku muhofisi yake; uye nanesi wake, naiyewo.Zvino, zvakaitika kuti, pakauya murwere aiva nekenza,kenza yakakura. Iye haana kuda kuva nechokuita nayo, sakawakamuendesa kune imwe kiriniki. Ikoko vakanga vasingadikuva nechokuita nayo, saka vakamudzosera kwaakanga abva.Saka ivo…O, yakanga iri pazamu, uye yakanga yaipa. Uyeganda rose rakanga radyiwa rapera. Uye kenza, yakanga yadzikamuzamu, ikapinda mumbabvu. Ndinofunga munonzwisisazvandiri kureva.23 Vakadana shamwari yedu chiremba mudiki wokubvakuNorway agere nesu mangwanani ano.24 Iye wakaunganidza zvinhu zvake zvose ndokugadzirira,nokuti anoti aiziva kuti—kuti vaida kuti amuvhiye kuti abvisezamu racho. Zvino raiva basa rinobudisa ropa zhinji. Uye—uye akatora zvinhu zvake, zvose. Nesi akagadzira mudzimaiairwara uya ndokumuunza mumba mekuvhiyira, ndokudzokerakunotora zvekushandisa, zvakare, izvo zvaizoshandiswanachiremba nemubatsiri wake, pakubvisa zamu riya.Zvino vakaisa matauro nezvimwe pamusoro pake. Uye ivovakatanga…25 Apo akacheuka, murume wake akada kuziva kana aigonakugara nechokumucheto muimba iyi achinamata. Iye aivamuparidzi woutsvene. Iye akagara ipapo parutivi rwegumboremubhedha, achinamata. Zvirokwazvo, chiremba haanakunyatsogutsikana nazvo, munoziva, kuti murume uyu arimo.Asi chero akanga asingazotarisi, uye hazvaizomurwadza,zvaiva nei hazvo, “Ndinofunga kuti zvanga zvakanaka; akangaasingazo—asingazofenda.”26 Saka akagara kudaro, achinamata, kwakauya karuzhamuimba iyi. Iye chiremba akatendeuka kuti achiendawo,zvakare, nezvinhu zvake, kunotanga kuchibvisa zamu.Akapenengura chinhu mushure mechimwezve. Panga pasisinakana vanga pazamu; pasina kana vanga zvaro. Iye akati,“Icho chino—chino…Icho chinofamba here?” Uye akatanga…Uye nesi akapawo chapupu chake. Vose pamwe chete zvinovava mapentekosita, akazadzwa neMweya Mutsvene, vavakushandira Ishe. Pasisina kana vanga!

Page 6: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

6 SHOKO RAKATAURWA

27 Iye Chiremba Holbrook akapupura, pachake, akati, “Minetiimwe chete pasati pasvika ipapo, mu—mukadzi anga akararaapo, uye nanesi, nezikenza zihombe rakatundumara kunzepazamu rake. Uye mineti imwe chete mushure, panga pasisinakana vanga payanga yabviswa.” Ndiye mumwe wavanachiremba vedu vezvokurapa vakanaka muAmerica muno. Iyeanoti akabva angogutsikana nazvo pakarepo. Uye, iye, aitovemudhikoni mune imwe chechi. Maona?28 Onai, vanhu vanongofunga kuti chechi ndechimwe chinhuchaunongoenda kwachiri, uye, “O, unoendako kunodzidza kuvamunhu akanaka, kana zvimwe zvakangodaro.” Izvo hazvisiriizvo, shamwari. Kwete. Mwari ndiMwari. Anongova nohukurunesimba nhasi sezvaAingova, sezvaAkagara ari. Uye Acharambaari zvimwe chete. Uye Iye i…Isu tinongoMuda.29 Zvino, tinoda kuverenga zvino kubva pana PetroweKutanga,chitsauko chechishanu, ndima 8 na10, dzokutanga nadzo.

Iva wakabengenuka,…wakangwarira; nokutimuvengi wako dhiyabhorosi,…seshumba inoomba,anofambafamba, achitsvaka waangaparadza:

Uyo murwise wakamira nesimba mu…kutenda,uchiziva kuti kurwadziwa kumwe chete uku kwakaitwamuhama dzako dziri munyika.

Asi Mwari wenyasha dzose, uyo akatidanirakukubwinya kwake kusingaperi naJesuKristu, mushuremokutambudzwa kwekanguva, okuitai vakakwana,vakagadzirirwa, vane simba, uye akudzikamisei.

30 Mwari ngaarumbidzwe! Zvino muBhuku ravaEfeso. Tinodakuti tivhure pano kuBhuku ravaEfeso, chitsauko 6, uye tinodakuverenga kubva pandima 10 kusvika pa17, dzandakatara.

Pakupedzisira, hama dzangu, ivai nesimba munaShe,nomusimba rake guru.

Pfekai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, kutimugone kumira muchirwa namano adhiaborosi.

Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi navabati,namasimba, namadzishe erima enyika—enyika ino,nemweya yakaipa yemunzvimbo dzakakwirira.

Saka zvitorerei nhumbi dzose dzokurwa nadzodzaMwari, kuti mugone kumira muzuva rakaipa,…maita zvose, kuti mumire.

Mirai naizvozvo, makasunga zvivuno zvenyunezvokwadi,…mune chidzitiro chapachipfuvachokururama;

Netsoka dzenyu dzakapfekedzwa nekugadzirirakweevhangeri yorugare;

Page 7: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

HONDO HURUSA YATI YAMBORWIWA 7

Pamusoro pezvinhu zvose,…nhovo yokutenda,yamuchazogona nayo kudzimura miseve yose inemwoto yowakaipa.

Uye torai ngowani yoruponeso, nemunondowoMweya, rinova iro shoko raMwari:

31 Zvino muBhuku raDanieri, ndinoda kuverenga zvakare.Zvino, Danieri chitsauko 12. Ndinoda kutanga pokutanga, uyendoverenga pakati—pakati rebeyi pechitsauko ichochi, ndimadzinoita gumi neina.

Zvino panguva iyo…Mikaeri uchasimuka, iyemuchinda mukuru unomiririra vana vavanhu vako:uye pachazove ne…nguva yenjodzi, isina kumbovapoyakadaro kubva pakumuka kwamarudzi avanhukusvikira panguva iyo: uye panguva iyo vanhuvako vachazodzikinurwa, vose avo vachawanikwavakanyorwa mubhuku.

Zvino vazhinji vavo avo vavete muguruva renyikavachazomuka, uye vamwe kuupenyu husingaperi,…vamwe kukunyadziswa nokuzvidzwa kusingaperi.

Asi avo vakachenjera vachazopenya sokupenyakokudenga; uye avo vanodzorera—vanodzorera vazhinjikukururama vachapenya senyeredzi nokusingaperi—peri.

Asi iwe, ODanieri, zarira—zarira…bhuku, kusvikirapanguva yokupedzisira: vazhinji vachamhanya kwosekwose, uye zivo ichawanzwa.

Zvino ini Danieri ndakatarisa, uye, tarira,pakamira vamwe vaviri,…mumwe nechokunopamhenderekedzo yorwizi, uye mumwe uko ku…diviiro remhenderekedzo yorwizi.

Zvino mumwe akati kumurume wakanga akapfekamucheka, wakanga ari pamusoro pemvura yorwizi,Inguva yakadini kusvikira pakuguma kweizvi zvaiva…zvishamiso?

Zvino ndakanzwa murume wakanga akapfekamucheka, uyo akanga amire pamusoro pemvurayomurwizi, apo akasimudzira ruoko rwake rworudyinerworuboshwe kudenga, uye akapika naiye unoraramanokusingaperi kuti zvichaita nguva imwe, neimwenguva, uye nehafu; uye kana achinge apedzakuputsanya simba ravanhu vatsvene,…zvinhu izvizvichazopedziswa.

32 Ndinotenda kuti ndochimirira ipo pano. Ndinoda kutoramusoro wenyaya, kana pachidaidzika musoro kubva apa, panaizvozvi, kuti ndiwane musoro wenyaya unoti: Hondo Hurusa

Page 8: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

8 SHOKO RAKATAURWA

Yati Yamborwiwa. Ndiwo wandinoda kushandisa semusorowenyaya.33 Zvino, masvikire andakaita kunobata uyu somusorowenyaya mangwanani ano. Tichangodzoka; vabati vehomwevamwe, pano pakereke, neni, taiva kuArizona. Uye takaendako,zvirokwazvo, kuti tinove nemusangano kuPhoenix, neHamaSharrit, patebhanakeri yavo. Asi pandakaona kuti imwe—imwehama yaiva muguta, ine masevhisi emutente, zvino, ipapo,ndakanzwa kuzengurira kuitawo musangano. Ndakafungakuti pamwe ndaizouita neSvondo masikati, kuti pasazovaneanokanganiswa nazvo mumakereke avo. Asi, ndokuona, kutiaiva namasevhisi epaSvondo masikati, zvakare. Zvino ndakavano—nokushushikana zvishoma pamusoro pokuva nesevhisi.34 Zvino saka isu hama, pachinhambo chokupedza zuva rose,sezvo taiva kunze tichivhima, takaendamuguta, ndokugadzirira,ndokuenda kumasevhisi eHama Allen. Hama A. A. Allenvakanga vachiita masevhisi. Saka takaenda kumasevhisi, HamaAllen vakaparidza mharidzo yakasimba. Takava ne—nenguva,nguva yakanaka, yokuterera Hama Allen, kunzwa va—vaimbi,uye zvakadaro, kuti vaiimba sei, nekudanidzira, uye takavanesevhisi huru.35 Zvino takaona, parwendo rwose, ruoko rwaShe. Kosekwatakaenda, Ishe Jesu vaisangana nesu. Uye pane chimwechinhu pakuva kunze uri wega, kunze kumarenje. Panechiripo pazviri, kuti kana uri wega saizvozvo, pane chimwechinhu chinokuswededza pedyo. Ndicho, chandinofungidzira,chikonzero chandinodira nzvimbo idzo dzokunze. Unoenda kurenesimba romuvengi, sezvatinazvo pano.36 Wakaipa haatongokuvadzi kunze kokuti agona kuwanachinhu chokuti ashande ari machiri, chaanenge anacho.Munorangarira mweya yakaipa iyo yakadzingwa munaLegion,yaiva nei? Yaida kuita mimwe misakanzwa, saka yaida kupindamunguruve. Saka, mweya yakaipa inofanira kuva nechinhuchokuti ishande iri machiri, mumwe munhu wekuti ishandenomaari.37 Zvino ndiyo nzira Mwari yaanoitawo nayo, zvakare.Anofanira kuva nesu. Iye ari kuvimba nesu, kuti ashandenematiri.38 Uye vazhinji vakauya patainge tiri parwendo, nehopedzavakarota. Uye Ishe Jesu havana kutongokundikana asivakadzipa dudziro dzamazvirokwazvo, saizvozvo, nomazvochaimo.39 Uyezve Akanga akatinakira, kutitungamirira kwaivanemhuka nokutiudza padzaiva. Uye munoziva, kungovaposaizvozvo, zvakangonaka. Kugara usiku, takatenderera,pachoto chepamusasa, kure navanhu vose, kwemamairanemamaira nemamaira, nekutarisa ku—kubhwibhwinya

Page 9: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

HONDO HURUSA YATI YAMBORWIWA 9

komwoto wepamusasa pamatombo akapoteredza. Zvino, o,zvainge zvakanaka kwazvo!40 Imwe hama ikoko, iyo yaiva nedambudziko nemudzimaiwayo, uyo aiva…Makore apfuura, mudzimai uyu akasimudzamusoro wake musevhisi yepamusangano, apo pandainge ndirikuita sevhisi. Zvino ndakanga ndavaudza kuti vakotamise husohwavo; paiva nomweya wakaipa uyo wanga usingadi kubvapa—pamudzimai, aiva papuratifomu. Zvino mukadzi uyu,nokuda kokuzvidza, ndokusimudza musoro wake zvakadaro.Zvino mweya wakaipa wakabva pamukadzi, aiva papuratifomu,ndokuenda kwaari. Zvino izvi zvava nemakore gumi nemana,uye mukadzi uyu agara ari mumamiriro asina kunaka;zvakanyanya, kunyange nepfungwa, kusvikira pokuti anongoitazvinhu zvisina kunaka. Somuenzaniso, akasiya murume wake,ndokuenda kunoroorwa nemumwe murume apo akanga achirikugara nowake; akati iye akanga asingazivi kuti ndizvozvaakaita. Saka vaka—vakaedza kumuongorora pakuita uku.Munozviti kudii izvozvi, pauno…Kusaziva kuti ndiwe ani?I…Zvangu ini, hameno zita racho. Ndinofunga kuti ndizvozvo,chiremba. Asi zvakanga zvisiri izvozvo. Waiva mweya. Uyeiye…iye mukadzi uyu aiva shamwari yangu yakanaka. Asikubva usiku uhwo, kuenda mberi, akatosarudza kundivenga.Zvirokwazvo,munogona kuona kuti sei zvaiva zvakadaro.41 Asi zvino murume wake paakauya, tikapfugama mumbamokuti tinamate, Mweya Mutsvene wakabva waburuka. Ndizvozvazvaida. Ndokubva Azviratidza kumurume wake usiku uhwu,kuhope. Akauya nehope dzake, achifunga kuti kwaiva kutamba.Ndokuzoona, kuti ndiyo yaitove mhinduro yokupodzwakwemudzimai wake.MweyaMutsvenewakashanda sei!42 Tiri zasi kuTucson, neHama Norman nevamwe, uye ikokoIshe vakatanga kushanda zvakare nezvinhu zvine simba gurunekuisa zvinhu pachena.43 Humwe usiku, icho chandikwevera kupfungwa iyi pano,ndakanga ndakamira neHama Wood neHama Sothmann.Takanga…Dzaiva nguva dzingaita ten o’clock usiku,uye ndainge ndakatarisa mudenga, kushamisa kukurukukandifukudza. Zvino ini ndakati, “Ingotarisai! Hondoyose huru, yomudenga!” Uye ndakati, “Zvinhu zvose zvirimukuwirirana.”44 Zvino Hama Wood vakati, “Wakatarisa panyeredzimbiri diki dziri pedyo napedyo, izvo, zvinodziita kuti dziitesechiedza.”45 Ini ndikati, “Asi, munoziva, Hama Wood, maereranonesainzi, Boka renyeredzi Boka Duku renyeredzi Boka gururenyeredzi, nyeredzi idzodzo hadzionekwi sedzakataramukanamainjisi maviri; asi idzo dziri kure nakure kupfuura hurefuhuri pakati pedu nekwadziri. Uye kana dai dzaitanga rwendo

Page 10: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

10 SHOKO RAKATAURWA

rwokuuya kunyika ino, dzichifamba zvuru zvamamairapaawa, zvingatora, zvingatora mazana nemazana emakorekuti dzisvike panyika ino.” Uye ini ndikati, “Muukuru uhwuhwose, zvinhu zvikuru pano, asi vanotiudza kuti vanotarisanemumagirazi, vachiona chiedza chamakore zana nemakumimaviri emamiriyoni, kunze uko; uye kuchiri nemimwemwedzi nenyeredzi. Uye—uye, asi, Mwari wakagadzira chimwenechimwe chazvo. Uye Anogara pakati pazvo.”46 Ndikati, “Pane imwe nzvimbo umo, ndakambengendazvinongedzerwa ini, imwe nguva ndiri munoongororerwanyeredzi, nyeredzi dzinorunzira upenyu hwavanhu; kutanganemhandara, kouya chizvarwa chekenza, uye kudzika kusvikirapane chekupedzisira chinova shumba, Leo inova shumba.Kuuya kwaKristu kwokutanga, kubudikidza nemumhandara;kuuya kwechipiri, kubudikidza neShumba yorudzi rwaJuda.”Zvino ini ndakati, “Ndakaedza nokugona kwangu kose kutindione nyeredzi dzerunziro idzi, asi handigoni kudziona. Asi,zvekare, dziripo. Avo vakadzidziswa, vanoziva kuti dziripo. Joboakadziona. Vanhu vaigara vachidziona. Ndiro raiva Bhaibheri,pane imwe nguva. Asi muhukuru hwose hwe—hwechiedzachemamirioni namabhirioni amakore, Mwari anogara pakatipazvo zvose, uye Iye anotarisa pasi. Pauro arimo. Mai vanguvarimomukati imomo, pane imwe nzvimbo, vakatarisa pasi.”47 Zvino ndakafunga nezveurongwa hwehondo yokudenga,hakuna chimwe chete chisiri panzvimbo yacho. Chimwenechimwe chinochengeta nguva yacho, zvakakwana. Hondohuru yaMwari! Ndakafunga nezvamauto; kuti kana mwedzi uyoukabuda mugwara rawo, nyika inozadzwa nemvura zvakare,mumaminetsi mashomanene. Nyika ingazova sezvayaivaapo Mwari akasarudza kuishandisa, kuti isu tive panopairi. “Yakanga isina chimiro, isina chinhu, uye rima,nemvura zvakanga zvakazadza nyika.” Zvino kana mwedziuyo ukangofamba, unongoita zvimwe chete zvakare. Kanamwedzi ukangofamba zvishoma kubva kunyika, mvuradzomumakungwadzinokwirira dzouya panyika.Kana ukadzika,makungwa anongoutevera. Ihondo huru yaMwari. Apopandakafunga nezve…ihondo huru yaMwari iyo.48 Zvino, takaenda kundorara. Uyezve ndakatanga kufungakuti hakuna chimwe chazvo chinobva munzvimbo yacho.Zvose zvinogara munzvimbo yazvo. Uye kana paine kufamba,kwose, pakati pazvo, pane chikonzero, uye zvinotokanganisanyika ino. Tichangobva kuona zvibereko zvazvo iko zvino,kubva pakufamba kwezvimwe zvazvo zvichienda mune dzimwenzvimbo. Zvine zvazvinoita. Zvinokanganisa zvose.49 Zvino ndakafunga, zvakare, kuti kana hondo huruyekudenga iyo, yakadai, ichifanira kuchengeta nzvimbodzayo, kuti zvose zvive nehurongwa hwakanaka, zvakatodiinenyonganyonga yehondo yepanyika? Kuti apo chimwe chete

Page 11: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

HONDO HURUSA YATI YAMBORWIWA 11

chikabuda mugwara, chinokonzera sei zvose kusafambazvakanaka! Hurongwa hwose hwaMwari hunokanganisika kananhengo imwe chete bedzi yabuda mugwara rayo. Tinofanirakushingairira kuchengetedza hurongwa hwoMweya.50 Uye ndingati, kuna Mwari, mangwanani ano, dai tikaunzaiyi kuti ive sevhisi yekupodzwa yemazvirokwazvo, kutitichachengeta chikamu chino…boka iri rataunganidza pasipedenga rino mangwanani ano, mukuwirirana, kuti MweyaMutsvene uchagadza nhengo imwe neimwe yoMutumbi, iyo iripopanomangwanani ano, mukuwirirana uku, kusvikira pachazovanekupodzwa kwemweya nemuviri, kana tikangochengetanzvimbo dzedu.51 Zvino, sezvandambotaura pakutanga, mudzimai uya aivanekenza iyo Chiremba Holbrook vakabvisa…vaizonobvisa.Zvino, Mwari wakakonzera ruzha rwuya kuti rwuuyemukiriniki, uye ndokubvisa kenza pakasasara kana vangazvaro, hamuzivi here kuti Mwari mumwe cheteyo ari pano?[Ungano inoti, “Ameni.”—Mupepeti.] Uye chinhu chimwe chaArikumirira, ndechokuti hondo yaKe—yaKe ichimira munzvimboyayo, senyeredzi, dziri panzvimbo dzadzo.52 Zvino, munoziva, takave nehondo dzichitevera dzimwehondo, uye guhu rehondo? Uye kana nyika ikararama, tichavenehondo zhinji. Asi munocherechedza here kuti kune masimbamaviri pasi rose? Kubva pakusawirirana pakati pendudzidzavanhu, uye kusawirirana pakati pemumwe nomumwe, uyezvose, zvinongova pamasimba maviri. Pane masimba maviribedzi, uye pane humambo huviri; masimba maviri, nehumambohuviri. Zvimwe zvose, zvinhu zvidiki diki, zvakabatanidzwanerimwe ramasimba aya.Masimba awa isimba raMwari nesimbaraSatani. Ndizvo zviri…Hondo yose, nyonganiso yose, chosechinouya, chinotongwa nesimba raMwari kana kuti simbaraSatani, nokuti ndiwo masimba maviri oga aripo. Zvino ndirosimba reupenyu nesimba rerufu. Zvino, ndiwo bedzi masimbamaviri.53 Satani anokwanisa bedzi…Simba rake, raanaro,isimba raMwari raakatsveyamisa. Harisi simbaramazvirokwazvo.Kutsveyamiswa kwesimba raMwari, zvoseSatani zvaanazvo. Rufu hupenyu hwatsveyamiswa. Nhemaichokwadi chisina kutaurwa muchokwadi. Maona? Vupombwechi—chiitiko chashandiswa zvisizvo, chiitiko chakaruramachaitwa zvisizvo. Maona? Chose Satani chaanacho ndechimwechinhu chakatsveyamiswa, asi isimba.54 Zvino isu takagara, pano, nhasi, rimwe kana rimweremasimba awa riri kuzotishandisa. Saka ngatirasirekunze rakaipa racho. Ngatitorei nzvimbo dzedu senyeredzidzomudenga.

Page 12: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

12 SHOKO RAKATAURWA

55 Sezvarinotaura Bhaibheri, “Nyeredzi dzinongombeya-mbeya,” muBhuku raJudasi, “dzichibudisa furo rokunyadziswakwadzo.” Zvino hatidi kuva nyeredzi dzinongombeya-mbeya;hameno kana izvi zviri izvo, hameno kana izvi zvakanaka,hameno kana zvichazoitika, hameno kuti zvingazoitikasei. Usatetereka. Gara wakaita senyeredzi idzo dzedenga,semusoja wamazvirokwazvo panzvimbo yake yebasa. Mira apo,uchitenda! Upenyu nerufu.56 Zvino, hondo, kana iri hondo yamazvirokwazvo, nyikaichigadzirira kundorwa neimwe nyika, inofanira kutanga yagarapasi nekuona kuti chii chakanaka uye chii chisakafanira, uyekuti vangagona kundorwa nenyika iyo here kana kwete. Jesuakazvidzidzisa izvi. Zvino dai vanhu vakadaro, dai nyika dzi—dzikagara pasi, dzomira nekufunga zvinhu izvi, mativi ose,tingadai tisingazovizve nedzimwe hondo.57 Zvino, tinoona, kana munhu asingaiti izvi, kanavatungamiriri vavarwi venyika vasingagari pasi, kutanga, voonakuti vari mukururama, uye kuti donzvo nechinangwa chavozvakanaka, uye kuti vane simba rakakwana rokuti vagokundahondo inouya, zvino vakasadaro zvechokwadi vanokundwa.58 Ndopakaita Mutungamiriri we mauto Custer mhosho yakeine rufu. Mutungamiriri Custer, sezvandinonzwa, akarairwakubva kuhurumende, kuti asapinde munyika yavaSioux,nokuti yakanga iri nguva yavo yokunamata. Yakanga iri nguvayekushumira. Vakanga vaine mabiko. Asi Custer akadhakwa,akafunga kuti achangozviita zvakadaro. Ari kuyambuka, kanadai arairwa kudaro kana kuti asina. Uyezve vakatopfura vamwevarume vasine mhosva, vakavapfura. Ndinofunga kuti vakabayavamwe vavo. Vakanga vari masikautsi, kunze, vaitsvagazvokudya, zvokupa vanhu vavo—vavo avo vaingunoshumira.Zvino Custer, pakuyambuka, akavaona, ndokufunga kutivaitsvaga vedivi rake, ndokubva avapfura masikautsi aya. Uyemasikautsi aya akapukunyuka, ndokudzoka. Chii chavakaita?Vakanozvishongedza nezvombo, ndokubva vauya. Zvino ukundiko kwakava kuguma kweMutungamiriri Custer, nokutihaana kugara pasi, akatanga afunga.59 Iye wakanga asina chokuita ikoko. Wakanga asinakodzero yokuva ikoko. Wakanga adzinga maIndia kubvakuMahombekombe ekuMabvazuva, rwendo rwose kuyambukirakumavirira, zvakadaro. Zvino vakanga vanyoreranachibvumirano, asi iye akatyora chibvumirano ichocho. Zvino iyepaakatyora chibvumirano, ndipo paakakundwa pakurwa.60 Zvino saka varwi, chokutanga, mukugadzirira kurwa,kutanga panofanira kuva navakasarudzwa, vamwe varwi.Vanofanira kupfeka hanzu dzokurwa. Vanofanira kuvavakadzidziswa kurwa.

Page 13: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

HONDO HURUSA YATI YAMBORWIWA 13

61 Uye ndinotenda kuti hondo hurusa iyo yati yamborwiwa,yagadzirira kuti ichiitika. Ndinotenda kuti Mwari angaachisanangura varwi vaKe. Ndinotenda kuti AngaAchivapfekedza, nekuvadzidzisa. Uye nzvimbo yokurwirayagadzirwa, kugadzirira kuti ichitanga.62 Iyi hondo huru, yekutanga, iyo yati yamborwiwa, yakatangakuDenga, apo Mikaeri neNgirozi dzaKe vakarwa naRusiferinengirozi dzake. Payakatanga, iyo hondo yokutanga, yaivakuDenga. Saka, chivi hachina kutanga panyika, chakatangirakuDenga.63 Saka zvino chakakandwa pasi kubva kuDenga, kubudiswakunze kweDenga, chikauya panyika, ndokuwira pavanhu.Zvino hondo, yakabva kungirozi, ikazova hondo yavanhu.Zvino Satani akauya kuzoparadza zvakasikwa zvaMwari,izvo Mwari akazvisikira kuti zvive zvaKe. Satani, wakangaauya, kuzoparadza izvo. Ndicho chaiva chinangwa chake,chokuzoparadza. Zvino hondo yakatanga pano panyika,ikatanga matiri, uye yanga ichibaka kubva kare kusvikananhasi.64 Zvino, hondo yese isati yatangwa, vanofanira kutangavasarudza nzvimbo yekusonganira, kana kuti nzvimbo iyo hondoichazorwirwa, nzvimbo yakasanangurwa.65 MuHondo Yekutanga Yepasi rose, yanga yakanyatsogadzwa,munzvimbo-isina-muridzi umo vakandorwira. Saka panofanirakuva nenzvimbo yakasanangurwa.66 Seapo Israeri yakaenda kundorwa navaFiristiya paivane—ne—nemakomo kumativi ose epavakanga vakaungana.Apa ndipo pakabuda Goriati akadanidzira kuhondodzeIsraeri. Ndipo Dhavhidhi akasangana naye, mumupata, apoakayambuka karukova kadiki kaipinda napakati pamakomomaviri, akanhonga matombo.67 Panofanira kuva nenzvimbo yakasanangurwa. Uye muneizvi, pane—ne nzvimbo yawiriranwa navaviri, nzvimbo-isina-muridzi, uye vanorwira pano panzvimbo iyi. Havangoti, mumweanorwa pano, uye mumwe zasi uko, mumwe omanya napapa.Pane pokurwira apo vanosangana nokuedzana masimba, apohondo imwe inoedza simba rayo pane imwe hondo, nzvimboyakawiriranwa kusangana. Zvino, (batai) musapotsa izvi.68 Zvino hondo huru iyi payakatanga panyika, paifanirakuva nenzvimbo yakawiriranwa pokusangana. Paifanira kuvanenzvimbo yakasanangurwa kuti hondo itange, uye kuti hondoibake. Zvino nzvimbo iyi yokurwira yakatanga mupfungwadzomunhu. Umu ndimo munotanga hondo. Pfungwa dzemunhudzakasarudzwa kuti dzive nzvimbo yehondo, apo yakatanga,uye imhaka yokuti sarudzo dzinoitwa mupfungwa, mumusoro.Zvino, havana kuzvitanga zvichibva pane rimwe sangano.Havana kuzvitanga zvichibva pane zvimwe zvinhu. Nzvimbo

Page 14: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

14 SHOKO RAKATAURWA

hadzina kutanga ipapo. Naizvozvo, sangano harigoni, harigonikuita basa raMwari, nokuti nzvimbo yekurwira, paunofanirakusangana nemuvengi wako, iri mupfungwa. Unofanira kuitasarudzo yako. Inosangana newe.69 Ndinoda kuti musikana mudiki uyu pano, ari kurwarisa,atererese zvino kune izvi, kutereresa kwazvo.70 Sarudzo dzinoitwa mupfungwa, mumusoro. Ndipopaanosangana newe Satani, uye sarudzo ndizvo zvadziri, nokutiMwari akaita munhu nenzira iyoyo.71 Zvino, ndine (dai wanga wakatarisa pane zvandakanyorapano) ndakadhirowa kamepu. Ndakanga ndinako pano kwetenguva refu yapfuura, pa…ndakakashandisa pabhodhi. Munhuakangogadzirwa sezvakaitwa tsanga yegorosi. Imbeu. Uyemunhu imbeu. Panyama, uri mbeu yababa namai vako;uye upenyu hwakabva kuna baba, nyama ikabva kuna mai.Saka, zviviri, pamwe chete, zai ne—neropa, zvobatana. Uyemukati mechizenga cheropa mune upenyu. Uye mukati umozvinotanga, kukura, zvichigadzira mwa—mwana. Zvino, mbeuyose ine demhe rokunze; mukati mune munyepfu; uye mukatimemunyepfu mune mhodzi youpenyu. Zvakanaka, ndiwomagadzirirwo atakaitwa. Tiri mutumbi, munhu womukati,uye mweya. Kunze, mutumbi, idemhe; mukati maizvo, hanayomukati nezvakadaro, mune munhu womukati; uye mukatimemunhu womukati, mune mweya. Uye mweya unotongazvimwe izvi zvose.72 Zvino, kana ukagara pasi paunosvika kumba, wodhirowamadenderedzwa madiki matatu. Uchaona kuti mutumbiwokunze une pfungwa shanu dzaunoshanda nadzo, dzinova idzokuona, kuravira, kunzwa kwekubata, kunhuwidza, nekunzwanenzeve. Ndidzo pfungwa shanu dzinoshandiswa nomuviriwomunhu.73 Mukati momutumbi mune munhu womukati, uye munhuwomukati anodavirira kukufungidzira, hana, kurangarira,kushandis njere, uye zvido. Ndizvo zvinhu zvinoshandanomunhu womukati.74 Asi, mweya, une pfungwa imwe chete. Mweya…O,ngatizvibatei. Mweya une pfungwa imwe chete, uye pfungwaiyi inorunzira, kutenda kana kupokana. Ndizvo chaizvo izvo.Uye pane nzira imwe inosvika pauri, ndiko kuzvisarudzirasedungamunhu. Unogona kugamuchira kupokana kana kutiunogona kugamuchira kutenda, chero chimwe chete apachaunoda kushanda nacho. Naizvozvo, Satani akatanganepanokosha, kuti akonzere mweya wemunhu kuti upokanepaShoko raMwari. Mwari akatanga nepanokosha, akawariraShoko raKe mumweya uyu. Hezvo kwamuri. Ndizvozvazvinoita.

Page 15: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

HONDO HURUSA YATI YAMBORWIWA 15

75 Kana chechi ino, izvozvi ikagona kubatanidzwa, uyeikarukwa pamwe chete zvokuti munhu wese anenge arimuhumwe, pasina kana mumvuri wekupokana kwese, hakuzovinemunhu ane vutera pakati pedu, mumaminetsi mashanuanotevera. Hakungavi nemumwe achashuva Mweya Mutsveneasi anotoUgamuchira, kana mukangogona kuti chinhu ichochigadzirike. Zvino, ndipo panotanga hondo, imo mupfungwadzako, kana uchida.76 Zvino rangarira, hadzisi Sainzi dzechiKristu, uye, pfungwayomunhu pamusoro pezvinobatika. Izvo hazvina…Pfungwadzinogamuchira Upenyu, hunova iro Shoko raMwari, rounzaUpenyu. Pfungwa dzako bedzi hadzigoni kuzviita. Asi, ShokoraMwari, rapinzwa mugwara repfungwa dzako. Maona? Haisipfungwa, sezvazvinoitwa neveSainzi dzechiKristu, pfungwayomunhu pamusoro pezvinobatika. Kwete. Izvi hazvisiri izvo.77 Asi, pfungwa dzako dzinoRigamuchira. DzinoRibata.Pfungwa dzako dzinotungamirirwa nei? Nomweya wako. Zvinomweya wako unobata Shoko raMwari, uye ndicho chinhu chineUpenyu maChiri. Chinounza Upenyu mauri. O, hama! Kana izvizvaitika, Upenyu pahunodzika negwara iro, kupinda mauri, iroShoko raMwari rinobva raratidzwa nomauri. “Kana mukagaramaNdiri, uye Mashoko aNgu akagara mamuri, zvino kumbiraizvamunoda muchazviitirwa.”78 Zvino izvo zvinoitei? Kubva pakati pemwoyo, panovanemunhu wemukati, kubva ipapo zvinoenda mberi, zvichipindamugwara roga roga. Dambudziko nderokuti, takamira mukatiumu tiine kupokana kuzhinji, tichiedza kutambira zviri kunzeuko. Unofanira kurega izvozvo; wodzika negwara iro rine ShokoraMwari rechokwadi, uyezve rinobuda kunze, pacharo, roga.Ndezviri mukati. Ndizvo zvinhu zvine basa, zviri mukati.

Satani masvikire ake ndeokubva nemukati.79 Zvino, unoti, “Handibi. Handinwi. Handiiti zvinhu izvi.”Izvo hazvinei nechokuita nazvo.80 Maona, ndezviri mukati. Hazvina basa kuti wakanakasei, kuti une tsika sei, wakatendeka sei, zvinhu izvozvinoremekedzwa. Asi Jesu akati, “Kunze kwekuti munhuaberekwa kutsva.” Maona? Panofanira kuva nechimwechinhu chinoitika mukati. Kana usina, zvinongova zvipfekozvekunze, nokuti mukati memwoyo wako unoshuva kuzviitazvakadaro. Hazvifaniri kuva zvekunze. Zvinofanira kuvazvamazvirokwazvo.81 Zvino pane nzira imwe chete bedzi iyo zvingagonakudzika nayo, ndiyo nzira yekuzvisarudzira, zvopindamumunhu wemukati, kubudikidza nepfungwa dzako. “Munhusezvaanofunga mumwoyo make, ndizvo zvaari.” “Kana ukatikugomo iri, ‘Ibva,’ usina kupokana mumwoyo mako, asiuchitenda kuti zvawakumbira zvichaitika, unova nazvo

Page 16: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

16 SHOKO RAKATAURWA

zvawakumbira.” Mazvibata? [Ungano inoti, “Ameni.”—Mupepeti.] Hezvo kwauri. Maona? Heyo nzvimbo yokurwira.Dai mukangoita kuti zvitangise, kutanga.82 Tine shungu dzokuona zvinhu zvichiitwa. Tine shungudzokuitira Mwari chimwe chinhu. Mudzimai mudiki uyuhaasi…shungu, pasina kukahadzika, ane shungu dzokutiararame. Anoda kupora. Vamwe varipo pano, vanoda kupora.Uye kana tikanzwa nezvedambudzo iro, sachiremba, kumutswakuvakafa, zvinhu zvikuru zvemasimba izvo Mwari wedu akaita,zvinotipa shungu. Zvino chikuru ndechichi, tinoedza kubata izvinepfungwa idzi, kuti tibate chinhu chiri uko, sehana.83 Vanhu vazhinji, nguva dzakawanda, vakanzvongamisaShoko. Uye handina kunzwisiswa pane izvi, kudaidziravanhu kuaritari. Ini ndakati, “Handina kunyanya kudaniravanhu kuaritari,” ndisingarevi kuti haufaniri kudanira vanhukuaritari.84 Asi mumwe munhu ngaabate mumwe ruoko, ati, “O, HamaJohn, munozivei? Ini nemi tanga tiri vavakidzani nguva yose iyi.Huyai pano paaritari, pfugamai.” Chii chaari kuita? Ndinoshuvakuti dai ndanga ndine bhodhi rekunyorera pano, ndaikuratidzaikuti chii chaari kuita. Ari kuedza kushanda nomumunhuwomukati wake, achishandisa zvido. Izvo hazvishandi. Harisi irogwara racho. Zvirokwazvo, hariziro.85 Pamwe ari kushanda mu (chii?) ndangariro, kubudikidzanemupfungwa yemunhu womukati. “O, Hama John, maivanamai vakanaka. Vakafa nguva refu yapfuura.” Ndangariro!Maona? Hauzviiti saizvozvo.86 Zvinofanira kuuya nemutsara wekuzvisarudzirawakasununguka. Iwe, pachako, regedzera Shoko raMwari…Hauuyi nokuti amai vako vaiva munhu wakanaka. Hauuyinokuti uri muvakidzani wakanaka. Unouya nokuti Mwarianokudana kuti uuye, uye unomugaMuchira paShoko raKe.Shoko iroro ndiro rinoreva zvose. Shoko iroro! Kana ukabvisazvinhu zvose kubva panzira, hana yose, pfungwa dzose,wongorega Shoko ripinde mukati, Shoko iroro rinoberekachaizvoizvo.87 Pano, onai kuti Rakafukidzwa nei? Iwe unoti, “Saka,zvino,” unoti, “saka, izvozvi, hana nepfungwa idzi, nezvakadaro,hazvinei nechokuita nazvo, Hama Branham?” Zvirokwazvo,zvine chokuita. Asi ukarega Shoko richipinda, uye woRifukidzanehana, zvino haRingagoni kukura; rinozova shoko rakaremara.88 Wati wamboona here tsanga yakanaka yechibageyakadyarwa muvhu, muti wowira pamusoro payo? Inozokurayakakombama. Muzambiringa wese, chinhu chose chinokura,chinodaro, nokuti chimwe chinhu chachipingaidza.89 Zvino, ndicho chakakanganisika noKutenda kwedukwepentekosta nhasi. Tatendera zvinhu zvizhinji

Page 17: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

HONDO HURUSA YATI YAMBORWIWA 17

kuKupingaidza, iko Kutenda kwatakadzidziswa, iwo MweyaMutsvene wange uchirarama matiri. Tatendera zvinhuzvizhinjisa, tichitarisa panemumwewomunhu.90 ZvinoDhiyabhorosi anogara achiedza kukunongedzera panekukundika komumwe, asi ari kuedza kukuisa kure nechapupuchemazvirokwazvo chechokwadi. Achakunongedzerakumunyengeri, pane imwe nguva, uyo aitevedzera chimwechinhu. Iye haana kuchiita, nokuti waitevedzera. Asi kanazvabva pachitubu chechokwadi cheShoko raMwari, “Denganenyika zvichapfuura, asi Shoko raNgu haringapfuuri,”Zvinofanira kugara zvakadaro.

Unozviona here izvi, hanzvadzi?91 Rinofanira kugamuchirwa mupfungwa, uye Rozotendwanemwoyo. Zvino Shoko raMwari rozoita ramazvirokwazvo,uye pfungwa dzose dzomunhu wemukati nomuviri dzinobvadzasukwa neMweya Mutsvene. Naizvozvo pfungwa yakoyaMwari, hana yako pana Mwari, nezvose zvohumwari,zvinoyerera nemauri. Hapachina kupokana papi zvapo. Hapanachinhu chingasimuka.92 Hakuna chinozogona kuuya mundangariro, choti, “Zvino,ndinorangarira Muzvare Jones vakaedza kuvimba naMwari, uyeMuzvare Wakati-ne-wakati. Muzvare Doe vakaedza kuvimbanaMwari kuti vapodzwe, imwe nguva, uye vakakundikana.”Maona?93 Asi kana gwara iri rakacheneswa nokusukwa, razadzwamukati noMweya Mutsvene, izvo hazvitongouyi mundangariro,hazvina mhosva naMuzvare Jones nezvavakaita. NdiwenaMwari, pamwe chete, pasina mumwezve asi imi vaviri. Hezvokwamuri. Heyo hondo yenyu. Muuraire pokutanga. Mumise afemunzira yake. Hazvisiri zvokuti unogona sei kuita kuti hondoirambe iripo. Ndezvokuti, imise iko zvino!94 Kana ukauya, uchiramba uchirangarira nehana, nezvose,uchifunga kuti, “Zvino, ndingangokundika. Zvingangovazvisina kunaka.” Usamboita izvozvo, zvachose.95 Iwe kanda parutivi zvose, wovhura gwara, uye uti, “Mwari,Shoko reNyu ichokwadi Nekusingaperi, uye Rakaitirwa ini.Kana chechi yose ikakundika, kana pasi rose rikakundika, asi inihandigoni kukundika nokuti ndiri kutora Shoko reNyu.” Heyohondo. Ndizvo zvine basa.96 Nemhaka yei Mwari Wamasimba ose angabvisa kenza kubvapazamu remukadzi, pachisara pasina vanga, asi osiya mwanaakarara achifa? Kwete, changamire.97 Musikana mudiki akauya pano, nguva shoma yapfuura,achibva kuchikoro chesekondari. Amai vake vakandidana,vakati, “Hama Branham, mwanasikana wangu ane chirwerecheHodgkin.” Ikenza, inoita mapundu. Uye vanachiremba

Page 18: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

18 SHOKO RAKATAURWA

vakatora chimedu kubva pane chakabva pahuro yake,vakachitumira kunoongororwa, zvino chaiva Hodgkinyakakwana.98 Saka akati, “Chinotevera chinogona kuitika, pamwoyowake. Kana chikadaro, unobva atisiya.” Akati, “Iye haana…Nenzira yazviri kuitika nayo, ane, zvisinei, mwedzi ingangoitamitatu, yokurarama.”99 Amai vacho vakati, “Ndoita sei? Ndomudzosera kuchikorohere?”100 Akati, “Regai aende, nokuti pamwe achatisiya nokukasika.”Uye akati, “Ingomuregai aende uye ararame hupenyuhwamazuva ose, sezvaanokwanisa. Musamuudze chinhupamusoro pazvo.”

Sakamudzimai uyu akati kwandiri, “Ndoita sei?”101 Ndakati, “Huyai naye mumuise mumutsetsewekunamatirwa.” Uye ndikati, “Imi muuye naye.” Ndikanzwamamwe manzwiro anoshamisa.102 Zvino apo musikana mudiki uyu paakauya, mangwananiiwayo, nemiromo yanga yakapendwa blue, nezvekuzora-zora, uye chikoro sezvachinotendera. Zvino—zvino kamunhukadiki kakauya. Ndanga ndisingazivi kuti ndiye ani; vangavachizonondifonera. Ndakabata ruoko rwake. Ndikati,“Mangwanani, hanzvadzi.” Hoyu apo. Anga ari iye. Munguvashoma, ndakatarisa kuna amai vake ndikaona vose vasinaMwari, vasina Kristu. Ndikati, “Mungatarisira kupodzwapakadai sei? Mungagamuchira Jesu Kristu seMuponesi wenyuhere?” Ndikati, “Mungauya kudziva iri nekuzobhapatidzwamuzita raJesu Kristu kuti muregererwe zvivi?”

Vakati, “Tichazviita izvozvo.”103 O, munoziva kuti chii chakaitika. Mukadzi uyu angangeakagara pano mangwanani ano. Vazhinji venyu munozivanyaya iyi. Hama Mike Egan, mumwe wevabati vehomwe pano,vakaona nyaya iyi. Ava kutosvika makore mana kana mashanuakapfuura. Musikana mudiki akaendeswa kuna chirembazvakare, pakasaonekwa kana mufananidzo wechirwerecheHodgkin paari.104 Chii changa chanetsa? Waifanira kuvhura gwara, kutanga.Unofanira kutora Murwi, iye Mweya Mutsvene, womuisa mberipakurwa, izvi zvinotora Shoko raMwari. Iye ndiye Shoko.Uye Anomira ipapo, hakuna chinhu chinogona kuRimisa.Hakuna. Gwara roga roga racheneswa. Sezvakangoita bhairazvifemeso zvaro zvikavharwa; ukaisa moto mukati, rinoputika.Ndiro dambudziko rine maKristu mazhinji anoputika-putika,nderokuti havabvisi tsvina mumakwara awa, havadziki kupindamukati. Unofanira kuchenesa, hana, ndangariro, pfungwa, kuisa

Page 19: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

HONDO HURUSA YATI YAMBORWIWA 19

zvose parutivi, uye kubva mukati zvichibuda kunze, neShokoraMwari risina kusvibiswa, nokuti ndiRo Chokwadi.105 Hazvina mhosva kana zvuru gumi vakafa kudivi rino,nhasi, vachivimba; zvuru gumi vakafa kudivi iro, mangwana,vachivimba; izvozvo hazvina chokuita neni. Ndini munhuwacho. Ndini wacho ari kuvimba. Ndini wacho ari kuzvitenda.Uye tinoona kumashure, kana taida kuvhura makwara eduzvino, kana tichikwanisa, kuti tione. Tinoona uyu neuyo, uye uyuneuyo, zvuru zvavanhu, vachipupura.106 Asi Dhiabhorosi anoedza kudzoka. Oona, kana achigonakupindamo, hake, oita kuti hondo yako iparare zvino.107 Kana une pfungwa dzako, kuona, kuravira, kunzwa,nekugunzva, kunhuwidza nekunzwa nenzeve, zvakanakazvose, asi usavimba nadzo kunze kwekuti kana dzichiwirirananeShoko. Dzose dzakanaka, asi, kana dzisingawiriranineShoko, usadziterera. Zvino, pfungwa, hana, ndangariro,kushandisa njere, nezvido, zvose zvakanaka kana zvichiwirirananeShoko. Asi kana zvido zvako zvisingawirirane neShoko,zvibvise. Ufuridze mukana uzaruke, nekukasika. Waona? Kanakushandisa njere dzako kusingawirirani neShoko, ibva padziri.Ndizvozvo. Injini…Kana ndangariro yako, kana pfungwa,kana hana yako, chipi kana chipi, chisingawirirani neIcho chirimukati, chibvise mauri.108 Wava nei zvino? Wava nehurongwa hwenyeredzidzekudenga. Hareruya! NdiMwari wakaisa nyeredzimuhurongwa akati, “Rambirai ipapo kusvikira Ndakudanai!”Dzinogara ipapo. Hapana chinodziita kuti dzibve. Kana Mwariakagona kuisa munhu muruoko rwaKe, kusvikira iye atorapfungwa dzose, hana, zvose zvabviswa zvasukwa, kusvikirazvamira naMwari, muMweya; hakuna mweya wakaipa pasi roseungaisa kupokanamukati imomo. Ndizvozvo.

Anogona kuuya oti, “Hausati wava kunzwa zviri nane.”109 Hana yako haichatirimutswi, nazvo. Mukana wakowavhurika, unodaidzira, “Hareruya!” Mukana mauriwakachena unoridza pembe, “Kubwinya kuna Mwari!”Kunopenya, zvirokwazvo, kwakachena nekujeka, kuti ShokoraMwari rishande nemauri, Simba raMwari. Maona? Ndichochinhu chinokosha.110 Heyo nzvimbo yako yokurwira. Nzvimbo yako yekurwira iripano pokutanga, mukati kuno munhu wemukati, mupfungwadzako dzinozarura. Pfu—pfungwa isuwo kumunhu womukati,isuwo kumweya. Pfungwa dzinozaruka nekutambira mweya,kana kuti dzinoramba mweya wacho. Unogona kuva nehana,uye tumanzwiro tudiki, netumanyawi, zvose zvinhu izvi.Hazvina chokuita nazvo. Zvinongova tumanzwiro tudikinezvakadaro. Asi kana zvoda zvamazvirokwazvo, pfungwa

Page 20: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

20 SHOKO RAKATAURWA

dzako dzinozvizarura. Pfungwa dzako dzinozvigamuchira izvikana kuzviramba. Ndizvozvo, shamwari.

Mwari, itai kuti pasava nemumwe chete anozvipotsa izvi.111 Maona, ipfungwa dzako dzinovhura suwo; kana kuvharasuwo, nekuterera kuhana yako, kuterera kundangariroyako, kana kuterera zvido zvako. Asi apo pfungwa dzakodzinozvizarira kubva kuzvinhu izvi, nekurega Mwari, MweyaweShoko raKe, kuti upinde, Unofuridzira zvimwe zvinhu zvoseizvi kunze. Kukahadzika kwose kunobva kwaenda. Kutyakwose kunobva kwaenda. Manzwiro ose ekukahadzika anobvaaenda. Manzwiro ose anoenda. Hapachisina chakamira ipapo asiShoko raMwari uye Satani haagoni kumisidzana naRo. Kwete,changamire. Iye haangagoni kurwisana naRo. Zvino, tinozivakuti ndicho chokwadi.112 Hondo idzi dzange dzichipfuta kubva pazuva remubinduweEdeni, hondo ye mupfungwa dzemunhu. Satani ndiyeakaitanga. Akaitei apo akasangana naEva? Iye haanakuramba Shoko raMwari, asi iye akaRipenda nependi chena.Akavhara tumwe tunzira tudiki pano pane imwe nzvimbo.Iye akati, “Asi zvirokwazvo Mwari…” Genesi 3:1. Maona?“Zvirokwazvo, Mwari, zvose zvinhu izvi zvaakavimbisa Iye—Iye—Iye akavimbisa…” Aiziva kuti Shoko raiva rakarurama.Asi aiziva kuti akanga asingagoni kubuda pachena achirirwisa,zvakadaro, asi iye—iye—iye akarikwenenzvera ne shuga.113 Saamai vaititorera mushonga, voedza kuisa mutowamaranjisi mumafuta umupfuta. Zvangu ini, zviri nane kunwamafuta emupfuta, asina muto wamaranjisi! Chinhu chosechinonyengera! Maona? Ivo…Taimuka usiku, uye vachitipamafuta emarasha, kuitira kuzarirwa. Uye vaiisa mafutaemarasha, ndokuisa shuga maari; maona, zvine unyengeri. Asiyaingopisa huro yako, potse, ichidzika, mushure mekunge shugayapera.114 Zvino, ndizvo zvazviri, shamwari. Satani anoedza ku—kuvamunyengeri pazviri. Anoedza kukuratidza chimwe chinhu chirinani, nzira yakapfava, imwe pfungwa iri nani. Asi hakuna imwepfungwa iri nani kupfuura yakaiswa naMwari pakutanga, ShokoraKe. Bata Shoko iroro. Bata paRiri. Rega Iro ribatirire pauri.Gara ipapo naRo. Ndicho chi—ndicho chinhu chine basa.115 Hondo yakabaka apo Eva akavhura pfungwa dzake, kutiaterere kushanda kwenjere dzake. Ndiro buri razvakapindanaro. Ndiro gwa—gwara razvakadzika naro, kushandisa njerekwake. Iye, mumunhuwakewomukati, akashandisa njere.116 Maziso ake aiona. Iye akaona chikara. Chaiva chakanaka,chakasvika, chaiva nane pane murume wake. Chaiva namanokupfuura mhuka dzose dzesango, uye pamwe chaiva munhuari nani kupfuura murume wake. Chaitarisika sechikara

Page 21: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

HONDO HURUSA YATI YAMBORWIWA 21

chomunhurume chakamira apo. Changa chakakura sei! Uyechaiedza kumuudza kuti chaiva chinhu chakakosha sei.117 Zvino chinhu chekutanga chaakaita, akavhura pfungwadzake. Zvino paakadaro, kushanda kwenjere kwemunhukwakazvibata. “Sei, hazvingandinakidzi here izvi?”118 Ndicho chinhu chaanoita kumukadzi nhasi. Mumwemukadzi ane murume mudiki akanaka, anowana murumehofori, ane nyama dzakasimba—simba. Murume uyu achaedzakuvhura kushandiswa kwenjere. Rangarira, kuti ndiSatani.NdiDhiyabhorosi. Kana kuti, tazvipindurudza, murumekumukadzi, mukadzi kumurume, zvinoenda kumativi ose. Chiichaanoita? Anoshanda musimba rekushandisa njere, hana kanazvimwe, anotanga kufamba nemo.119 Asi ipa Shoko raMwari nzvimbo yekutanga. Munhu haagonikusvika pa…Haagoni kutadza…Hareruya! Hezvinoyi. Izvizviri kutouya, izvozvi pano. Munhu haagoni kutadza kusvikiraatanga aisa Shoko raMwari parutivi. Haagoni kutadza, ndiko,kusatenda. Kusvikira kutanga abvisa Shoko raMwari, HupohwaMwari, haangatadzi.120 Eva akanga asingagoni kutadza kusvikira aisa ShokoraMwari parutivi, achivhura gwara rake rekushandisanjere mukati memunhu wemukati make, ndokutangakushandisa njere. “Sei, zvirokwazvo. Murume wangu haanakumbonditaurira zvinhu izvi, asi ndinotenda kuti iwe…Akandiudza kuti ndisamboita zvinhu izvi, asi, unoziva,anozviita zvechokwadi uye zvakajeka. Ini—ini ndinotenda kutizvingava zvinofadza, nokuti uri kuzviita kuti zvive zvakajekakwandiri.” Maona, ndopakaitika hondo yekutanga. Zvino,kubudikidza nehondo iyoyi, yakakonzera dzimwe hondo dzose.Uye kudeuka kweropa kwese kwakauya, kwakakonzerwa ipapomuEdeni. Haana kutenda Shoko raMwari.121 Zvino kana chikamu chidiki chimwe chete cheShokoraMwari chisina kutendwa chakakonzera matambudziko oseawa, tichadzokera sei, tisingatendi Shoko? Haugoni kuzviita.Unofanira kuzarira zvose zvimwe zvinhu izvi, hana, ndangariro,uye uti…kushandisa njere, nezvose zvimwe. “Kukashira pasikushandisa njere kwose.” Hatishandisi njere pamusoro pazvo,zvachose, hapana zvachose.122 Tinongogamuchira Shoko pakuti, “Mwari akataurasaizvozvo,” zvogadzira karwizi kanobatanidza pakati pakonaMwari. Zvino, gwara rose rovhurika pakati pako iwenaMwari.123 Heyo hondo, yokutanga chaiyo, mutsetse wemberi.Ngatisashandisei pfuti; ngatishandisei bhambu re—reatomiki.Ngatiitei basa iri nomazvo. Ngatishandisei bhambu reatomikiraMwari. “Ndicho chii ichocho, Hama Branham?” K-u-t-e-n-d-a muShoko raKe. Ndiro atomiki bhambu raMwari.

Page 22: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

22 SHOKO RAKATAURWA

Rinodhuura zvirwere nemweya yakaipa, kurudyi nekuruboshwe.Rino—rinozviparadza. Rinopatsanura…O,…Rinoparadza.Rinotsemura chose chisina humwari. Kana bhambu irorekutenda rawira mukati, rine Shoko raMwari, rinoputisa,mweyawakaipa wese, chirwere chese, hosha yese.

124 Unoti, “Izvi ndizvo here, Hama Branham? Zvino seizvichiita, pana vamwe, uye zvisingaiti pana vamwe?”

125 Chikonzero ndechegwara. Unogona kutarisa nekuzvionaizvi. Asi unofanira kuva nazvo muno umu, wakatarisa nzira iyi.Kwete kunze uko, wakatarisa mukati; unofanira kuva mukati,wakatarisa kunze. Maona? Haungagoni kuuya nekushandisanjere. Haugoni kuuya nemuzvimwe zvinhu izvi. unofanira kuuyauchidzika negwara raMwari, uchipinda mumunhu wemukati.Zvino unozviita sei izvi? Nderipi gwara rokupedzisira?

126 Zvichashand-…kusvika pasi. Unoti, pfungwa, “O, Ini—ini ndinogona kuzvinzwa izvo. Yaa, hezvo izvo. A-ha. O,ini—ini ndingangozvinhuwidza, kana zvakangodero. Zvinhuizvi zviripo. Yaa.” Chinhu chinotevera, unobva washandisanjere, “Zvino, zvinoita sekuti ari kuziva zvaari kutaurapamusoro pazvo. Chiremba ari kuti handigoni kupora. Izvizvinofanira kuva ndizvo.” Unoona, ipapo wa—watokanganisa.NdiDhiabhorosi akamira ipapo. NdiDhiabhorosi ari kupinzazvinhu izvi mauri. Usambozvitenda izvi.

127 “Hareruya! Shoko raMwari rakati ndicha…‘Pamusoropezvinhu zvose, ndinongoti ivai nehutano hwakanaka.’Ndizvozvo.” Ungava seiko murwi wamazvirokwazvo kunze uko?Maona, ‘“Ndinoda kuti muve nehutano hwakanaka.”’

128 Hezvo izvo, ipapo chaipo, makwara iwayo. Ingomatorawomavhura. Kwete kungoda kumanyenyeredza.

129 Zvino kana Satani akagona kupinda naimomo, kupindanepane izvi, hana nezvimwe zvinhu izvi, zvino anodzika kusvikakokupedzisira kwemunhu wemukati, mupfungwa. Zvino, kanaakagona kungokuwana iwe…Hauzombo—hauzombotarisipane chimwe chazvo kusvikira watanga nokumuregeraachipinda mukati umu. Unotomurega kuti apinde. Zvino kanaapinda, ava nokutonga. Zvino chii chaanozoita? Anotangakushandisa hana. Anotanga kushandisa ichi, kushandisa nziraiyi inobudisira zvinhu kunze. Ndicho chii ichi? Kuona, kuravira,kunhuwidza, kunzwa nenzeve; kufungidzira, hana yemukati,ndangariro, kushandisa njere, zvido. Anotanga kushandisatumakwara tudiki twakasiyana siyana, kana bedzi achigonakupinda mukati, pamusoro peichi chiri apa. Anotopindamupfungwa dzako, kutanga, uye ndiwe unotomugamuchira.Zvinogona…Tererai. Zvinogona kurovera pauri, asi hazvigonikusvika kwauri kusvikira wazvibvumira.

Page 23: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

HONDO HURUSA YATI YAMBORWIWA 23

130 Satani apo akauya kuna Eva, akati, “Unoziva, muchero uyuunonaka.” Iye akamira kwechinguva. O, ndipo paakakanganisa,apo paakamira kwechinguva.131 Usamirira pasina. Wava neMharidzo. Jesu anorarama.Mwari mupodzi. Ndiyo Mharidzo yacho. Usamirira pasina, regakushandisa njere, rega chimwezve chiri chose.132 Asi akamira kwechinguva. Ndipo Satani akafambaachipinda mukati mupfungwa. Akati, “Zvino, zvinoita sezvinemusoro.”O, usaita zvakadaro. Ingotora zvakataurwa naMwari.133 Abrahama, chii chaiitika dai akamira kuti ashandisepfungwa, apo Akamuudza kuti aizoita mwana naSara, uyoakanga ava namakore makumi matanhatu nemashanu naiye anemakumi manomwe nemashanu? Uye apo akanga ava nezana,uye iye aiva—uye iye aiva nemakumi mapfumbamwe; Iye, aingo,iye—iye—iye aipupura kuti Shoko raMwari ichokwadi. Uyeakatora zvinhu izvo, zvanga zvisipo, sezvaivapo. Maona? Iye…Kunyange tariro, paiva netariro here? Iye haana kushandisakunyange tariro.134 “Zvakanaka,” iwe unoti, “Ndinotarisira ndinogonakupora. Ndinotarisira kuti ndichange ndapora. Ndinotarisirakuwana Mweya Mutsvene. Ndinotarisira kuti ndiri muKristu.Ndinotarisira kuti ndiite izvi.” Handizvo.135 Abrahama haana kana kutarisa pana izvozvo. Ameni.“Pasina tariro, iye zvakadaro akatenda Shoko raMwari.”Kutenda kunopfuvura tariro. Kutenda kunobva mukati umu,mukati memukati. Kutenda kunobva imomo.136 Iye anopinda sei mukati? Kubudikidza nepfungwa idzi, iri—iri suvo, pokurwira apa.137 Zvino, kana hondo dzamirisana! Zvino, Dhiabhorosiakatarisana nemwoyo woga woga, mangwanani ano. Akagarira,pamwoyo wekamusikana kadiki aka. Akagarira pamwoyoyenyu. Iye Akagara kose kwakatenderedza uko. Ari kuti, “O,ndakakuona uchimboedza kare. Ndakambozvinzwa kare.”138 Mudzingire kunze. Ndizvozvo chete. Mudzingire kunze.Bhaibheri rati kudiniko pano, pamusoro wenyaya yedu?“Mudzingire kunze.” Ndizvozvo. “Mudzingire kunze.”Tadzidziswa isu.139 Ndinofunga, “Dambudziko chiiko patiri vaparidzi?”Ndinoshamisika kuti imhandoyi yekudzidziswa yatakapiwa.140 Mwari ari kudzidzisira hondo huru iyi. Mateo 24 yakati apouye Danieri 12, yakati, “Pachazova nenguva yokutambudzika,isati yakambovapo panyika kare.” Zvino isu tiri kuraramamunguva iyoyo, apo tsika, nedzidzo, nezvinhu, zvafukidza ShokoraMwari, nekupinda mukushandisa njere nezvakadaro. Kurwakuriko zvino. Ndiani uchamira? Hareruya! Hondo yagadzirira

Page 24: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

24 SHOKO RAKATAURWA

kutanga.Yamirira zvino. Tarira kuti muvengi watinaye mukurusei mhiri uko.141 Ndiani uchafanana naDhavhidhi? Akati, “Imi munomiranokuregamuFiristiya uyu asina kudzingiswa achishovora hondodzaMwari mupenyu? Ndichaenda kundorwa naye.” Ameni.Mwari anoda varume navakadzi mangwanani ano avo vanogonakusimuka vachiti, “Ndichatora Ishe paShoko raKe.” Ameni.Hazvina basa kuti chii chinokundika, kana kuti ichi kanaicho, nechakaitwa neicho. Izvo hazvinei nechokuita nazvo.Imi vanaSauro, nevakadaro, kana muri kumutya, dzokeraikwamakafanira. Asi, hondo yaMwari iri kuenda mberi, ameni;varume vane hushingi, varume vane—vane—vane kutenda,varume vane simba, varume vane kunzwisisa. Havafanire kuvavakachenjera. Havafanire kuva vakadzidza. Panofanira kuvanemikana.Mwari anotora tumikana itwotwo tudiki.142 Akamira kwechinguva, kuti ashandise njere, achiti,“Zvakanaka, zvino, regai tione.” Zvakanaka, saizvozvo,zvingaita sei tika…143 Mukadzi mudiki uyu, mangwanani ano, hapanakukahadzika kuti chiremba akamuudza, kuti iye atovapedyo nekumagumo enzira, “Hapana zvingachagona kuitwa.”Zvakanaka, zvino, ndiye chiremba uyo. Handimushori. Murumeuyu ndewezvesainzi. Iye anoona kuti chirwere chatokuriramuviri wemwana. Zvapfuurira zvose. Haanamushonga unogonakuchimisa.144 Saka, kana kenza yakunda mukadzi uyo; chokwadi, rufurwakunda mwana uyo; asi Mutungamiriri wedu Mukuru,hareruya, wemauto makuru aya, Iye ndiye kumuka neUpenyu.Hapana chinogona kumukunda Iye. Hareruya!145 Pfungwa dzehondo dziri muvatungamiriri, huchenjeri.Rommel, muGermany, ndiye waiva njere dzeGermany; kweteHitler. Rommel! Ndizvozvo. Eisenhower! Varume vehondo!Patton! Varume avo vaiva pamberi, zvaienderana nekuti vaparairo yakarerekera kudivi ripi. Unotevera mutungamiririwako, kana ari mhando kwayo yemutungamiriri. Kana iye arimhando kwayo, kana ari mutungamiriri ane nyeredzi ina, kanaakaedzwa, kana akaedzwa akaonekwa akafanira, mutevere.Kunyange zvikaita sezvisizvo, kwauri, enderera kusvika mberi.Ita sezvaanokuudza.146 Hareruya! Tine Mutungamiriri ane nyeredzi shanudzoumhare, anopereterwa J-e-s-u achiisa nyeredzi shanupanesu, k-u-t-e-n-d-a. Haasati ambokundwa pakurwa.Hareruya! Akakunda rufu, gehena, neguva. Bvisai mweyayakaipa munzira. Iye ndiye Kaputeni Mukuru. Saka,Dhiyabhorosi hatitombomuoni.147 Hondo hurusa yati yambopfuta, yatogadzirirwa iko zvino.Zvamazvirokwazvo, ndizvo. O! Hareruya!

Page 25: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

HONDO HURUSA YATI YAMBORWIWA 25

148 Kana ndikafunga pamusoro pazvo! Apo ndakamirandikaona Achiita zvinhu, kuona Achizarura zvinhu, kuisazvinhu pachena, achiti, “Zvichaitika nenzira iyi uye nenziraiyo,” uye hezvo zvova saizvozvo! O, wotarira kumashure uko,woti, “Ndiani Mutungamiriri mukuru uyu?” O, handitarisishure kuti ndione kana ari chiremba nhingi-na-nhingi.Ndinoona Mutungamiriri zvaakataura. “Ndiye Mutungamiririweruponeso rwedu.” Hareruya! Ruponeso chii? Rudzikinuro!Mwari ngaakudzwe! “Ndiye Mutungamiriri werudzikinurorwedu.”

149 Nguva huru yekumisidzana yasvika. Hareruya! Musoja,nenhumbi dzokurwa dzichipenya, mavara adzo achivaima!Kutenda nekukahadzika zvamirisana mauri, mutabhenakeriino, mangwanani ano; kukahadzika kune rumwe rutivi, kutendakune rumwezve. Varwi, mirai panzvimbo dzenyu dzebasa.Hareruya! Mutungamiriri wedu, iyo Nyeredzi Yemangwanani,anotungamirira mberi. Haazombodzokeri shure. Iye (haazombo)haazivi shoko rinonzi kudzokera shure. Haazombodzokerashure. Ameni. Zvirokwazvo.

150 Hondo hurusa yati yamborwiwa, iri kuitika imo munoizvozvi, hongu, changamire, pakati peupenyu nerufu, pakatipehosha neutano, pakati pekutenda nekukahadzika, o, zvangupakati pekusununguka nekusungwa. Hondo iri kuitika!Penyesai mapfumo enyu, varwi. Chenesai nhumbi dzokurwa.Mwari ari kugadzirira varwi vaKe. Ameni. Mwari anozodzahondo yaKe.

151 America inopfekedza varwi vayo nezvakanakisisazvainogona kuvapfekedza nazvo, heti dzamatare, nenhumbidzokurwa, uye chero zvavanazvo, motokari dzakasimbadzehondo, nechero zvavanogona kupfeka.

152 Mwari anopfekedza hondo yaKe. Hareruya! Imhandoyiyemidziyo yatinoshandisa? Mweya weMunondo, iro ShokoraMwari! Ameni! “Shoko raMwari rinopinza kupfuvuramunondo unocheka kwese,” VaHebheru 4, “rinobaya kusvikakunyange panoparadzana mabondo, mwo—mwongo namafupa,Rinoona kunyange zvinofungwa mupfungwa.” Shoko raMwari!Kutenda Shoko raKe, ndiyo nzira Mwari yaanopa nayo zvombokuvarwi.

153 Ndizvo zvaakapa Eva kuti azvirwire nazvo. Iye akaputsachombo chake. Akazviita sei? Nokuvhura pfungwa dzakekuti ashandise njere. Haushandisi njere paShoko raMwari.HaRina zvokushandisa njere. Iwe…Rinongova Shoko raMwari.Hapana—hapana nokupokana pamusoro paRo. Hapanazvokushandisa njere paRiri. IShoko raMwari. Zvapera. Ndizvozvazvakaita. Zvapera zvachose.

Page 26: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

26 SHOKO RAKATAURWA

154 Uri kuona here zvandiri kureva, mudikanwi? [Hanzvadzi irikurwara inoti, “Ameni.”—Mupepeti.] IShoko raMwari. Mwariakarivimbisa. Mwari akataura kudaro.155 Vakati kuna Abrahama, “Unoziva sei kuti uchazovanemwana iyeye?”

“Mwari wakadaro.” Zvapera.“Zvakanaka, sei usinaye?”

156 “Handizivi kuti ndirini pandinozova naye, asi ndichazovanaye. Mwari wakadaro. Izvozvo hazvindimisi kana napadiki.”Akada-…157 “Kounoregerei kudzokera kumusha kwako, kwawakabva?”158 “Ndiri mufambi nomupfuvuri munyika ino.” Ameni!…?…“Mwari wakavimbisa. Mwari achandipa mwana uyu imomunyika ino umomaAkandituma.” Hareruya!159 Mwari achakupodza imo muhupo uhwu hwoMweyaMutsvene, umo maAkakutuma. Mwari achakupa. Ingozvitenda.Ameni. Zarura iwo makwara emunhu wemukati nepfungwadzemutumbi, pfungwa, nehana, wongorega Shoko raMwariripinde kutanga, tora pfungwa iyoyo.Heyo nzvimbo yekurwira.160 Kwete kuti, “Zvino, dai ndaigona kunzwa, dai ndaigonakunzwa kubwinya kwaMwari kuchidonha! O!” Izvozvo hazvineinechokuita nazvo; kana nepadiki.161 Vhura pfungwa dzako. Ndiyo nzvimbo yokurwira.Ndimomunomirisana hondo, ipo pano pamutsetse wehondowapamberi, pfungwa dzako. Dzivhure, uti, “Ini…kupokanakwese, ini ndinokahadzika nokupokana kwangu.” Ameni.“Ndava kukahadzika kupokana kwangu zvino. Ndavakutenda Shoko raMwari. Hendino ndouya, Satani.” Chimwechinhu chava kuzoitika. Chokwadi, chiri kuzoitika. Hongu,changamire.162 Anozodza varanda vaKe noMweya waKe. Anovatumiravatumwa. Vanhu vanoita zvedambe nazvo, dzimwe nguva,“Vatumwa.” Regai ndi—regai ndiende nemi kune chimwe chinhupano, kweminiti. Ngativhurei pano kuna VaHebheru, kweminiti,VaHebheru chitsauko 4, chitsauko 4, uye ngati…ndinoreva,chitsauko chekutanga chaVaHebheru, uye ngativhurei pandima14.

Ko haisi yose here iyimweya inoshumira, yakatumwakubva…yakatumwa kuzoshumira avo vachazodyanhaka yokuponeswa here?…ndoupi wavatumwa waakati kwaari…Gara hako

kuruoko rwangu rworudyi…?…vatumwa vose vaMwari…

163 Zvino, pano Bhaibheri rinodzoka rotiudza isu pano, kutiMwari anotuma vatumwa. Mwari ngaakudzwe! Ivo chii?

Page 27: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

HONDO HURUSA YATI YAMBORWIWA 27

“Mweya inoshumira.” Mwari ngaakudzwe! Mweya inoshumira,yakatumwa (kubva kupi?) kubva muHupo hwaMwari. Kutiizoitei? Izoshumira Shoko raKe. Ameni! Haisi kuzoshumiradzimwe dzidziso dzerimwe boka resangano, asi kushumiraShoko raKe. Ndizvozvo. “Mweya inoshumira, yakatumwa.”164 Tinoziva sei kuti ndiyo? Bhaibheri, rakati, “Shoko raSherakauya kuvaprofita.” Ndizvo here? Vatumwa ava vanoshumiraShoko raKe, kubudikidza noMweya waKe; kushumira Shoko,kubudikidza noMweya Mutsvene. Uye Mweya neShokozvakauya kuvaprofita, uye vaprofita vaiva neShoko raMwari.Ndicho chikonzero vaigona kuita zvishamiso zvavaiita.Wakangaasiri munhu; waiva Mweya waMwari mumunhu. MweyawaKristu mumunhu, nokuda kweShoko raMwari. Ko iyewakanga aita sei? Akanga asuka gwara roga roga. Mwari akangaamusarudza, uye akanga akazadzwa noMweya Mutsvene. Zvinowakanga asisiri iye. Haana chaaiita kusvikira achiratidzwamuchiratidzo. Eria akati, pagomo reKameri, “Zvose izvindazviita pakuraira kweNyu. Zvino, Ishe, itai kuti zvizivikanwekuti imi muri Mwari.” O, Mwari ngaakudzwe!165 Ndakazviona nguva zhinji, apo unoona Mweya waMwariuchisvika panzvimbo, uye nzvimbo iyo yozodzwa! Kanakaboka kadiki kari muno mangwanani ano, kakangotorapfungwa idzi pano, ndokubvisa kukahadzika kwose munzira!Ungazokahadzika zvakare sei, kana uchiona vakafa—vakafavachimutswa, vakaremara vachifamba, mapofu achiona, matsiachinzwa?166 Mutumwa waShe, mufananidzo waKe wakaturikwa panopamadziro, wakakandisa vesainzi mapfumo pasi, kose kose. KoIye anoita sei? Anogara neShoko. Ameni! Zvinocheka mweyayakaipa yese. Hongu, zvinodaro. Chinombova Chii? “Mweyainoshumira, yakatumwa kubva paMberi paMwari,” kuzozodzavatauri veShoko, vanogara neShoko. Uye Anotsigira Shokonezviratidzo zvichitevera, zvinounza Jesu anogara ari zvimwechete zuro, nhasi, nekusingaperi. HeUnoi ari apo.167 Tingakahadzika sei, apo Iye akaedzwa nesainzi,nezvemweya, neimwe nzira yose, yaungagona kuedza, Akaedzwapano?168 Dambudziko chiiko? Riri mupfungwa dzedu. Tinovhurapfungwa dzedu kuchinhu, toti, “Zvakanaka, zvino, handizivikuti pamwe zvingave here kana kusava izvo here. Pamwe, kanandikanzwa ndave nani mangwana.” O, izvozvo hazvina kanachimwe chekuita nazvo.169 Sezvandakagara ndichitaura, Abrahama aidai akati kunaSara…Akanga akatodarika zera re—rekuva mudzimai.Munoziva zvandinoreva; inguva yeupenyu, zvekutevera mazuvaake makumi maviri nemasere. Maona, akanga ava nemakoreekuberekwa makumi matanhatu nemashanu. Pamwe anga

Page 28: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

28 SHOKO RAKATAURWA

akatodarika, nemakore gumi nemashanu, kana nemakumimaviri. Zvino mumazuva mashoma, iye akati kwaari, pamwe,akati, “Unonzwa here panemusiyano, mudiwa?”

“Kwete kana nemusiyano zvawo.”170 “Izvozvo hazvina kana nechimwe chete chokuita nazvo. Tirikuenda mberi, zvakadaro. Zvakanaka, zvino, kana ukatangazvakare semu—mukadzi mudiki zvakare, tinoziva, kubudikidzaneropa iro reupenyu, zvino, zvakare, tinoona kuti ndirorinozoputira mwana, uye zvose zvichazenge zvakanaka. Zvino,unonzwa musiyano here nhasi? Watova mwedzi kubva musi uyoAkandivimbisa. Unonzwa here cheromusiyano,mudiwa?”171 “Kwete kana napadiki, Abrahama. Hapana kana chiratidzo,hapana. Ndi—ndichingori zvimwe chete zva—zvandaingovakwamakore mashoma apfuura. Hapana kana mutsauko mudikizvawo.”

“Mwari ngaakudzwe!Ndiri kuzova naye, zvakadaro.”172 “Unoreva, Abrahama, pa…Tarisa, kana Akakuvimbisa,chokwadi Adai akatipa chiratidzo nenzira iyi. Chokwadi aitipachiratidzo.” Hu! Hareruya!173 “Chizvarwa chino vutera choupombwe chinotsvakazviratidzo.” Ndizvozvo. Aiva nechiratidzo. Chakanga chiri chii?Shoko raMwari. Ndicho chakanga chiri chiratidzo.174 Mwari angapodzamwana uyu sei? Shoko raMwari rakataurakudaro; kana ndikanzwa manyawi, kana kusanzwa manyawi.Kana ndi…Hazvinei kuti chii chinoitika, Mwari wakadaro.Zvapera.175 Abrahama akati, “Tora mabhutisi ako nezvose pamwe chete,tiri kubva pano kuenda kune iyo nyika.”

“Ndokupi kwauri kuenda?”176 “Ini handizivi.” Ameni. “Asi, tiri kuenda, zvakadaro. Hetinoitava kuenda!” Vakarongedza ndokuenda. Hareruya! NdiroShoko raMwari chairo. Chiiko chaimubata chaiva mberi kwake?Vimbiso yaMwari, Shoko raMwari. “Tiri kuzoigamuchira.”177 “Ibva pakati pavanhu vorudzi rwako, Abrahama. Ndivo,chiripo ndechokuti, vanopokana uye vanhu vasingatendi.Vachakuita kuti uve muchimiro chavo. Ibvako. Zvipatsanure,uNdiraramire.” Chiiko ichi? “Siya hana yako nepfungwa dzoseshure kwako, saizvozvo. Zarura pfungwa dzako, uye urangarire,kuti, Ndini. Huya, urarame neNi.” Ameni.178 Mwari ari kudaidza mbeu yose yaAbrahama, mangwananiano, kuupenyu ihwohwu humwe chete. Hondo huru iripo, ikozvino, pasi rose. Mwari anoda vana vaKe kuti vazvipatsanurekubva kuyi? Kuona, kuravira, kunzwa nokubata, kufembedza,kunzwa nenzeve; zvinongofungidzirwa, hana, ndangariro,kushandisa pfungwa, zvido; nezvose. Vovhura pfungwa dzavo

Page 29: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

HONDO HURUSA YATI YAMBORWIWA 29

nokutendera Shoko ripinde mukati, nekufamba neShoko. Ndiyemurwi wamazvirokwazvo.179 Ndiyo nzira nyeredzi yadzinomira nayo. Marongerweenyeredzi haana kumboshanduka; zvomuchadenga. Nyeredziyamangwanani inobuda iri panzvimbo yayo yebasa,mangwanani ega ega, chaizvoizvo senzira yayaingoita aponyika yakasikwa. Nyeredzi yamanheru inotora nzvimbo yayo;nyeredzi yoga yoga. Kaboka kenyeredzi kaDiki, panguvachaiyo yakafanira yomwaka, kari chaipoipo pakakafanirakuva. Nyeredzi yoKumusoro inomira yakadzikama uyehaifambi. Hareruya! Chinhu chose chinotenderera panyeredziyokumusoro, dzose dzimwe, nokuti iyo iri pakati chaipopenyika.180 Ndiye Kristu. Ameni. Anomira apo, achiraira hondo yaKeseMutungamiriri mukuru.181 SaMosesi pagomo akasimudza maoko ake kumusoro, Israeriichirwa, vachitema nzira yokubuda, uye iye akamira akasimudzamaoko akemudenga. Akamira akasimudzamaoko ake kusvikirazuva ranyura. Vakatofanira kusimudza maoko ake mudenga.Uyo wakanga ari Mosesi uyo.182 Wakanga ari mufananidzo waKristu. Kuva nechokwadichokuti maoko aKe anogara akasimudzwa, maoko aKeakarovererwa pamuchinjikwa. Hareruya! Uye Iye akakwiramanera okuBwinya, nhasi, nenhumbi dzaKe dzine Ropa pamberipaMwari, kuruoko rwerudyi rwoHukuru hwaKe Apo. Uyehondo, kumurwi ega ega, achatema nzira yake yekubuda.Handina basa kuti chii chinotora nzvimbo; neShoko raMwari,achazvitemera rusununguko rwake. Ameni.183 Sehukwana iri muzai, zvingaita sei kana ichityakuchochonya? Ko kana ikatya kuboora zai? Ko kana daihukwana mukati mezai, kanyana keshiri, kakatya kurova gokorezai? Ko dai kaizonzwa inzwi nokunze, richiti, “Usachochonyagoko, ungazvikuvadza”? Asi masikirwe pachawo, mushiri,anoitaurira kuti, “Gogodza! Gogodza uite buri pariri.”184 Rega masangano ose ati, “Mazuva ezvishamiso akadarika.Uri kuzozvikuvadza.Wava kuzondonamata zvoupengo.”185 Chovonya goko, nesimba raunokwanisa rose. Hareruya!“Satani, ibva pano! Ndiri kubva pano.” Ndizvozvo. “Handisikuzorara pano, zvakare. Handisi kugara pano, zvakare.Handichisiri panzvimbo yaDhiyabhorosi wakare uyu zvakare.Ndiri kuvhura nzira yangu yekubuda, mangwanani ano. Ameni.Ndiri chapungu.” Ameni! Hareruya!186 Asi kachapungu kadiki kakare, kane mutsipa sewe nyundo,kachichovonya goko rezai. Hazvina basa kuti goko rakaomararasei, kakagogodza ndokuriboora. Chekutanga unoziva, zvino,kakazunzamapapiro ako zvishoma. Zvanga zvachinakira.

Page 30: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

30 SHOKO RAKATAURWA

187 Chovonya nzira yako ubude. Ndizvozvo. Unozviitasei? Nekuzvidhuura na, “ZVANZI NAJEHOVHA. ZVANZINAJEHOVHA. ZVANZI NAJEHOVHA.” Pakupedzisira,unotanga kunhuwidza mweya wakachena. “ZVANZINAJEHOVHA.” Wabudisa musoro wako kunze. “ZVANZINAJEHOVHA.” Sunda nesimba zvino, wava kubuda kunze!188 Haadzokeri mugoko rezai zvakare. Ameni. Asununguka.O, ini zvangu! Shoko iro kana ragadzikwa kamwe chete,mupfungwa dzose idzo nemuhana nemune zvimwe, kutirigadzikane apa, uye pfungwa yozaruka nekuRitendera. OMwari, inzwai tsitsi! Hakuna chinhu chingazorisunga zvakare.Wasununguka. Uyo wasunungurwa neMwanakomana abudakunze kwegoko. Sangano rako haringazogoni kukudana kutiudzokereko. Dhiyabhorosi haachagoni kukuita chinhu chipinechipi zvacho. Anogona kushinyira nokuhon’a, chete.189 Asi zvino wava muMugwagwa mukuru, uchimhanyisachaizvo, o, ini zvangu, kumhanya uchikwidza nomuMugwagwamukuru waMambo, murwi akazodzwa womuchinjikwa. Uyendezvenyu mose imi zvapungu, nekutenda, kwidziridzai Jesu,Chiedza chenyika yose, mhanyai muMugwagwa mukuruwaMambo. Chokwadi. Hongu, changamire!190 Iyi “mweya inoshumira,” yakatumwa kubva muhupohwaMwari, kuzova vashumiri, kushumirei (chii?) ShokoraKe; kwete dzidziso dzenhema, asi Shoko raMwari. Mweyainoshumira, yakatumwa kubva kuna Mwari, kuzoshumira.Mweya inoshumira! O! Uye, rangarira, kana ikashumira risiriShoko, haina kubva kuna Mwari. Zvirokwazvo, “Shoko reNyunguva dzose rakasimbiswa kuDenga.” Nguva dzose, kuDenga,Mwari anoRitarisira, iro Shoko. Uye haazombotumi mweyakuzoshumira chimwe chinhu kunze kweShoko.191 Haazombotumi mweya une D.D.D., Ph.D., uye korayakatarisa shure, nezvose zvakadaro, oti, “Zvino, zvirokwazvo,mazuva ezvishamiso akapfuura. Tose tinoziva izvozvo.” Kwete,kwete. Izvo hazvina kubva kuna Mwari. Zvinopokana neShoko.Ameni.192 Anotuma avo vanoshumiraMweyaweShoko. Ameni.193 O, ndanga ndine zvinhu zvingaita zvina kana zvishanupamusoro, asi ndichazvisiya panguva ino, ndozozvitora Svondoinotevera. Zvakanaka.

Satani namadhimoni ake vakazodzwa.194 Kana mweya yavatumwa iyi yakazodzwa kuti ikuunzireShoko, kuti ikukonzere kutenda Shoko, zvino ungaone hereapo pawakambonzwa muprofita, wamazvirokwazvo muprofitawaMwari, achiramba Shoko raMwari? [Ungano inoti, “Kwete.”—Mupepeti.] Kwete, changamire. Chii chakaitika apo masanganoemuzuva ravo akasimuka akati, “Zvino, ari kukanganisa”?

Page 31: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

HONDO HURUSA YATI YAMBORWIWA 31

Akamira ari pachezvake, uye akamira ega. Akati, “Ndizvochaizvo.”195 Tarisai Mikaya zasi uku pazuva riye, kamupengokezvekunamata, onai, mwanakomana waImura. Pakangepane mazana mana evakazodzwa, vaifungidzirwa kudaro,vaprofita vakazodzwa vakamira apo, vose vakapuwakudya zvakanaka, uye vakagadzirirwa, vaine madhigiriimakurukuru, uye vakadzidziswa zvapamusoro uye varivadzidzi vakakwenenzverwa. Vakati, “Endai, mambo weduanoremekedzwa. Ishe ave nemi. Iyo ndeyedu. Joshua akatipa.Saka endai munoitora. Ndizvo chaizvo zvakanaka. Endaimunoitora. Chii…” Iye akati, “Zvino, Josh-…”196 Munoziva, Jehoshafati akati, “Hakuna here mumwe,kumwe?” Zvino, vanga vatouya mazana mana kare. Seikusatenda mazana mana awa? Iye akati, “Asi, chokwadi panemumwe, pane imwe nzvimbo.”197 Akati, “Ini, ini…Zvakanaka, tine mumwe chete. Panemumwe, asi, o, ini ndinomuvenga.” Hu! Onai?198 “Apo—apo, ndiye muchinda wandinoda kunzwa, maona.”Akati, “Muunzei pano. Tione zvaari kuzotaura.”199 Saka zvino vakaenda vakanomuudza, vakati, “Zvino,terera. Ugadzire mharidzo yako zvakanaka, mangwananiano, nokuti uri kuparidzira mambo. Uri kuparidzira ku…mubatanidzwa wo—wose wavashumiri vezvokuti-nezvokuti,unoona, vePalestine. Mubatanidzwa wavashumiri vose, zvino,uzvirangarire, hezvinoyi zvavataura. Iwe utaure chinhu chimwechetecho. Utende chinhu chimwe chetecho.”Uyomudiki…200 A—anga ainemunhu asiri iye ipapo. Munhu uyu akanga abvapakushandisa pfungwa kwavo kwekare. Akasuka nzira dzose,maona, hana yake.201 “Uye, zvakanaka, sei, unoziva zvavachaita? Kana ukataurachinhu chimwe chetecho, ndinofunga kuti vachakuita mukuruwedunhu. Zvimwe vachaita saizvozvo. Vacha—vachakuitamukuru wavatariri vedunhu rino, kana uka—ukangowirirananavo.”Uyo akanga asiri munhuwamazvirokwazvowaMwari.202 Sei, nzira dzake dzakanga dzakasukwa, hana yake nezvosezvakanga zvachena. Pfungwa dzake dzakazarukira kuShokoraMwari. Uye Shoko raMwari, chete, ndiro raangatenda. Ndiyomweya inoshumira. Ndiwomweya unoshumira.203 Akati, “Handizivi zvekutaura iye zvino. Asi, ndichakuudzaichinhu chimwe chete ichi, ndichataura bedzi izvo Mwarizvaachandiudza kuti nditaure.”

Saka vakamirira usiku ihwohwo. Akapiwa chiratidzo.204 Mangwana mangwanani, ndingafungira kuti Mikayaakatarisa muMagwaro akati, “Zvino, ngationei. Chiratidzoicho chino…Zvino, vose zvavo varume, pane chimwe chinhu

Page 32: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

32 SHOKO RAKATAURWA

chakakanganisika apa, zvirokwazvo Zvaipokana nezvavaivavataura. Zvino, Ringataura kuti kudini? Ngationei kuti Eriaakati kudini kumashure uko, iye muprofita, zvirokwazvotinoziva kuti aiva muprofita. Onai chii…Shoko raMwarirakauya kuna Eria. Ehe. Uye Rakati chii? ‘Imbwa dzichananzvaropa rako. Jezebheri, imbwa dzichamudya. Nokuda kwaAhabiwakarurama…Nabhoti wakarurama.’” Akatizve ipapo…Apoakaona izvi, akaona kuti chiratidzo chake changa chakanangananeShoko raMwari, ipapo, zvino kuna Ahabi wekare rakauyakwaari.205 Akauyapo, akati, “Endai henyu, asi ndaona Israeri…”Onai, haana kunyara kutaura chiratidzo chake ipapo, nokutiraiva Shoko raShe. Aiziva kuti aigona kutora chinhu ichonomazvo. Chii? Akanga azarura mwoyo wake, pfungwa dzake,kuShoko raMwari, uye iro Shoko raMwari rakanga raratidzwakumashure, saka aiziva kuti raiva Shoko raMwari rakakwana.206 Zvino, unoti, “O, dai ndaigona hangu kuva Mikaya!”Unokwanisa kuva. Unotori iye. Unotori iye, newewo, mudikani.[Hama Branham zvekare vanotaura kuhanzvadzi inorwara—Mupepeti.] Uri Mikaya, muprofita. Chii chaungaite? Vhurapfungwa dzako. Chii chandiri kuedza kukutaurira mangwananiano? IShoko raShe. Ona? Zarura pfungwa dzako, uti, “Zvino,unoziva, ini ndinotenda kuti ndinogona kupodzwa.” Zvakanaka,chavaChii, zvino? IShoko raShe here? Chokwadi, IShoko raShe.207 Zvino, munhu uyu pano anoti, “Mazuva ezvishamisoakapfuura. Haungaiti izvi. Uye uno…” Kanganwa izvo. IsaMwari kutanga.208 Hepanoyi rauya Shoko raShe, uye iye akaRitaura, Zvikavasaizvozvo.209 Zvino, Satani akaitei? Satani akazodza vamwe. Zvino,Satani anozodza varanda vake. O, chokwadi. U-hu. Chokwadi.Anozodza varanda vake. Anovazodza nei? Nekusatenda. Sataninamadhimoni ake vanozodza vanhu kuti vasatende ShokoraMwari.210 Zvino, kana muchida kutsigira izvi, vhurai Genesi 3:4.Ngativhurei ikoko titerere kune izvi, kweminiti bedzi, uye tionekana risiri iro zano rake rekutanga. Ndicho chinhu chekutangachaakaita. Haasiyi mano ake mamwe chete. Anozviita nguvadzose. Zvino, ingoonai kana zviri—zviri saizvozvo. Zvino,iye haana kunyatsopokana neShoko. Akangomukonzera kutiasaChidudzira nemazvo zvishoma, unoziva, kungoRiita kutirinzwike semanzwiro aaida kuti Rinzwikwe nawo iye, kusatoraShoko rose. Zvino, Genesi, Ndinayo pano, Genesi 3:4. Ngationeikana zviri izvo zvaakataura zvino. Zvakanaka.

Zvino chikara chakati kumukadzi, Hamungafizvirokwazvo:

Page 33: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

HONDO HURUSA YATI YAMBORWIWA 33

211 “Kusafa zvirokwazvo.” Onai kuti akazvitapazvakashandurwa sei? “O, tinotenda kuti mazuvaezvishamiso akadarika. Hatitendi kuti kune chinhu chakaitasekugamuchirwa koMweya Mutsvene navanhu sezvavakaitapaPentekosta. O, chero nzira yawabhapatidzwa nayo, hazvinamutsauko wazvinoita.” Onai Dhiyabhorosi? Onai mano ake?“Zvino, kana chiremba akuudza kuti haungapori, ndizvozvo.”212 Zvino, hakusiri, kuti kudzikisira, kana kusatenda chiremba.Chiremba ari kushanda mugwara resainzi. Uye chiremba aitazvose zvaanogona, kuponesa hupenyu hwemunhu. Uye haugonikuporeswa, nokuti hakuna chimwezve chaanoziva kuita. Asvikapanoperera njere dzake. Munhu uyu akatendeseka. Asi, zvino,muti wezivo wakanaka, asi kana wasvika paunogumira, zvinounoburuka woenda paMuti woUpenyu woramba uchienda.Ameni. Ndizvo chaizvo. Unoshanda kusvika paunogumira.Hongu.213 Zvino, chii chinoita zano raSatani? Ati kudini pano? Zvinotarisa ndima yekutanga ne—nendima yechipiri. Zvino regai—regai ndiverenge ndima yekutanga pano, kusvikira pane yetatu.

Zvino chikara chakanga chakanyanya kuva namanokupfuura mhuka dzose dzesango dzakanga dzaitwanaShe Mwari. Zvino chikati kumukadzi, Nhai, Mwariakati here, Musadya…miti yose yomunda here?

214 Chimutererai zvino, kuti anoipa zvakadini, uye kuti iyeanoshandura sei—sei Shoko iro. Maona? Iye ari…Chii chaarikuedza kuita? Kupinda mupfungwa dzomukadzi. Maona? Arikutaura naye, mushure mokunge Shoko iro ratochengeterwamokare.215 Zvino, usarega Satani achichengetedza chero chinhu chipizvacho. Maona? Uchengete Shoko raMwari rakachengetedzwamumwoyomako.Waona? Iwe ita zvimwe chete. Zvino tarisai, imivanaMikaya.

…mukadzi akati kuchikara, tingadya hedu micheroyemiti yomunda: asi kana…

Asi kana iri michero yomuti uri pakati (pakati,maona) pomunda, Mwari…wakati, Regai kuudya,kana kuubata, kuti murege kufa.

216 Maona, zvino, ndiro Shoko. Ari kuRitaura achiridzoserakwaari. Zvino tarisai.

Zvino chikara chakati kumukadzi, Hamungafizvirokwazvo:

217 Onai zano rake? Onai? Chii chaari kuedza kuita? Munhuwokutanga uyo, ari kuedza kuzodza mukadzi anokosha uyu,mwanasikana waMwari, nokusatenda Shoko raMwari. Ndizvochaizvo zvaari kuedza kuti mudzimai uyu aite.

Page 34: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

34 SHOKO RAKATAURWA

218 Ndizvo zvaaedza kukuita kuti uite, mudikani. [HamaBranham zvekare vanotaura kuhanzvadzi inorwara—Mupepeti.]Ndizvo zvaaaedza kuti mumwe nemumwe wenyu aite, kunzeuko, kukuzodzayi. Zvino chinhu chimwe choga chamunofanirakuita…Uri wakasununguka pakuzvisarudzira. Zvino unogonakuzvigamuchira kana uchida. Asi zvikavire kunze. Dai Evhaasina kumira kwekanguva, kuti aterere! Usambomirira chinhupasina. Usamira.219 Apo—apo Eria akaudza Gehazi, akati, “Tora tsvimboyangu, unoiisa pamwana wakafa. Kana munhu akatauranewe, usataura naye. Kana mumwe akaedza kukumisa, rambauchingoenda.”220 Tarisai mukadzi uyo paakadana muranda wake. Iye akati,“Tasva nyurusi uende, usambomira kunze kwekunge ndakuudzakudaro.” Ndizvozvo.221 Paunenge wawana Shoko, ramba uchienda. Ameni. Iti,“Handichagoni kufamba zvakare. Kwete, ndiri kupera simba.”Ingoramba uchienda. Usamira. Uchiisa zvinhu zvose parutivi,ingoramba uchicheka uchienda. Hama, une Munondo muruokorwako, ingoramba uchitema.222 Ndakaenda munhandare yebhora, imwe nguva, umondaindoparidza. Zvino ndakamira pamukova ndokutarisamudenga, pamusoro apo. Pakanga pakanzi, “Hakusi kukurakwembwa iri pakurwa. Kukura kwekurwa kuri muimbwa.”Saka ndizvo zvinopa kukundamukurwa. Maona?223 Unoti, “Zvino, tarisai. Tarisai kumakereke makuru arikupikisana neIzvi.”224 Handinei nokuti makuru sei. Kurwa kuri mumbwa, ndikokune basa. Kutenda kuri mudungamunhu. Kana uri mbwende,dzokera mumwena wako. Asi, hama, kana uri uto, mira kunzeuko. Kune hondo iriko. Chakanaka nechakaipa zviri kurwisana.Ngatirwei.225 SaPeter Cartwright, akapinda muguta, akati, “Ishevakandiudza kuti—kuti ndiuye muno ndiite rumutsiriro.”Akarenda imba yaichengeterwa zvinhu yachembera,akapindamo ndokutanga kuitsvaira.226 Zvino ndururani huru yemuguta, pfuti yakaremberapachiuno chake, yakaenda ikoko. Akasvika pamikova…Vamwevavo, vakati, “Chiiko chaari kuitamunhu uyo zasi uko?”227 Vakati, “Muparidzi. Akati, ari kuzoitamusangano.”228 “Zvakanaka,” iye akati, “ndinofunga Ndichangoenda zasiikoko ndinomudzingira kumugwagwa, nokumudzingira kunze.Ndizvo chete. Hatidi misanganomunzvimbo yedu ino.”229 Saka akadzika zasi uko, ndokuzarura musuwo. Zvino PeterCartwright akanga akapfeka jasi rake, munoziva, uye anga

Page 35: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

HONDO HURUSA YATI YAMBORWIWA 35

achingosuka mahwindo namadziro. Kamunhu kane mutumbimudiki, munoziva.230 Muparidzi wekare akamuseka, munoziva, pamusana pekutiakadya huku achibata nemaoko; maererano netsika dzemadyireanhasi, munoziva.231 Saka akanga achingosuka mahwindo nokugadzira gadzira.Ndururani huru iyi ikafamba ikasvika, ndokudhonzera jasi rakeshure, chivhorovhoro chakarembera parutivi rwake, akati, “Chiichauri kuita?”232 “O,” iye akati, “Ndiri kusuka mahwindo.” Ndokungorambaachienderera nokusuka mahwindo, munoziva. Anga anechinangwa chimwe chete. Mwari anga amuudza kuti aiterumutsiriro. Achisukamahwindo, achiendereramberi.

Akati, “Hatitenderi rumutsiriromunharaunda dzino.”233 Iye akati, “O, asi Ishe vakandiudza kuti—kuti ndiiterumutsiriro urwu.” Maona? Akaenderera mberi, nebasa rake.Maona? Maona?234 “Zvakanaka,” akati, “pane chinhu chimwe chete iwe—iwechaunofanira kunzwisisa.”Akati, “Ndini ndinotonga guta rino.”235 Iye akati, “O, munotonga?” Iye ndokungoramba achisukamahwindo, munoziva.236 Akati, “Usati waita rumutsiriro, unofanira kutangawandirova.”

Akati, “O, ndidaro? Zvakanaka, ndichaita saizvozvoikozvino.”237 Akangobvisa jasi rake. Ndokufamba kuenda paaiva,ndokumubata pahuro, ndokumurova akawira pasi, iyendokusvetukira pamusoro pake. Akati, “Ndinofanira kurwa,kana ndichifanira kutonga. Wedzerai hushingi hwangu, Ishe.”Ndokumudzvura kusvika tara yabudamaari.

Akati, “Zvakwana here?”238 Iye akati, “Hongu.” Akasimuka akamubata ruoko.Akaponeswa usiku ihwohwo, muchechi.239 Hezvo kwamuri. Maona? Ndezvizvi, tora Shoko raMwariucheke nzira yako nomukukahadzika kwose. Mazviona here?Chokwadi, ndizvozvo. Ndiro basa rinotevera, ngatiriitei.Ndizvozvo. Chinhu chinotevera chandinofarira kuitandechokubva pakukahadzika kwangu, ndokurovera pasi. Ndirobasa rangu rinotevera, rokutora kushungurudzika kwangukwose kuende kure. Kana pfungwa dzangu dzikandiudza,“Zvino, uri kurwara,” chinotevera chokuita ndechokuchekachinhu icho chibve. Ndizvozvo.240 Woti, “Zvakanaka, uno…Vanondiudza kuti…Unoziva,hana yangu inondiudza, Hama Branham, kuti ini…”Zvakanaka, unotofanira kuchekawo naichocho chinhu kuti

Page 36: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

36 SHOKO RAKATAURWA

chibve. Iwe hausi kuzomboenda kure kupfuura pana izvozvo.Ingoita basa rako rinotevera. Bvisa jasi rako upinde mazviriusine chinhu. Ingoramba uchienda. Donzvo rimwe chete, “Ndirikuzokunda.” Ameni. “Handingakundike. Ndiri kuzokunda.”Ameni.241 Satani anozodza. Maona? Zano rake rekutanga nderipi?Ndeipi nzvimbo yaakatanga kutora? Pfungwa. Akamirakwekanguva, kuti aterere zvaaitaura. “O, unorevesa?”242 Ndipo vakadzi vazhinji vadiki vakatadzira, nevarumevazhinji vadiki pavakaitira mhosho yavo; ndizvo, vakamirakwekanguva, vakangomira kwekanguva. Kangani pandakaonanyaya dzokurambana dzichisimuka, saizvozvo.243 “Zvino, ndinokuudzai ini, Hama Branham, akaridzamuridzo ‘setsuri’, munoziva, uye ini ndakamira, uye, chokwadi,ndakanga ndisingadi kudaro.” U-hu. Hezvoka.244 “O, iye, ndakanga ndakagara ndakatarisana naye patafura.Akanga—akanga ane maziso akanakisisa kwazvo!” Maona? U-hu. Mazviona here? Ndizvozvo.245 Dhiyabhorosi anoita chinhu chimwe chete ichocho.“O, chiremba andiudza kuti handingapori, saka ini…”Hezvoka, chinhu chimwe chete ichocho, onai, ihondo hurusayakamborwiwa.246 “Zvino, vanondiudza. Ndakaona Nhingi-nhingi achitiane Mweya Mutsvene.” Ehe, wakaona munyengeri mukuru.Zvakatodini neavo vaiva naWo zvamazvirokwazvo? U-hu.Ehe. Dhiyabhorosi anokunongedzera kune rimwe gunguworakare, asi haakuratidzi njiva yechokwadi. U-hu. Ndizvozvo.Haakuratidzi izvozvo, anozvichengeta zvakavanzwa kwauri.247 O, iye murwiwo, zvakare, rangarirai. Asi mukuru ndiyewe…“Mukuru Uyo ari mandiri, kupfuura ari munyika.” Asibatirirai kuShoko raMwari; ritendei iRo, imi vatungamiririvehondo pano. Dzivirira nhare yako, hama. Ndizvozvo, batanzvimbo yako yebasa.248 Zvino, ndaiva nemumwe musikana mudiki pano, imwenguva. Musikana uyu angangove pano iye zvino. Zita rakewainzi Nellie Sanders. Imwe yenguva dzekutanga pandakaonamweya wakaipa uchidzingwa. Taigara, zvino, dai ndikakwanisakuirangarira nzvimbo yacho; uye dzingangoita dzimbanhatu kumusoro uku, kupfuura makuva. Zvekare ndangandichangotanga kuparidza, uye ndaiparidza ipo pano pakonaiyi, tiine musangano wemutente.249 Zvino musikana mudiki uyo aiva mumwe wenyanzvidzekutamba rumveyesano. Aienda kuchikoro chikuru zasiuko, iye naLee Horn. Uye vazhinji venyu muno mugutamunoziva Lee Horn zasi uko, muridzi weimba yemitambo.Zvino saka ivo, iye naLee Horn, vaiva shasha dzekutamba muno

Page 37: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

HONDO HURUSA YATI YAMBORWIWA 37

munyika. Iye muKaturike, pachake. Zvirokwazvo, kunamatahakuna zvakwaireva kwavari, saka zvino…Nellie naivo.Saka, aiva mutambi mukuru, uye naiyewo, zvakare. Zvinokwaive nematambiro aya aidaidzwa kuti “black bottom,” ne“jitterbugs,” nezvimwe zvose. Uye aiva…Ivo vaviri ndivo vaivanyanzvi munyika.250 Rimwe zuva, akakwira kuno, humwe usiku,kumusangano. Ipapo ndokuwira pasi, paaritari, Nelliemudiki. Ngauropafadzwe mwoyo wake. Akararapo paaritari.Akasimudza ruoko rwake. Uye akachema, nemisodzi ichiereraichidzika pamatama ake. Akati, “Billy…” Aindiziva. Akati,“Ndinoda kuponeswa, zvakaipa.”251 Zvino ini ndikati, “Nellie, unogona kuponeswa. Jesuakatokuponesa kare iwe, musikana. Unofanira kuzvigamuchirazvino panheyo yeShoko raKe.”252 Zvino akagara ipapo. Uye akachema, akanamata, nekuudzaMwari kuti haaizoterera zvinhu zvenyika zvakare. Kamwekamwe, kakutapira kakanaka kerugare kakafukidza mweyawake. Akasimuka kubva ipapo, achidanidzira nekurumbidzaMwari, achikudza Mwari.253 Zvino mwedzi mitanhatu kana misere mushure maizvozvo,iye aiuya achidzika nemugwagwaSpring Street, humwehusiku.254 Zvino, achingova musikana mudiki, aingova pazerarekuyaruka, makore angangoita gumi nemasere ekuberekwa.Zvino akauya kwandiri, akati, “Hope…” Uyo aivamudzimai wangu, akafanoenda. Iye akati, “Ndinoshuvakuti dai ndaitarisika saHope naIrene.” Iye akati, “Unoziva,havana kumbobuda kuenda munyika.” Akati, “Nyikainoisa mucherechedzo pauri.” Akati, “Ndinoonekwandakakasharara pakutarisika kwangu.” Akati, “Zvino,ndakarega zvekuzora zora nezvakadaro, asi ndinoratidzikakukasharara. Kunyange chimiro, chechiso changu,” akati,“Ndinoonekwa ndakakasharara.” Akati, “Ivo vanotarisika kuvavasina mhosva vakapfava.” Akati, “Ndiri kushuva kuti daindisina kuita izvi.”255 Ini ndikati, “Nellie, Ropa raJesu Kristu rinochenesa kubvakuzvivi zvose, mudikani. Endereramberi, uzvitende izvi.”256 Wayne Bledsoe, vazhinji venyu munomuziva pano,shamwari yangu yepamwoyo, kwemakore namakore. Aivamunwi. Zvino vakauya pano nemunun’una wangu, Edward.Zvino wakanwa ndokudhakwa ari zasi uko mumugwagwa,ndikamutakura, nokuti mapurisa vaizomusunga. Ndokubvandauya naye kuno. Uye ndakanga ndiri muparidzi ndichigarakumusoro uko, namai vangu nababa vangu, kare ndisatindaroora. Zvino ndakamutora, ndokumuradzika pamubhedha.Ndinorara, ndairara pamubhedha unopetwa. Paiva nemhurihuru yokwaBranham, munoziva, taiva gumi. Zvino saka

Page 38: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

38 SHOKO RAKATAURWA

taiva namakamuri mana, zvino taitoisa vakawanda zvishoma,mukamuri. Saka, ndaiva nemubhedha unopetwa wandairarapauri. Ndakachiuvhomora sezvizvi, ndo—ndokuisa Wayne kutiarare neni. Akadhakwa, ndakatomutakura ndokupinda mumbanaye ndokumuradzika.257 Zvino ndakanga ndirere apo. Ndikati, “Wayne, haunyarihere nezvauri, saizvozvo?”258 Iye akati, “A, Billy, usataura neni saizvozvo.” Zvinondakaisa ruoko rwangu pamusoro. Ndakati, “ndirikuzokunamatira, Wayne. Mwari akuropafadze.” Ndangandaponeswa pamwe, o, ndinofunga, rinokwana gore.259 Uye saka zvino, kamwe kamwe, pa—pakasvika tekisi,pamusuwo pakagogodzwa nekunze, uye mumwe munhuakachigogodza zvine simba kwazvo. “Hama Bill! Hama Bill!”[Hama Branham vanorova papurupiti—Mupepeti.]260 Ndakafunga, “Ini zvangu, kuti kwakanaka, mumwe munhuanofanira kuva ari kufa.” Ndakasvetuka, ndokubata musuwo;ndokuramba ndakaubata, ndokupfeka mapijama angu, sezvizvi;ndokufukidzaWayne. Ndokubva ndamhanyira kumusuwo.261 Zvainzwika semudzimai. Ndakazarura musuwo, paivanemusikana mudiki uyu akamira pamusuwo. Akati, “O,ndingapindamo here?”

Ndakati, “Pinda.” Ndikabva ndatungidzamagetsi.262 Zvino iye aingochema saizvozvo, uye akati, “O, Hama Billy,nda—nda—ndaparara! Ndaparara!”263 Ndikati, “Dambudziko chii, Nellie? Mwo—mwoyo wakowatsemuka here?”264 Akati, “Kwete.” Akati, “Hama Bill, ndanga ndichidzikanaSpring.” Akati, “Chokwadika, Hama Bill! Chokwadi, HamaBill, ndanga ndisingadi kukanganisa. Ndanga ndisingadikukanganisa.”265 Ndikati, “Chii chanetsa?” Ndikafunga kuti, “Zvinondichaita sei naye?” Ndanga ndisingazivi zvekuita. Ini,ndichingova jaya zvaro. Uye nda…266 Akati, “O, Hama Bill,” akati, “Ndango—ndango—ndangovamamvemve oga oga.”

Ndikati, “Zvino, dzikama, hanzvadzi. Ndiudze zvosezvaitika.”267 Zvino iye akati, “Zvakanaka,” akati, “Ndanga ndichidzikanemugwagwa, uye pahall yaRedmen…” Zvino vaisiitamutambo werumveyesano imomo Mugovera usiku ipapo. Iyeakati, “Ndanga ndine zvinhu, zvandanga ndichazonosonesazvokupfeka ndasvika kumba.” Akati, “Ndanzwa mumhanziuya.” Akati, “Unoziva,” akati, “Ndangomira kweminiti.”Ndokuti, “Zvangoramba zvichiwedzera kunakidza. Saka ini

Page 39: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

HONDO HURUSA YATI YAMBORWIWA 39

ndikafunga, ‘Unoziva hazvingandikanganisi kana ndikamiraipo pano.’”268 Ndipo paakaita mhosho yake, kumira kwekanguva.Akangoterera.269 Akati, “Zvakanaka, ndiri kungofunga.” Akati, “OIshe, Munozviziva kuti ndinoKudai, zvakadaro.” Akati,“Munozviziva ndinoKudai, Ishe. Asi ndinorangarira nguva iyoLee neni taisitora mikombe, nezvakadaro.” Akati, “Zvanguini, ndinorangarira kuti nziyo dzakare dzaindikwezva.Hadzichadaro zvino.”270 U-o, u-o! Unofunga kuti haichadaro. Yatokubata kare,ipapo. Ndizvo zvaanoda, ipapo. Maona?271 Vangani vanoziva Nellie Sanders? Zvakanaka, ndinofungakuti mose zvenyu. Ehe. Chokwadi. Saka ivo—ivo vaiva—ivovaiva…272 Akati, iye akati, “Zvino, munozivei?” Akati, “Pamwekana ndikakwira masitepisi ndikwirepo,” akati, “pamwendingakwanisa kupupurira vamwe vavo.”273 O!Waona, uri panzvimbo yaDhiyabhorosi chaipo. Ibva pairi.“Tiza kutanga kuonekwa bedzi kwechakaipa.”274 Asi akakwira, namasitepisi, ndokumira kwemaminitsimashomana. Zvino munoziva, akatozongoona ava mumaokoemumwemukomana, mudariro apo.275 Ndokubva azobengenuka. Zvino akanga akamira apo,achingochema, akati, “O, ndarasika zvino, zvachose.”276 Ndakafunga, “Zvino, handizivi zvakawandanezveBhaibheri, asi ndinotenda Jesu akati, ‘MuZita raNguvachabudisa mweya yakaipa.’” Ndi…277 Zvino Wayne anga abengenuka, zvishoma, uye anga agaraapo, achiona. Maona? Saka ndakati, “Zvino, mweya wakaipa,handizivi kuti ndiwe ani, asi ndiri kukutaurira zvino, iyiihanzvadzi yangu, uye hauna chokuita kuramba wakamubata.Iye anga asingadi kuita izvozvo. Angomira kwemineti.”Ndopaaita mhosho, hake. Ndikati, “Asi unotofanira kubudamaari. Unondinzwa here?”278 Zvino saka ndibatsirei, Mwari, pakutongwa, unozviziva.Suwo riya ndokutanga kuvhurika richivharika, pachezvaro.“Bherengende, bherengende,” pamusuwo. “Bherenge, bha-bherenge, bha-bherenge.” Ndokubva ndafunga.

Zvino iye akati, “Bill, tarisa uone icho. Tarisa uone icho.”Ini ndikati, “Ehee. Chiiko icho?”Iye akati, “Handizivi.”Ndikati, “Kunyange neniwo.”

Page 40: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

40 SHOKO RAKATAURWA

279 Zvino suwo rikati “bhamu-bhamu, ti-bhamu,” richivharikasaizvozvo. Ndakafunga, “Chiiko ichochi? Chiiko ichochi?”280 Ndakatarisa zvakare, sezvizvi. Ndikati, “Ibva kwaari,Satani! MuZita raJesu, buda maari!”281 Zvino pandakataura izvozvo, ndakaona chinengechimuremwaremwa chikuru, chakareba kudai, chakasimukaseri kwake, chiine mvere refu dzairembera pamapapiro achonepamakumbo acho, sezvizvi. Chaiti, “Ooooo.” Chikauyachakandinanga, nesimba racho rose.282 Ndikati, “O Ishe Mwari, Ropa raJesu Kristungarindichengetedze kubva kwachiri.”283 Zvino Wayne akasvetuka ari pamubhedha, akatarisa. Zvinohechinoi, sezimumvuri, chikatenderera, ndokuenda napamusorondokuzoenda pasi seri kwemubhedha. Wayne akabva abvapamubhedha, ndokutizira mukamuri rinotevera, nesimba rose.Saka taka…284 Ndakatora Nellie ndikaenda naye kumba. Ndikadzoka,ndikatadza…285 Amai vakapinda mumba vakazunza zunza machira nezvose.Panga pasina chinhu pamubhedha ipapo. Changa chiri chii?Dhimoni rakabuda kubva maari. Chii chakaitika? Akambomirakwechinguvana. [Hama Branham vanogogodza papurupitikaviri—Mupepeti.] Ndizvo zvose.286 Usambomira, zvachose. Kana Mwari aisa Shoko raKemumwoyo mako, ingotora Munondo uyo wotanga kutotemanokugura. Hareruya!287 “Handichina nguva yokumirira pasina. Ndichangoyambuka,handina kana nguva yokugara pasi.”288 Iye akati, “Zvino, tora tsvimbo yangu uiise pamwana. Zvinokanamunhu akataura newe, usataura naye.”289 Kana Dhiyabhorosi akati, “Heyi, unoziva kuti unorwaranei?” Usambotaura naye. Ingoramba uchienda.290 Dhiyabhorosi, munoziva, Dhiyabhorosi anoti, “Asi unozivei?Unoziva, Nhingi-nhingi, paakagamuchira Mweya Mutsvene,unorangarira aka—akatopotsa apenga.” Usambototaura naye.Ingoramba uchienda.Hauna kumbonzwa nezvaNhingi-nhingi.291 Ndiwe naMwari. Ndizvozvo. Chengeta Mwari. Anozodzavaranda vaKe. Ndinofanira kukurumidza. Mwari anozodzavaranda vaKe. Maona?292 Zvino ndinofanira kudarika zvimwe zvezvandanyora pano,asi ndinoda kutaura izvi. Pano, tererai zvino, zvakanyanya.293 Musikana mudiki, tereresa zvino. [Hama Branhamvanotaura zvakare kumusikana anorwara—Mupepeti.]294 Pano tinoona manomano aDhiyabhorosi. Tinoita sei?Zvino, ndine Magwaro mazhinji pano, evaprofita nevamwe,

Page 41: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

HONDO HURUSA YATI YAMBORWIWA 41

paakauya kwavari, uye vanhu vakasiyana siyana muBhaibheri,ndokuita chinhu chimwe chete ichocho. Ndiro zano rake nguvadzose, rekuedza kuita kuti vanhu vasatenda Shoko raMwari.Tererai, imi mauto emuchinjikwa. Pamunongorega kutendaShoko rimwe raMwari rakanyorwa muBhaibheri, matotorerwazvombo.295 Unozvitenda here izvo, mudikani? [Hama Branhamvanotaura zvakare nehanzvadzi inorwara—Mupepeti.]296 Watorerwa zvombo. Watosarenda, iwe mvutye mvutye.Shonga nhumbi dzose dzokurwa dzaMwari. Ameni. Tirimuhondo. Mwari zvaakataura ichokwadi. “Shoko rose romunhuinhema.” Maona? Asi apo iwe unongo…paanongokuita kutiuterere chimwe chinhu, ndiro zano rake, watotorerwa zvombo.297 Zvinhu zvingani izvo Evha zvaakaterera? Chimwe chete.Akatorerwa zvombo ipapo. Dhiyabhorosi akaita sei? Akapindanemupfungwa dzake, kuti akapinda mumweya wake, ndokubvaatsveyamiswa. Ndizvo here? Akatsveyamiswa paminitiyaakatorerwa chombo chake, paasina kutenda Shoko raMwari.Zvakanaka. Pano tinoona mazano ake.298 Mauto aMwari anorairwa ku “Shonga nhumbi dzosedzokurwa nadzo dzaMwari.” Ndizvo here? [Ungano inoti,“Ameni.”—Mupepeti.] Zvino, kana uchida kunyora Gwaroiro pasi, rinowanikwa muna VaEfeso 6:10 na13. Maona?Tariverenga chinguva chadarika. Ndiro musoro wepfungwayedu. Zvakanaka. Cherechedzai. “Shonga nhumbi dzosedzokurwa nadzo dzaMwari.” Ngati…Mune nguva shomaingaita maminetsi here? [“Ameni.”] Ngatidzokere shure panokwemineti. Ngationei kuti nhumbi dzose dzokurwa dzaMwarichii. Zvakanaka. Ngatitange pandima ya10. Zvino, tereresaichaizvo zvino. Ngatitsvagei nhumbi dzose dzokurwa dzaMwari.“Pakupedzisira, hama dzangu…” Zvino, ndinoziva ndirikuenda…Ndiri…299 Dzava maminetsi makumi maviri, iko zvino, kuti tisvikepanguva dzatwelve, pasara zvishoma. Ini—ini handi…Ndangandisingadi kukudzidzisayi zvakarebesa, nhasi, asi ini—inipamwe handingazovi neimwemharidzo asi imwe chete kusvikirandafamba dzimwe dzenzendo dzangu dzemumwaka wemvura,munoona.300 Uye munozivei? Munoziva kuti sei ndiri kuita izvi?Ndichakuudzai. Rimwe zuva ndakarota hope. Ndangandisiri kuzozvitaura, asi zvinongova pandangariro dzangu.Ndichazozviita,mushuremekunge Ishe vandipa dudziro dzazvo.301 Ndakarota ndichigadzirira kuyambuka rwizi rukuru kuru,kunoita basa rohumishinari. Zvino, pekutanga, ndakanga ndiripamusoro apo nemudzimai wangu…302 Vangani venyu vanoziva George Smith, six-second Smith,muno muguta? George Smith, mwanakomana wake ari

Page 42: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

42 SHOKO RAKATAURWA

muchipurisa muno. Iye, George anonzwisa tsitsi, chidhakwaiko zvino. Asi aive mumwe wemhare dzokurwa. Ndiyeakandidzidzisa, ndisati ndaenda kune ve Y.M.C.A. nekumwekwese. Iye waitidzidzisa isu. Uye waiita zvinhu nokukasira,kukasira kwamazvirokwazvo. Iye waivamuboka reWelterweightbedzi, vemapaundi zana nemakumi mana nemashanu. Uyendiye akandidzidzisa ini. Zvino aiwanzomira apo, aigonakutora chibhakera chake, sezvizvi, ondirova mudumbu chaimo,ondisimudza ndokunditsimbiridzira kumadziro, maona, asi,zvanga zvisingandirwadzi. Waingondidzidzisa, panga pasinazvimwe asi kungondidzidzisa chete.303 Uyezve nda—ndakarota, humwe husiku, kuti ndichiona six-second Smith. Zvino, chakanga chisiri chiratidzo. Chakangachiri chiroto. Zvino ndakaona six-second Smith, majaya achiuyakuzorwa naye, mumutambo wemutsimba. Uye iye, mutanaiyeye, pamusoro pe, o, ndinofunga…ndine makore makumimashanu nemaviri. Iye angangoita makumi mashanu nemasere,makumi matanhatu. Hakuna nemumwe wavo vadiki avaaigona kumubata, chero neipi nzira. Aingovasunga, seizvi,ongovaradzika pasi nokuvabata noruoko rwake.304 Ini ndikafunga kuti, “Izvi zvinoshamisa.” Ndakafungakuti mudzimai wangu aiva neni, ndikati, “Izvi zvinoshamisa.”Ndikati, “Unozivei, Meda? Aisimbovamudzidzisi wangu.”

Iye akati, “Ndino—ndinozvirangarira, uchindiudzapamusoro pazvo.”305 Ndakati, “Hongu, changamire. Nekudzidzisa kwakekwakanaka, ndakawana mhenduru gumi neshanu dzokurwatsiva yepamusorosoro, uye ndikazorega basa iri—iri; kutindiparidze Evangeri.306 Ndopazvakashanduka ipapo, zvino ndakanga ndavakuyambuka mhiri kwe—kwemvura. Asi apo pandakangendava kuenda, ndakanga ndichienda nechikepe chepeturu.Ndakatarisa kurutivi, ndikaona apo pakagara hama dzangumbiri, dziri muigwa, dzichigadzirira kuenda neni. Ndakati,“Hamugoni kuita izvozvo, hama. E-he. Ndinofanira kuendandoga.”307 Zvino munhu wechikepe akauya, ndokuti, “Herino igwarako,” ramazvirokwazvo igwa ramapepa epurasitiki.

Ndikati, “Kwete. E-he. Kwete iroro.”308 Iye akati, “Zvino, unogona kumhanya naro uchikwidzanenzira uku, mamairamakumimashanu paawa imwe.”

Ndikati, “Asi ndinofanira kuyambuka nekoko.”Munoona?“Zvakanaka,” iye akati, “pinda navo varume ava.”

309 Ini ndikati, “Ava havasi varume vemuzvikepe. Havazivizvakakwana nezvazvo. Vangofarisa. Havagoni kuzvityaira. Vosevanganyuramukati umo. Havangatombozvigoni.”

Page 43: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

HONDO HURUSA YATI YAMBORWIWA 43

Zvino iye akati, “Uri…iwe ungavimba…”310 Ini ndikati, “Inzwai, ndino—ndinoziva zvakawandanezvezvikepe kupfuura ivo, uye ini handingaedzi kurityairanaizvozvo, nemhando iyoyo yamagadzirirwe.” Ndikati,“Zvinotora chikepe chine simba kuyambuka apo.” Ndikati,“Zvichatoda chinhu chine simba guru kudarika icho.”311 Zvino ndakaona achitarisa tarisa, kune mumwe wehama,ndokuti, “Uri mutyairi wechikepe here murume?”

Hama dzikati, “Hongu.” Maona?Ndikati, “Izvo handizvo.”

312 Zvino munhu wemuchikepe akadzoka. Iye akati,“Ndikuudze zvaunoita.” Akati, “Vanokuda. Vanokutenda.Asi,” akati, “kana ukaedza kuyambuka nechikepe chine simbarepeturu, vachaedza kukutevera vari muigwa iro. Vose vachafa,waona.” Akati, “Havagoni kukutevera.”

Zvino ini ndikati, “Zvakanaka, ndoita sei?”313 Zvino munhu uyu wechikepe aiva pachiteshi chezvikepe,akati, “Wodzokera kumusoro uko.” Akati, “Pane imba diki yeduramunyika ino yose, imba diki yokuchengetera chikafu. Zvinouise zvinhu zvakawanda imomo,” akati, “zvino vachagara pano.Vacha—vachagara pano apa kana iwe—kana iwe waenda. Asi,”akati, “unofanira kuisamo zvavachazoda.”314 Zvino ndakanga ndichihodha mhando dzose dzemakabheji,maturnips, nemaradishes, nezvimwe zvinhu, kuzviunganidzasaizvozvo. Ndokubva ndapepuka.315 Handina kuziva kuti chaiva chii, asi zvino ndava kuziva.Onai, tiri kuunganidza mbuva yezvokudya, hama. Uhwu ndihwohupenyu hwaunofanira kufamba wega.316 Leo, unorangarira chiroto chawakaita nguva iyapawakatanga kuuya pano here? [Hama Leo Mercier vanoti“Ameni.”—Mupepeti.] Pamusoro pepiramidi, uye waifunga kutiwaizokwira kumusoro mukati mayo. Ndakati, “Leo, hapanamunhu anokwira pamusoro pano. Mwari anofanira kukwidzamunhu pamusoro pano. Wakakwira nharaunda dzose dzinogonakukwirika panyama.” Ndikati, “Haugoni kuuya pano, Leo.Waona? Dzokera zasi. Ingoudza vanhu kuti zvinobva kunaMwari.” Maona? Maona?317 Ndechimwe chinhu chausinga—usingagoni kuvimba nacho,kunyange hama nehanzvadzi dzakanaka, uye chechi yangunevose, uye kunyange mamwe machechi akanaka zvaari,nehama, kwese kwese.318 Zvino, handigoni kugara kure nechechi uko. Mumwe angati,“Zvino, sei muchifambidzana navanhu avo, ivo vana vamwarivatatu mumwe, vose ava, avo, nevamwe, neveoneness, neveJesusName, nezvose zvimwe zvinhu izvi? Munozvisonganisirei navo,

Page 44: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

44 SHOKO RAKATAURWA

vakadaro?” Ndevangu. Hazvineyi kuti vakaitei, ndevangu. Ivoipurupiti yangu.319 Apo Israeri yakaita zvakaipa, kusvikira Mwari akatoudzaMosesi, Akati, “Zvipatsanure. Ndichatanga rudzi rutsva—rutsva newe.”320 Mosesi akazvikanda pamberi, akati, “Musati Mavaparadza,paradzai ini.”321 Hazvineyi kuti vakaita sei, ndivo vandakatumwa kwavari.Anotuma Chiedza, kwete kuti chivheneke pane Chiedza.Pane rima, ndipo pakafanira kuuya Chiedza. Zvino unofanirakufambidzana navanhu ava. Unofanira kumira navo, zvisinei,unofanira kuita saizvozvo, nemukutadza kwavo.322 Israeri yanga yatadza zvekutadza chaizvo. Vakanga vatadzakusvikira Mwari avaramba. Asi, Mosesi, ndinogaroshamisikakuti zvakambouya sei, asi waiva Mweya waKristu munaMosesi.Maona?323 Onai, tose takatadza. Akatimiririra tose patanga tirimukutadza kwedu.324 Hazvina mhosva kuti vakatadza sei, ngatirege kuvarasirakure kana kusazvibatanidza navo isu nezvimwe zvose. Kanatichingogona kuwana mweya, ngatiende nazvo “takachenjerasenyoka, tisingakuvadzi senjiva,” Maona, uye tichiedza kuwanamweya wese watingagona.325 Zvino, izvi ndizvo zvandiri kutaura mangwanani ano,kuunganidza Kudya. Kuunganidza Kudya, kuti muzowanachokudya, kuti muzova nechimwe chinhu chokudyapachiri. MoZviisa pamatepi enyu. Mozogara mukutonhorerakwemumba. Pamwe, apo ndinenge ndaenda ndave kure,muchazorangarira kuti zvinhu izvi ichokwadi. Mozogaramumba mako uchiterera. Maona? Zvino ichi Chikafu, chandirikuunganidza, mumba yekuchengetera. Handizivi kuti rwendoruchava rwekupi. Asi, kuti ndepi, Iye Anoziva kwaariKutungamirira; ini handizivi. Ndinongotevera.326 Zvino, chii chaataura pano zvino? Tererai chaizvo.

Pakupedzisira, hama dzangu, ivai makasimbamunaShe, nomusimba roukuru hwake.…ivai nesimba…musimba roukuru hwake.Shongai nhumbi dzose dzokurwa dzaMwari, kuti

mugone kumirisana namano aDhiyabhorosi.Nokuti hatirwi nenyama neropa,…

Kupfura namabara nekucheka namapanga, munoona,handizvo izvi.

…asi navabati, namasimba, namadzishe e…rimarenyika ino,…

Page 45: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

HONDO HURUSA YATI YAMBORWIWA 45

327 “Madzishe erima.” Ndiani anotonga nyika?NdiDhiyabhorosi. Zvirokwazvo. Ndiani ane zvinhu zvosezvinoenderera mberi, zvose izvi zvisina Mwari zvinhuzvichienderera, zvichitenderera nemuno, nehurumendeidzi, nezvakadaro? Zvose ndiDhiyabhorosi. Bhaibherirakataura saizvozvo. Dhiyabhorosi anotonga muUnited States.Dhiyabhorosi anotonga Germany. Dhiyabhorosi anotonga rudzirwose panyika. Ndiri kuuya kwazviri, mumaminitsi mashoma,uye tichaona kuti anotonga here, kana kuti kwete. Kana…Humambo hwose hwakambovako nehuchazovako, hunotongwanaDhiyabhorosi kusvikiraMwari aisa humambo hwaKe.328 Handireve kuti wese arimo ndiDhiyabhorosi, zvino. Munevanhu vaMwari mu—mumahofisi ehurumende.329 Pachazove nemumwe pano muhusiku hushoma, ipo pano,achazoratidza mufananidzo pano naHama Arganbright,panzvimbo pano. Vakanga vari mumiririri kuvatungamiririvashanu vakasiyana, Hama Rowe. Uye ivo i…Vachange varipano, ndinofunga ringangova svondo rechipiri raKubvumbi.HamaNeville vachazvizivisa. Uyemunhu anoshamisa.330 Anoti iye anogona kutaura nendimi sere dzakasiyana,ndinotenda. Asi apo akagamuchira Mweya Mutsvene, akangaasina mutauro wokuti ataure nawo kunaShe, saka Ishevakamupa, iye akati, saka akataura naYe naiwoyo. Akamupamutsva, waakanga asina kumbodzidzira. Zvakanaka.

…kuipa kwapamweya munzvimbo dzakakwirira.Nokudaro…

331 Zvino tererai, imi varwi mose zvino, tisati tatanga mutsetsewokunamatira.

…torai kwamuri…(d-z-o-s-e) dzose (kwete zvimwezvadzo)…nhumbi dzose dzokurwa dzaMwari, kutimugone kumira muzuva rakaipa,…Ndiro zuva ratiri kuraramamariri.…uye maita zvose, kuti mumire.Mirai…

332 Ameni. Mazvibata? Ona, mudikani? [Hama Branhamzvakare vanotaura nehanzvadzi inorwara—Mupepeti.] Kanamaita zvose zvamunogona kuita, kuti mumire, zvino mirai.Musafamba.

Mirai naizvozvo, zvivuno zvenyu…333 Tererai izvi. Tererai pano, munoziva here kuti chii ichi.“Zvivuno zvenyu.” Ndipo pakati pako, apa, waona.

…makapfekedzwa nezvokwadi,…334 Chokwadi chii? IShoko raMwari. Ndizvozvo. “Shoko reNyuiChokwadi.” Zvakanaka.

Page 46: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

46 SHOKO RAKATAURWA

…mune chidzitiro chechipfuva chokururama;335 Ndiko kuti, “Itai zvakarurama.” Une Shoko raMwarimauri, uchiita izvo zvakarurama. “Chidzitiro chechipfuvachekururama.”

Netsoka dzenyu dzakapfekedzwa negadziriroyeevhangeri yorugare;

336 Enda kwese, nzvimbo dzose, nguva dzose, tsokadzakapfekedzwa Evhangeri. Waona? Uye tarisa:

pamusoro pazvose, pamusoro pazvose izvi, torai nhovoyokutenda,…

337 Ndicho chinorovera kure miseve, waona, “Nhovoyekutenda.”

…nayo muchagona kudzimura miseve yose ine motoyowakaipa.Mutore nguwani yoruponeso,…

338 Ndiye munhu womukati…Idzi pfungwa—idzi pfungwa,muno umu, mumusoro; dzinofukidza musoro.

…ne—nemunondo woMweya, rinova ShokoraMwari:

339 Ucharega sei ngowani iyi, ichiita basa rainoita?Ichengetedzo. Nguwani inogadzirwa nei? Ndarira. Ndarirahaigoni kuwedzera kuomeswa; yakaoma, yakaoma kupindadare. Chokupfeka mumusoro chendarira, (icho chii?) irworuponeso, ruzivo rwokuziva izvi, “Uye kupodzwa kwangukunobva kuna Mwari. Ruponeso rwangu runobva kuna Mwari.Chiitiko changu chinopindirana neShoko raKe, kwete pfungwayamachechi; Shoko!” Ameni. Hezvoka. Kufukidza pamusoro,nechengetedzo, ngowani yoruponeso, rudzikinuro. Tora izvozvo,chienda uchifora uchienda mberi. O, zvino, zvino ndizvozvatinofanira kuita. Hondo yaSatani…340 Zvino tarisai, zvino, tiri…Ndinotofanira kukurumidza, asindi—ndinofanira kupinza izvi mukati.341 Hondo yaSatani inounza zvirwere. NdoSatani zvaari, iyemuparadzi. Satani, humambo hwose hwaSatani, zvirwere, rufu,nekusuruvara, nekuvhiringidzwa, nekushushikana, zvose panaSatani.

Mwari Hupenyu, kutenda, mufaro, rugare, pano apo.Maona?342 Zvino, ndiwo masimba maviri makuru ari kuuya pamwechete zvino. Ari kurwisana. Ari kurwisana imo muno muimbaiko zvino. Anorwa, zuva nezuva, newe, simba roga roga.343 Satani, achikutevera rwendo rwose, icho chimambo chikuru,chihombe, Goriati wehuprista chichiedza kukuvhundutsira. Arimugwara, asi Mwari…

Page 47: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

HONDO HURUSA YATI YAMBORWIWA 47

344 Wakachengetedzwa, ameni, neEvhangeri, neShokoraZvokwadi rakatenderedza chivuno chako. Mwaringaakudzwe! Muparidzi, ndizvo zvazviri. Ngowani yoruponeso;nhovo yokutenda; neMunondo, uchimveyeswa uri muruokorwako! “Satani, ndiri kuuya kuzosangana newe. Unosangananeni muzita resainzi. Unosangana neni muzita re—retsika.Unosangana neni muzita resangano. Unosangana neni muzitareichi, icho, kana chimwe. Asi ini ndinosangana newe muZitaraIshe Mwari waIsraeri. Ndiri kukuvinga. Vhura nzira!”Kunyange rufu chairwo harugoni kumirapo. Tema burinemaruri. Ndizvozvo.345 Hondo yaSatani inounza zvirwere, asi hondo yaMwariyakapiwa kuti izvidzingire kunze. Ameni. Hezvoka. Nguva yoseSatani paanokanda chese pauri, pauri iwe, hondo yaMwariinomudzingira kunze. Ameni. Dzingira kunze!346 Ndiro zano chairo iro Mwari akashandisa. Sataniakashandisa hondo yokuparadza, yokusatenda Shoko raMwari,neyokumugadzirira humambo huri nani pane hwaiva naMikaeri,asi Mwari akadzingira kunze.347 Zano raMwari, nderiri, dzingai mweya wakaipa. Dzingaikushandisa pfungwa kwose. Dzingai kutya zvisipo. Dzingiraikunze kushushikana. Dzingai zvirwere. Dzingai zvivi. Ameni.Muri pamusoro pazvo, makamutswa muna Kristu Jesu,makagara munzvimbo dzekuDenga, mweya yakaipa yose iripasi petsoka dzenyu. Kana akaedza kusimudza musoro wakeimomo, chii…348 Unoziva, wakafa. Hupenyu hwako hwakavanzwa. Chiichakafa? Wakafa kupfungwa dzako. Wakafa kuhana yako. Kudakwako kohunhu kungati, “Hongu, ndinofunga ndi…” Wakafakukushandisa pfungwa kwako. Wakafa kuzvinhu zvose izvi. uyewakavigwa muZita raJesu Kristu; nekumutswa pamwe chetenaYe. Uye pose paAri, newe uripowo.349 Chii chakaitika apo, mumwe waavo vakahadziki, akasvikakuDenga? Mwari akamukavira kunze. Uye Akati chii kuvarwivakamutswa munaKristu? “Kana mweya wakaipa wauya,mukavirei kunze. Mudzingirei kunze.” Apo Jesu akadzidzisahondo yaKe, nekuvaraira kusvika kumigumo yenyika, “Endainaizvozvo munyika yose, muparidze Evhangeri kuzvisikwazvose. Uyo unotenda akabhapatidzwa uchaponeswa; uyoasingatendi uchatukwa. Uye zviratidzo izvi zvichateveravanotenda, varwi vaNgu. MuZita raNgu vachadzinga mweyayakaipa; vachataura nendimi itsva; vachabata nyoka, kanakunwa zvinhu zvinokuvadza, asi havangakuvadzwi nazvo; kanavakaisamaoko avo pamusoro pevanorwara, vachapora.”

Pamberi, masoja eChikristo!Kufora sekwe kuhondo,

Page 48: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

48 SHOKO RAKATAURWA

Tiine muchinjikwa wa JesuUchititungamirira.

350 “Ndakaroverwa pamwe chete naYe, asi zvakadarondinorarama; kwete kuti ini ndinorarama, asi Iye anoraramamandiri.” Shoko richienda, mberi, Mwari achicheka achibvisa,neMunondo waKe unocheka kwese wakapinza.351 Zvino, ndosaka zvisingashamisi, apo Grant akatoraRichmond, uye mukadzi mudiki uya wekuzasi akaona Grantachiuya, kufemera kwakamubata. Akati:

Meso angu aona kubwinya kwekuuya kwaShe;Ari kutsika-tsika muchisviniromakachengeterwa mazambiringa nehasha;

Watupfunura mheni inoparadza nemunondowaKe unotyisa nokumhanyisa;

Mauto ake anofora achienda mberi.352 Ameni. Grant akatora sei Richmond? Paakangosvika kwairi.Ameni. Ndiko kutora kwaakaita Richmond.353 Ndiwo matorero anoita mauto aMwari chivi, chirwere;pavanongosvika pachiri. Ameni. Ndiwo makundiro avanoitakukahadzika kwavo, nekutya kwavo, nezvimwe. Kanachimwe chikasimuka, vanochitemera pasi. “Ibva munzira!”O, ini zvangu! Ndizvo chaizvo. Mwari anoadzingira kunze,sezvaAkaita kuDenga. Mutungamiriri wedu Mukurukuruakatiratidza kuti zvinoitwa sei. Ameni.354 Roy Roberson naHama Funk, vazhinji venyumagamba ekarepano,munoziva kutimutungamiri wamazvirokwazvowakadii.355 Imwe nguva ini…bazi duku rokudzima motomuJeffersonville zasi uko. Nzvimbo yevePfau yakabatira moto.Hevanoyi vezvokudzima moto muJeffersonville vakaendakozasi uko, mutungamiriri achifamba achitenderera, akati, “Diraimvura shoma pamusoro apo.” “Pfa-pfa-pfa-pfa,” nekahosipaipikadiki kaivapo. Pakazouya veClarksville, “Dirai mvura shomaapa.” “Pfa-pfa-pfa.” Imba yevePfau yaingotsva ichidonha.356 Vakazodana vokuLouiseville. Hepanoi pouya varumevakadzidziswa. O, masairini akarira zvikuru sei!357 Ipo pano mukuru wavatungamiriri, wezvekudzima moto,achiti, “Dirai mvura shoma pamusoro apo. Dirai mvura shomazasi uku.” Varume vasina kudzidziswa.358 Hama, pakangomira motokari, ndiani akanga ava pamusoropemanera? Iye mutungamiriri. Apo manera akasimudzwa,iye akasimudzwa pamwe nawo. Paakarova hwindo, iye angaasati asvika pane hwindo. Akabata demo rake ndokurikandanapahwindo, akati, “Huyai, vakomana.” Moto wakadzima,mumaminiti mashoma. Mutungamiriri!359 Haasi mutungamiriri, anoti, “Dirai mvura shoma pano.Edzai shoma pano.”

Page 49: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

HONDO HURUSA YATI YAMBORWIWA 49

360 Asi, “Huyai, vakomana!” Ameni. Akatungamira nzira. Iyeakatiratidza kuti zvinoitwa sei.361 Ndakafunga, “Iro bazi rezvemoto rakanyatsodzidziswa,rakadzima moto uyu mumaminiti mashoma.” Sei? Vaivanemutungamiriripo waiziva zvaaiita.362 Hama, taura zvose nezvedzidziso yako yokunamatakwenhema sezvaunoda. Masangano ako avanhu, mapoka ako,tamba zvako nawo.

Ndine Mukuru waVatungamiriri akandiudza kuti zvinoitwasei.

Iwe woti, “Zvakanaka, dai ndikagona kuzvifembedza,kuzvinzwa.” O, ndezvoupenzi izvo!363 Heino nzira yazvinoitwa nayo yakataurwa noMutungamiririMukuru, muna Ruka chitsauko 4. Handina nguva yokuiverenga.Zviverengerei, pachenyu. Zvakanaka. Ruka chitsauko 4, kutangapandima yekutanga.364 Haana kumboti, “Zvino ndava kukuudzai. Endai ukomunoumba sangano guru. Mutorane vatariri vamatunhu,nemadhikoni, makadhinari, namabhishopi, uye mutore izvi.”Haana kumbotaura izvozvo.365 Satani paakasangana naYe, akati, “Zvino Une nzara.Shandura matombo aya chive chingwa.”

Iye akati, “Kwakanyorwa kuchinzi…”366 Akati, “Kumusoro uku, tinoenda neWe kumusoro ukutinoKuratidza chimwe chinhu.”

“Asi kwakanyorwa kuchinzi…”“Ndichaita izvi, kana Iwe ukazviita.”“Kwakanyorwa kuchinzi…”

367 Ndiwo maitirwo azvakanzi noMutungamiriri Mukuruzviitwe. Zvinoitwa sei, hanzvadzi? “Kwakanyorwa kuchinzi,‘Vakaisa maoko pamusoro pavanorwara, vachapora.’”“Kwakanyorwa kuchinzi, ‘MuZita raNgu vachadzinga mweyayakaipa.’” Ameni. Chii ichi? “Kwakanyorwa kuchinzi!” Ndiyorairo yeMutungamiriri. “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Uyo woseanonzwa Mashoko aNgu nekutenda kuna Iye akaNdituma, aneUpenyu Husingaperi.’ Kwakanyorwa kuchinzi! Kwakanyorwakuchinzi! Kwakanyorwa kuchinzi!” Ndiyo—ndiyo mirairo.Ndiyemurwi. Ndiyo nzira. Ndicho chombo chatinosimudza.368 Chiiko chaakaita? Akafamba akasvikapo, paiva panaGoriati. Akaratidza ka…Dhavhidha akaratidza sei hondoyavarwi kuti zvinoitwa sei? Dhavhidha akaratidza seiIsraeri kuti zvinoitwa sei? Dhavhidha zvinoreva “muponesi,unodikanwa.” Maona? Dhavhidha akazviita sei? Akati, “Heinoinzira yazvinoitwa nayo. Vimbai neShoko raShe.”

Page 50: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

50 SHOKO RAKATAURWA

369 Zvino Goriati akauyako, akati, “Unozivei?Ndichakusimudza nemuromo wepfumo rangu iri, ndogokupakushiri kuti dzikudye.”370 Iye akati, “Unosangana neni sesangano. Unosangananeni samazvikokota wesainzi wemazuva ano. Unosangananeni nezimunondo rako guru rakareba mafiti gumi namana.Unosangana neni neheti yendarira, uye nenhovo yandisingagonikusimudza. Unosangana neni somurwi wakadzidziswa.Unosangana neni nePh.D, neL.L.D. L.yakapetwa kaviri neD.Unosangana neni uchivimba nezvinhu izvi zvose. Asi inindinouya muZita raShe Mwari waIsraeri, uye nhasi ndichaguramusoro wako kubva pamafudzi ako.” Ameni. Iko kanhukadiki diki kachiuya kuzorwa negono, asi kaiziva pakakangakakamira.

Israeri, ichingobvunda kumashure uko, “O, mukomanaanonzwisa tsitsi uyu.”

Goriati akati, “Ndichakuratidza kuti ndianiwandichashanda.” Hoyo wouya.371 Iye akanga ane k-u-t-e-n-d-a, maona, m-u-n-a J-e-s-u,[MuChirungu, “kutenda” na “Jesu” ane mavara mashanu—Muturikiri.] matombo mashanu, mabwe mashanu. Domborimwe chete duku umo, richizviita kuti zvichitangwa naro.Achiritenderedza sezvizvi, Mweya Mutsvene ndokuribatadombo, ndokubva raenda. Goriati akawira pasi. Ndiyo nzirayazvinoitwa nayo.372 Ndiyo nzira Jesu yaakataura nayo, zvaAkataura. “Zvino,kana imi hama dziri kuenda kunze, kana muchida kuzivakuti munokunda sei mweya yakaipa iyi, ndichakuratidzai kutizvinoitwa sei.”373 Satani akati, “Ndinosangana newe.” Goriati,“NdichaKuratidza zvandinogona kuita. Une nzara. KanaUri Mwanakomana waMwari, ndinoKudenha. Unoti UriMwanakomana waMwari. NdichaKudenha. Kana UriMwanakomana waMwari, shandura matombo aya ave chingwa.Idya; Une nzara. Uye kana Uri mwanakomana waMwari, Unesimba rekuzviita.”374 Akati, “Asi kwakanyorwa kuchinzi, zvino, ‘Munhuhaangararami nechingwa bedzi.’” O, ndiyo nzira MutungamiririMukuru yaakazviita nayo.

AkaMutora akamukwidza pamusorosoro patembere. Akati,“KanaUkazvikanda pasi,” akati, “Unoziva kuti zvakanyorwawozvakare…”375 Akati, “Hongu.” Akati, “Kwakanyorwa, zvakare, ‘UsaedzaIshe Mwari wako.’” Maona kuti Iye akazviti Ndiye ani? “IsheMwari wako.” E-he. ‘“Usaedza Ishe Mwari wako,’ zvakanyorwa,zvakare, saizvozvo.”Waona? O, ini zvangu!

Page 51: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

HONDO HURUSA YATI YAMBORWIWA 51

376 Chii chaAkaita? Akamukunda, neShoko raMwari. ZanoraDhiyabhorosi nderokukuita kuti usatenda Shoko raMwari.Zvino Mutungamiriri Mukuru akati, “Tora Shoko raMwariuRiite. MuZita raNgu vachadzingamweya yakaipa.”377 O, Satani, mutungamiriri mukuru wavo, o, yaa, unoziva,vamwe masangano vanoedza kukuita kuti utende kutiane hwanda rakatsemurwa napakati, unoziva, nemuswewakatsemurwa napakati, nezvose zvakadaro. Usambozvitenda.Haana kudaro. Kwete, changamire, hama. Iye anonyengera.Usatenda kuti ane izvozvo. Vanongozviita kukuvhundusira.Haasiye Dhiyabhorosi. Chokutanga Dhiyabhorosi haanahwanda; ndinokahadzika nazvo zvakanyanya. Anongovamweya. Dhiyabhorosi mweya. Haana mahwanda akatsemurwanezvimwe, sezvamunoedza kumufungidzira ari. Kwete, kwete.378 Asi, akachenjera. Hama, munhu wakachenjerazvamazvirokwazvo, akadzidza kusvika pazvinoperera,muhuchenjeri hwenyika, akagara akadaro. O, yaa. Akanaka.Akaronga hondo yake nouchenjeri hwenyika, kusvikira, hama,usaedza ku—kutaura mashoko ako. Unofanira kuziva zvaurikutaura pamusoro pazvo kana wasangana nemumwe wevava,vanoti, “Mazuva ezvishamiso akapfuura.” Kwete, haana—haana hwanda rakatsemurwa napakati. Iye, o, iye—iye—iyeakatobva kuseminari. Akakwenenzverwa, hama. Ndinorevakuti, akangwara, Ph.D., L.L.D., Q.U.S.T., nezvimwe zvazvo zvose.Waona? Zvose imomo, akangwara sekungwara kwaanokwanisa.Kuchenjera, chokwadi, iye chikara, chakangwarisisa chazvozvose. Vhudzi rakakamurirwa zasi, hama, uye, ndinoreva,kupfekedzwa, pasina kana kuwonyana pabhachi. Akachena,akangochenjera namano sezvaanogona kuva. Ndizvozvo.379 Usambotamba naye kunze kwokunge uri kuziva zvaurikutaura pamusoro pazvo. Ndizvozvo. O, asi tinoziva mazanoake akare—ake akare. Tinoziva zvaari kuedza kuita: kutiita kutitisatenda Shoko raMwari.380 Uye haana mahwanda akatsemurwa napakati. Kwete,kwete, kwete. Zvino, tinoona kuti kana asina mahwandaakatsemurwa napakati, zvino anofanira kuvawo chimwe chinhu.Iye anonyengera. Iye huchenjeri, akadzidza, akarongeka. Hama,ane hondo yake zvino.381 Tarisai, imwe nguva, kuSwitzerland. Handisi kukwanisakuwana pekugumisa napo, hama. Pane e—e…MuSwitzerland,pakauya iyi hondo yeGermany, ichifor-…nemhandu dzichiuya.Sei, zvaiwonekwa semudhuri wezvidhina; munhu weseakadzidziswa, pfumo rose rakabuda kunze sezvizvi, mafitimasere kana kuti gumi pamberi. Zvino vakauya kuSwiss dikiinonzwisa tsitsi ndokukwirako, chii chavanga vainacho? Vangavakapakata zvombo zvama—zvamajeko avo avaicheka nawo,zvimiti nematombo, uye ndokubva vamira apo. Vakavatsigira

Page 52: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

52 SHOKO RAKATAURWA

sure. Seri kwemakomo ndokwaiva nemisha yavo. Panohondo yeSwiss ikaenda kunosangana navo. Hapana chavangavavatadzira. Vakangouya ndokuzotora nyika yavo.382 Chiiko munyika ino chaakaita mwana uyu, anongovamwanana? Satani, ndizvo zvaari, anongotora hupenyu hwakekana achigona. Zvirokwazvo. Heunoi apo; nguva isina kukwana.Maona?383 MaSwiss akanga asina chaanga aita. Vaiva vanhu vakanaka.Vanga vachiedza kudzivirira misha yavo, asi vakamira kunzeuko kuti vadzivirire. Pashure pechinguva, paiva nemumwenezita rinonzi Arnold von Winkelried. Hepanoi pouya hondo iyi.Vose vanga vakakombwa. Vakati, “Toita sei?”384 Kose, yaingova fararira yavarume, vakanyatsodzidziswa.Ndiwo maitire ayo Satani aanozviita nawo.Vakanyatsodzidziswa, pfumo rake rakanyatsonongedzarichibuda, munhu mumwe nomumwe ari mukuwirirana;poshi, piri; poshi, piri; vachingodhonza nokupinda pakahondokadiki aka. Kungo—kungoramba vachifamba, ndizvo zvogazvavaifanira kuita, nokungonovabaya, munhu woga woga,neminondo. Mapfumo achingonopinda nokubuda nemavari.Izvo zvaibva zvatopedza varwi veSwiss. Zvaibva zvatopera.Paseri pegomo ndipo paiva nemisha yavo navadikanwa vavo.Madzimai avo aidai akazonotambudzwa nokubatwa chibharo,navanasikana vavo vadiki, nevana vavo vaizonourawa, nemishayavo ichipiswa, nezvose, chikafu chichitorwa, mombe nezvose,zvoenda. Ndozvaivapo.385 Chii chakaitika? Chizoro chakarova mumwe ane zita rinonziArnold von Winkelried. Iye akati, “Varume veSwitzerland,nhasi uno ini ndinofira Switzerland.” Ameni. “Nhasi ndinofiraSwitzerland.”

Vakati, “Chii chauchaita?”386 Iye akati, “Imi ingonditeverai muchirwa nezvosezvamunazvo.” Akasimukapo; akakanda pfumo rake pasi,kamuti kadiki kaanga anako muruoko rwake, sezvizvi. Zvinoakadanidzira, akasimudza maoko ake mudenga, sezvizvi,ndokumhanya akanangako, achidaidzira, “Vhurai nzirayerusununguko!” Akamhanya nesimba rake rose, achiendakuhondo iyo. Uye, paakaita izvozvi, akabata mapfumo oseaaigona ndokuakandira, muchipfuva chake sezvizvi, ndokubvaafa.387 Akavataurira, asati aenda. Akati, “Pane kamusha kadikipaseri apo, nemudzimai nevana, avo vandiri kusiya, mushamudiki wandichangobva kutenga.” Akati, “Ndino—ndinovada,asi, nhasi, ndinofira Switzerland. Iye akapa wangu…”Ndokubva ati, “Ndinopa upenyu hwangu kuti ndiponese nyika.”Zvino ndiro rakave gamba. Havana kuzombova nehondozvekubva pana iyoyi. Ndizvo, ndizvo zvakaipedza.

Page 53: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

HONDO HURUSA YATI YAMBORWIWA 53

388 Zvakapedza simba hondo iyo, nehugambahwakaratidzwa, kusvikira pakanga pasisina…Ho—hondo iyoyakadzungaidzwa. MaSwiss vakakungurusira matombo pavari,ndokuvamhanyisa kubuda munyika; vakagara vasimo kubvapanguva iyo. Kwatova namazana amakore zvaitika. Maona? Sei?Ichi chaiva chiitiko chikuru.389 Asi, o, hama, rimwe zuva, apo kusaziva, kutya zvemweyazvisipo, kukahadzika, kugumbuswa, nekutya, zvakaisa vanhuvaMwari mukona. Paiva neMumwe aidaidzwa kunzi Jesu Kristu,“Nhasi uno Ndinofira vanhu.” Ndizvozvo.390 Akati chii kuhondo yake? “Nditeverei mugorwa nezvosezvamunazvo. Kana une tsvimbo, irwa netsvimbo. Usatya. Unechimuti, irwa nechimuti. Une dombo, irwa nedombo, chosechaunacho.”391 Ndizvo zvinotaurwa noMutungamiriri wedu Mukuru nhasi.“Ndakatora Shoko raMwari, ndikakundaDhiyabhorosi nesimbarake.” Akamudimbura kumuita tutambo, ameni, neShokoiroro. Zvino, chose chaunacho, kana uine Shoko rimwe, “IsheMwari wako anokupodza,” mucheke naro. Tevera. Ameni.Teverai Mutungamiriri wedu. Hongu, changamire. Akamuchekazvachose.392 Satani, nehumambo hwake hukuru, hwakanaka, uyehwakanyanya kunaka, nezvose, zvechizvinozvino. Haaneinechokuita nesu. Ndizvozvo. Iye achingori namano kupfuuramhuka dzose dzesango. Hongu, changamire. Jesu akativana venyika ino vakachenjera kupfuura vana veHumambohwaMwari.393 Zvino, kurwisana kukuru kuviri uku. Tiri kuenda…ndino…fanira kuvhara. Kurwisana kuviri kukuru kurikuuya kuzosangana iko zvino. Iye zvino ndiyo nguva apozvirwere nezvimwe zvabata nyika, kusvikira sainzi nezvokurapavagumirwa, uye zvose zvagumirwa. Hakuna chinhu, uye—uyetichango…nehondo, hondo diki yaMwari, iri kusundirwamukona nezvose. Hama, yava nguva yemumwe Arnold vonWinkelried. Inguva, nguva yokuti mumwe munhu waMwariasimuke. Inguva yekuti Eria azviratidze. Inguva yekuti chimwechinhu chiitike.394 Hondo yaMwari, vharai pfungwa dzenyu. Musambomirakweminiti, kuti muchifunga pamusoro pechinhu chose ichoDhiyabhorosi anacho kuti angakupai kubudikidza nepfungwadzenyu. Asi rangarirai, Shoko raMwari haringakundiki.395 Hondo hurumbiri idzi! Kanamuvengi akauya semafashamo,sezvaari kuuya nhasi, chiiko icho Mwari akati Achazoita?“MweyawaMwari uchasimudza chiyero chinorwisana naye.”Urimumwe wavo here? Hongu, changamire.396 Tinodzidziswa munaJakobo 4:7…Handina nguvayokuiverenga. Jakobo 4:7, ku, “Dzivisai Dhiyabhorosi, uye,”

Page 54: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

54 SHOKO RAKATAURWA

haazongofambi achienda, asi, “achakutizai.” “DzivisaiDhiyabhorosi.” Unodzivisa sei Dhiyabhorosi? Nenzira imwechete iyoMutungamiriri weduMukuru akatiudza kuti tiite nayo.Tora Shoko raMwari. Ndiwo madzivisire aunoita Dhiyabhorosi,kubudikidza neShoko raMwari. Mutungamiriri Mukuruakatiudza kuti zvinoitwa sei. Zvakanaka.397 Zvino, mukuvhara, ndinoda kutaura izvi. Dhiyabhorosiuya wakare, zvino, munofunga kuti anemoyo wakashata.Munofunga kuti acharwisa mwana? Anorwisa chinhu chosezvacho. Akarwisa Jesu Kristu. Akauya kwaAri, nokurwisakwakaomarara katatu. Maizviziva here izvi? Satani haanakungorwisa kamwe chete. Achakurwisa nechirwere, uyezvepaanozodzoka achikurwisa, achikuudza kuti, “Mazuvaezvishamiso akadarika. Iwe hauna kupodzwa. Hapana zviripoApa.” Munoziva here kuti ndizvozvo?398 Akarwisa Jesu katatu. Akarwisa Jesu zvakaomarara katatu,akamhanyira kuna Jesu, nokusatenda muShoko raMwari. Jesuaiva Shoko. Chokwadi, akanga asingazvitendi izvi. “KanaIwe uri…Kana Iwe uri…” Heunoi anouya, nokurwisa,sezvaanomboita muvengi dzimwe nguva nhasi. Hepanoivouya, voti, “Kana Uri Mwanakomana waMwari, ndiratidzechishamiso. Rega ndione uchizviita.” Hama, kurwisa katatukwakaomarara akabhururuka nako achipinda, “Kana Iwe…kana Iwe Uri…”399 Zvino, Jesu wakaitei? Jesu aiva Shoko raMwari. WaivaShoko. Akarwisa Shoko. Mwari ngaakudzwe! Ndi—ndirikunzwa…kungonzwa kunakirwa, kuti ndiparidze izvozvi,zvechokwadi ndiri. Ndizvozvo. Jesu iShoko. “Pakutanga kwaivaneShoko, Shoko raiva kuna Mwari, uye Shoko iri raiva Mwari.Uye Shoko rakagara, rikaitwa nyama, nokugara…” Jesu aivaShoko. Chii chaakaita? Akamucheka kuita tutambo. O, inizvangu! Ndava kuzovhara. Chii icho Jesu akaita? Iye aivaShoko. Saka, neShoko, Akacheka Satani pakurwisa kwakekwakaomarara. Akabhururukiramo seguruusvusvu ravarwivepara-, dutu ravarwi, kana chimwe chinhu chakadaro,akabhururukiramo pana Jesu, Shoko, saizvozvo. Zvino Jesuakatora Shoko iro, ndokumuchekacheka kuita zvidimbu.Hareruya! Chokwadi, kumuchekacheka kuita zvidimbu,akamukunda neShoko.400 Onai kurwisa kwake? Tarisai, tereresai, tichivharazvino. Kurwisa kwake chii? Kusatenda Shoko raMwari,ndokurwisa kwake. Apo, munokwanisa kuona hondo hurusayakamborwiwa? Pane masimba maviri bedzi; Satani naMwari.Zvino chombo chaSatani chii pakurwisana newe? Kuedzakukuita kuti usatenda Chombo chako. Anokutorera chombo.Ngati—ngatinyatsotererai takanyarara zvino. Tererai. Kanaakagona kukuita kuti usatende Chombo chako zvakafanana,

Page 55: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

HONDO HURUSA YATI YAMBORWIWA 55

nekana akakuita kuti utende kuti Chombo chako hachina simbarakakwana, atokutorera chombo.401 O, Hama Neville, ndinovimba kuti hatifi takazvisiyaizvo. [Hama Neville vanoti, “Ndinovimba nekunamata kutizvisadaro.”—Mupepeti.]402 Tarisai. Akutorera chombo paakuita kuti usatendaChombo icho. paunoChisiya pasi, hauchisina chokurwa nacho.Watsvatwa. Bata Chombo icho. UsaChiisa pasi. Tinoonakusatenda kwake. Rega…

Chinhu chimwe chete chandinoda kutaura zvino, muminitiimwe.403 Russia. Ndinoda kutaura izvi kuitira mhare, nevakadaro,pano, nemi vadzidzi veBhaibheri. Chii chamuri kukakavadzananokuzhambatata pamusoro peRussia? He! Hamumbondinzwandichikuudzai kuti vakai pokuvanda mabhambu,munondinzwawo here? Chii chamuri kukakavara pamusoropeRussia? Russia haisi chinhu. Havasi kuzohwina dzihondo.Havasi kuzonokunda pasi rose. Communism haisi kuzokundapasi rose. Chii dambudziko pavanhu? Shoko raMwariringakundika here?404 Terera, izvi patepi zvino. Kupasi rose, ndinotaura, kanakwose zvako kungazoenda matepi aya. Uye nekwamuri kunemivanhu muri pano, zvisinei kuti chii chingazoitika kwandiri, imitendai izvi.405 Russia, chikomunisti, hachisi kuzokunda chinhu. ShokoraMwari haringakundiki. ChiRoma ndicho chiri kuzokundapasi rose.406 Ngatitorei chiratidzo chaDaniel. Ndiro Shoko raMwari.“Iwe, O Danieri…” “Iwe, O Mambo Nebhukadhinezari, ndiwomusoro uyu wendarama,” Bhabhironi. “Humwe humambohuchakutsiva, hunova hwesirivheri,” maona, uhwo hwaivahweVaMedia-ne-Persia. Humwezve hwaiva Greece, AlexanderMukuru. Chakatevera, chikapinda, iRoma. Uye hapanachakataurwa pamusoro pecommunism. Roma yakakunda pasirose.407 Jesu Kristu akazvarwa muhumambo hweRoma,akatambudzwa, nguva yaKe yekutanga kuuya pano,nehumambo hweRoma. Uye pakuuya kwaKe kwechipiri, kuriKuuya zvino, Mharidzo yaKe inotambudzwa nemasanganoeRoma, inova mai vawo ose. Uye apo Iye anodzoka, Achadzokakuzobvisa humambo hweRoma, izvo vaJuda vakagaravakatarisira kuti Iye auye abvise humambo hweRoma.408 Hurongwa hwechiKaturike nemasangano ose pasi pose,iko zvino achiuya pamwe chete sesangano, iwo mubatanidzwawamachechi achizvironga pamwe chete. Haisi Russia.

Page 56: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

56 SHOKO RAKATAURWA

IRoma. IZVANZI NAJEHOVHA.Yaa. Ndiratidze Gwaro apocommunism, kana chimwewokunze kweRoma, chichazotonga.409 VaMedia-ne-Persia vakatsiva Nebhukadhinezari here?Chokwadi. Ko Greece yakazovatsivawo here? Yaa. Romayakatorerawo, kubva ipapo here? Yakapatsanuka ikavamasimbagumi aOttoman sezvatinazvo nhasi? Vaka…410 Eisenhower, zvinoreva “dare.” Khrushchev zvinoreva “ivhurokuumbisa hari.” Vakaita musangano wavo imo muno here?Uye Khrushchev akabvisa shangu yake. [Hama Branhamvanogogodza papurupiti—Mupepeti.] Kuzviita zviri pachena,zvinoonekwa, akairovera patafura, sezvizvi, kuratidza vanhu.[Hama Branham zvakare vanogogodza papurupiti.]411 Zvino, dambudziko nderei pavanhu nhasi? Ndapapi pasvikakutenda? Sei, musingatendi Shoko raMwari kuti iChokwadi?[Ungano inoti, “Ameni.”—Mupepeti.] Zvino chinhu ichohachisi Pano muno. Dambudziko nderei pavaparidzi nhasi?“Communism!” Wese muparidzi ari kunze ari kuedza kurwisacommunism. Communism, hapana chinhu!412 Chinhu, Dhiyabhorosi chaari kuruka pasi pemhuno dzenyuchaipo, uye hamuzvizivi; ChiRoma, zvemasangano. Uye Romandivo mai vemasangano. Bhaibheri rakati, “Aiva mhombwe,nevanasikana vake vaiva zvipfeve,” zvichirwisana naMwari,zvichirwisana neShoko raKe.413 Mauto, simudzai Shoko. Vatumwa vetsitsi, garai neShokoiro. Ndichaparara mumwe musi, asi Shoko iri hariparari. Zvinoimi vanhu vechidiki, kana zvikasaitika muchizvarwa changu,muchazoona. Hecho chinhu chacho.414 Manzwa nhau here mangwanani ano? Mai Kennedy vaenda,kunoona papa, uye papa zvaataura. Onai, zvinamato zvosezvepasi rose! O! Zvakanaka, pamwe tichawedzera zvimwezvakati wandei zvazvo, Svondo inotevera.415 Onai, musashushikana pamusoro peRussia. Russiakabwe kadiki pamahombekombe enyanza. Musashushikanapamusoro pecommunism. Tarisai chiRoma pachinobatananemachechi. Hapana chinhu chakanyorwa muMagwaropamusoro pecommunism ichitonga pasi rose.416 Zvino ndinofamba neShoko, zvisinei nokuti zvimwe zvosezvinofamba sei. IShoko raNdinotenda. ChiRoma chinotora pasipose. Uye chiRoma ndicho mai vemasangano. Hakuna kumbovanesangano kusvikira pachiRoma, uye rimwe nerimwe raworakabva machiri. Uye Bhaibheri rakataura kudaro, “Ndivo maivezvipfeve.” Ndaigona kumira apa kwehafu yezuva pazviri,zvakare, asi ndinofunga ndingangofambira hangumberi.417 Kana muvengi akatirwisa, zvino, “O, ndinokuudza,unofanira kuuya wozojoina redu…” Chii chauri kuzonoita,

Page 57: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

HONDO HURUSA YATI YAMBORWIWA 57

kudududza, worerutsa? Kwete murwi wamazvirokwazvo,haadaro. Kwete, changamire.418 Chii chatinoita zvino? Idzo pfungwa, “Regai pfungwayaiva munaKristu…” Ndizvo zvakataurwa neBhaibheri here?[Ungano inoti, “Ameni.”—Mupepeti.] “Pfungwa yaiva munaKristu, ive nemi.” Imhandoyi yepfungwa yaAiva nayo? YokugaraneShoko. Ndizvozvo. Garai neShoko, iro Shoko raBaba, uyeakakunda muvengi nguva dzose. Zvino kana muvengi akarwisanekuedza kutaura kuti unofanira kuita izvi neizvo, chiichaunofanira kuita? Gara neShoko. Ndizvozvo.419 Chii chauri kuzoita zvino? Tora Shoko. Shoko chii?Bhaibheri rakati pano. Tichangobva kuzviverenga. NokutiMweya, uye waMwari, iShoko. Maona? Tarisa pano. “Uyetorai heti yoruponeso, neMunondo, iwo Munondo weMweya.”Munondo woMweya! Chii? Mweya unouya kubudikidzanepfungwa dzako nokupinda mauri, uye munondo woMweyaiShoko raMwari.420 Chiiko icho Mweya unorwa nacho? Chii icho MweyaMutsvene unorwa nacho, zvinotekenyedza, manzwiro enyama?[Ungano inoti, “Shoko.”—Mupepeti.] Shoko; mwoyo! Phew!Mwari ngaakudzwe! Chii chaRinorwa nacho, manzwiro? Shoko!Shoko! Ngatizvitaurei, Shoko! [“Shoko!”] Shoko! [“Shoko!”]Shoko raMwari ndiroMweya raunoshandisa pakurwa.421 Mweya waMwari unofamba wosvika pana Dhiyabhorosi,uye woti, “Kwakanyorwa kuchinzi!” Ameni! “Kwakanyorwakuchinzi!” Zvino Dhiyabhorosi anosarenda.422 Chii chatinoita? Tinotora Munondo, unova Shoko raMwari,toUdhonza (nei?) neruoko rwekutenda, ruoko rwakasimbarwokutenda, Munondo unocheka kwese. Bhaibheri rakati, munaVaHebheru 4, “Iwo—iwo Munondo unocheka kose,” unochekauchienda nokudzoka.423 Hama, chii chaanoita? Tora Shoko. Tora Mweya, rega Mweyaupinde mumwoyo mako. Vhura pfungwa dzako, uti, “ShokoreNyu ndiro zvokwadi.” Zvino, uite izvi, hanzvadzi. [HamaBranham vanotaura zvakare kuhanzvadzi inorwara—Mupepeti.]“Shoko reNyu ndiyo zvokwadi.”424 “Ishe handisi kuzova nehanya yokuti ndiri kunzwa sei,kana mumwewo munhu, kana kuti ini ndinotaura kuti kudini.Ndiri kumisa zvose, ndiri kufuridza ndichichenesa gwara rangurega rega, kushushikana kwese, nekukahadzika, nekusatendakwandaiva nako. Manzwiro ose andakambova nawo, zvirwerezvose zvandakambova nazvo, zvimwe zvose zvandakambovanazvo, ndiri kuzvifuridzira kunze. Ndiri kudarika zvose izvo.Ndiri kuuya ndakananga pamweya wangu. O Ishe, burukai.Makati Makandiita munhu anozvisarudzira.”

“Uri, mwanakomana waNgu.”

Page 58: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

58 SHOKO RAKATAURWA

425 “Zvakanaka, ndinovhura mwoyo wangu nepfungwa dzangu.Pindai mukati, Ishe Jesu.”426 Batai iko Kutenda, iwo Munondo woMweya, ZVANZINAJEHOVHA. Danidzirai, “Hareruya!” Ameni. Zvino temaimuvengi wese ari mberi kwenyu. Ameni. Hezvoka. Temaimuvengi wese. Kana ka—kamweya kakare kanenge chipokokachikuita kuti unzwe zvose…Cheka chinhu icho chibve,neShoko raShe.

Asi simba redu, ndiro, “MufarowaShe ndiro simba rangu.”427 “Ibva kwandiri.” Kaa! Umucheke neShoko. Kana riridhimoni, kana ari muvengi, kana chiri chirwere, kana riri denda,zvose zvachingave, tora Shoko iro woRidhonza neMunondo.Uye kana ukachirova pekutanga, chikaita sekuti hachisikusuduruka, rova zvakare, uye urove zvakare, uye urove zvakare.Zvino rova kusvikira waboora buri rinobuda, sekahukwanakari kuzviboorera kubuda muzai; kana chapungu, zvinovandozvauri. Zviboorere kubuda mugoko rakare rourwere. Temanzira yako yekubuda, uti, “Hareruya! Ndoupi anotevera?”Ameni. Ndokurwa. Ndomurwi. Ndomurwi womuchinjikwa.Hongu, changamire. Kavira muvengi wese kunze.428 Sei? Sei? Tiri, Mbeu yakatemerwa youmambo yaAbrahama.Apo Abrahama akaramba zvose zvaipikisana neShoko raMwari,akatema nzira yake kupinda nemuchigumbuso chose chaiuyamberi kwake. Ivo vakati, “Mudzimai wako akwegura kwazvo.”Akangotema chinhu icho kubva munzira. Dhiyabhorosi akati,“Haungagoni kuita izvi. haugoni kuita izvo.” Abrahamaakazvitema kubva munzira yake. Iye akachirova, ndokurovakusvikira atema achibuda.

“Ndokupi kumwe, Ishe?”429 “Hunza tente rako pamusoro pano.” Iye akaenda pamusorondokuzvivakira aritari pamusoro apo.430 Akaenda pamusoro ipapo, Satani akauya, akati, “Zvino,ndinokuudza, ino haisiyo nzvimbo yakanaka.”

“Ndichagara ipo pano. Ibva panzvimbo yangu.” Akati,“Hareruya!”431 Roti akati, “Zviri nani kuti uuye zasi kuno. Tiri kunakirwazasi kuno. Tose tine sangano redu zasi kuno. Sei, mudzimaiwangu ndiye mutungamiriri wesosaiti yedzidzo nezvimwe zvose,muguta. Ndikutaurire, unofanira kuuya zasi kuno.”

Sara akati, “Abrahama…”432 “Nyarara, Sara.” Hareruya! “Mira ipo pano. Apa ndipopandakaiswa naMwari. Ipo pano ndipo pandimire.”433 Pano ndipo Mwari paakandigadza:

Page 59: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

HONDO HURUSA YATI YAMBORWIWA 59

Tose ngatirumbidzei simba reZita raJesu!Ngirozi ngadzigwadame nokuwira pasi;Touya nekorona yendarama,Uye ngatiMugadzei Ishe wavose.Pana Kristo, Ibwe rakasimba, ndakamirapo;Kumwe kwose ijecha rinonyn’udza,Kumwe kwose ijecha rinonyn’udza.

434 Kunyange norufu pacharwo, zvose zvimwe, ijecharinonyn’udza. Pana Kristu, Dombo, ndinomira.435 “Mbeu yohumambo yaAbrahama.” Mbeu yehumambo!Sei, varwi vakanyatsosarudzwa vomuEngland ndovehumambohweEngland, ropa rehumambo, pazvose. Zvino Mbeuyohumambo yaKristu ndiyo Chechi, yakazadzwa neMweyaMutsvene, yakazadzwa neMweya Mutsvene. Chii? IMbeuyoHumambo, kubudikidza nevimbiso, kwete namanyawi. Asi,nevimbiso yaMwari, vanomira neShoko raMwari, votema nzirayavo zvakadaro, vachidanidzira, “Hareruya!”

Kunyange rufu rukauya rukati, “Ari kukwira neruokorwako.”436 Uti, “Vhura nzira, Jorodhani. Ndiri kuyambuka.” Tema nzirayako ubude, uchienda, kuNyika yevimbiso. Ameni.437 Chii chinoitika kana hondo yose yapera? Ndava kuvharazvino, zvechokwadi. Kana kurwa kwose kwapera, vatsvenevauya vachifora kuenda kuMusha, ndinoda kukubvunzaichimwe chinhu, kuti chii chakaitika?438 Chii chakaitika apo Hitler akapinda muFrance? Sei,vakati wakanga usingagoni kuona denga, kwechinguva,nokuda kwendege. Kufora kwechiJerimani nenhanho-yedhadha.[Hama Branham vanoratidza kufora nenhanho-yedhadhapapuratifomu kaviri—Mupepeti.] Onai, vakanga vakamira,vachipfuura, vachipembererera kukunda.439 Apo Stalin akauya kuRussia, kwemamaira kumashure,mota dzehondo imwe iri zvinhambwe zvishoma shurekweimwe yayo, ndokubhomba Berlin kusvikira pasisinachakasara. Zvapera. Uye pavakaenda, uye maGerman…Ava varwi vechiRussian vachipemberera, vakapinda mukatinazvo, munoziva, kachiratidzo kadiki kanosetsa kavanoita.Ndakazviona pamufananidzo, pane imwe nguva muLondon,kuti vakapinda sei, mufananidzo chaiwo wechinhu apo, chiichakaitika, kupinda, vachipemberera. O, ini zvangu!440 Patakanzwa kuti hondo yapera, takadanidzira, tikaridzapembe. Apo magamba akadzoka, takasangana nawo pamusoroapo. Vakadanidzira. Vakashevedzera. Ndakanga ndinemuzukuru wangu imomo, akati, apo akadzoka, vose vakare…Idzo mhare dzakanga dzakuvadzwa zvakaipa, vakangavasingagoni kumuka pamibhedha, saka vakangovakungurusira

Page 60: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

60 SHOKO RAKATAURWA

necheya dzemavhiri pamusoro pechikepe apo vakauya,kuzoona chiVezwa Cherusununguko chakamira. Akati, “Ivovarume vakuru vanokosha ava vakamira apo, vakangochema,ndokuwira pasi saizvozvo, apo vakaona icho ChivezwaChorusununguko.” Vakanga vasiri kumba kwemakore mana,vachirwa, vakatovhiringidzwa pfungwa nokurwa, uye nezvimwezvose. Asi vaiziva kuti mudzimai uyo, nomudiwa wemwoyo,namai, nababa, nevana, nevose vaidiwa nemwoyo yavo,vaiva seri kweStatue of Liberty. Chaimiririra izvo zvavaingevachirwira. O, pembe dzakarira, uye New York ikapindamukudanidzira, ndizvozvo chete, apo magamba ayo akauyaachimacha. Izvi zvichava chinhu chiduku.441 Imwe nguva mushure mokunge Ceaser, abuda mukurwakukuru, akati, “Ndinoda kuti murwi wangu mukuru atasveari parutivi rwangu mukupemberera kukuru kwekukundakwatakaita muvengi wedu.” Zvino mumwe nemumwewavarwi, akashonga minhenga nekupenyesa nhovo dzake,ndokufora vachipfuura, munoziva, saizvozvo, se—sevarwichaivo saizvozvo. Mushure mechinguva, karume kadiki,kakwegura kakapfuurawo, naipapo. Ini zvangu! Akaitasekusimudza musoro, ndokutanga kufamba, saizvozvo. Ceaserakati, “Imbomira kwechinguva. Mira kwechinguva. Iwe,” kuneasina kana kutongopfeka somurwi, akati, “huya pano.” Akati,“Ndokupiko kwawakawanamavanga awa?”

Akati, “Kunze uko pakurwa kuhondo.”442 Akati, “Kwira pano. Ndiwe munhu wandiri kuda kuti agareneni.” Sei? Akaratidza kuti akanga ari kuhondo.443 O Mwari, ivai netsitsi pamunhu anogona kuzvicheka ruokorwake pagaba rehove kuti awane mukurumbira. Ndinoda kuvanamavanga ekurwa muhondo. SaPauro anoti, “Ndakatakurapamuviri wangu mavanga aJesu Kristu.” Ndicho chikonzerondichida kurwa mumasango.444 Rimwe zuva, apo Mutungamiriri wedu Mukuru anokoshaachauya, Uyo akatipakatisa zvombo, Uyo akatipa zvombozvaMwari, iwo Mweya Mutsvene, akatipa Shoko raKe kutitirwise naro, timire kunze uko; apoMutungamiriri weduMukuruanokosha paanouya akatasva, ndinoda kukwira pangoroiyo ndotasva ndichikwira kuMusha naYe. Hamungadiwohere? [Ungano inoti, “Amen.”—Mupepeti.] Apo ndichazobatamudzimai wangu wekare ruoko, nokutarisa zvakapoteredzapano nokuona hama dzangu nemadzimai avo, nevana vavo,zvino totanga kufamba tichidzika nemuparadhiso raMwari,neNgirozi dzichizadza mhepo nenziyo, kumusoro saizvozvo,unondiudzei nezvekupemberera!445 Zvino kana hondo yapera, tichapfeka korona. O, ini zvangu!O, mauto omuchinjikwa, mangwanani ano, dhonzai ruokorwokutenda kunze uko, uyemubate Chombo ichi.

Page 61: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

HONDO HURUSA YATI YAMBORWIWA 61

446 Chii pamusoro pazvo, hanzvadzi, wagadzirira here? [HamaBranham zvakare vanotaura nehanzvadzi inorwara—Mupepeti.]Dhonza Chombo icho chibude, uti, “Mwari, handina basakuti chii—chii icho Dhiyabhorosi ataura kwandiri, kana kutizvakawanda sei izvo mumwe munhuwo zvake angataura.Mangwanani ano, ndiri kutenda.” [Hanzvadzi iya inoti,“Ndinotenda neniwo.”] “Ndiri kutenda.”447 Sezvandakambotaura rimwe zuva, zvishoma…Ndinotendakuti maSvondo mashoma apfuura, pane murume akarota. Iyeakarota Dhiyabhorosi ari kanhu kadikidiki, kakamhanyirakwaari. Kakamuti, “Bhuu!” Iye akasvetukira shureachidududza, zvino Dhiyabhorosi kakachibva kakura. “Bhuu!”Iye ndokusvetuka achidududza, zvino Dhiyabhorosi ndokukura.Pakupedzisira, Dhiyabhorosi akakura saiye, akanga avakuzomukunda. Akaziva kuti aifanira kumurwisa nechimwechinhu, saka akatarisa tarisa zvakamupoteredza. Haanakuona chinhu chaaigona kumurwisa nacho. AkangosimudzaBhaibheri. Zvino Dhiyabhorosi akati, “Bhuu!” Iye akati,“Bhuu!” achidzorera kwaari, zvino Dhiyabhorosi akabva aitakadiki, nekadiki, nekadiki. Zvino, pakupedzisira, akamurovaakafa neShoko.448 Uri musoja, hausi here hanzvadzi? [Hama Branham zvakarevanotaura kuhanzvadzi inorwara—Mupepeti.] Tora Shoko irozvino uti, “Zvakanyorwa zvichinzi.” Ameni. “Handisi kuzofa.Ndiri kuzorarama. Ndichazogara mutabherinakeri imo munonekurumbidza Mwari nokuda kwekunaka kwaKe, navamwevose.”449 Munozvitenda here izvo, vatsvene? [Ungano inoti, “Ameni.”—Mupepeti.] Ameni.

Ngatikotamisei uso hwedu.450 O Ishe Mwari, Musiki wedenga nenyika, itai kutizvizikanwe nhasi kuti Imi muchiri Mwari. Hazvina basakuti ndingaparidzisa sei, kana kuti zvakawanda sei zvinhuzvandingataura, Ishe, Shoko rimwe chete kubva kwamuRirinozvigadzirisa.451 Mahengechefu awa ari pano, achimiririra vanorwara.Ndinonamata, Baba VokuDenga, kuti maropafadzo eNyunesimba zvichizorora pane rimwe nerimwe rawo, apa ndichiisamaoko angu paari. Mwari, neZita raJesu Kristu, ndinonamatakuti Muchazodza mahengechefu awa neHupo hweNyu hutsvene,nokuti ndozvakanyorwa muShoko. Hapana chinopokananeShoko. Asi zvakanzi muShoko, kunzi, “Vakatora kubvapamuviri waPauro, mahengechefu nemaapuroni. Mweyayetsvina ikabuda muvanhu, uye vakapodzwa kubva kuzvirwerezvakasiyanasiyana.” Zvino, hatisi Pauro Mutsvene, asi Imimuchiri Mwari, uye Muchiri Mweya Mutsvene mumwe chetewo.Ndinoisa maoko angu pamahengechefu awa, nemuZita raShe

Page 62: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

62 SHOKO RAKATAURWA

Jesu, nekukumbira kuti Imi muropafadze nekupodza mumwenemumwe wavo.452 Uyezve, Mwari, akarara apo pamubhedha, anga akangorarapano, haasi chinhu asi mwana, anongova mwanasikana mudikiakanaka. Haagoni kurarama, Ishe. Satani aita zvakaipa kwaari.Uye varapi vanodikanwa venyika ino vaedza zvakaoma, pasinakupokana, kuti vaponese mwana uyu. Havakwanisi kuzviita.Vasvika panoperera njere dzavo. Havachazivi zvimwe zvekuita.Asi, Ishe, ndinofara kwazvo kuti pane chimwe chitsaukochakanyorwa. Tinogona kuvhura rimwe peji, uye mupeji iritinoona Murapi Mukuru achiuya. Tiri kumudana Iye kuti atipemazano mangwanani ano.453 Zvino, Ishe, hazvina here kunyorwa pano muShoko reNyu,kuti, “Zviratidzo izvi zvichatevera vanotenda”? Ishe, kanandisiri mutendi, ndiitei iye zvino. Kana musikana mudiki uyuasiri mutendi, muiteyi mutendi iye zvino. “Zviratidzo izvizvichatevera avo vanotenda; kana vakaisa maoko avo pamusoropavanorwara, vachapora.” Zvakanyorwawo zvakare, “MuZitaraNgu vachadzinga mweya yakaipa.” Ishe, awa—awa MashokoeNyu.NdereNyu. IShoko reNyu. Zvino semurandaweNyu…454 Sezvamakataura, “Kana pakava nevaviri kana vatatu venyuvakasangana pamwe chete, Ndichange ndiri pakati penyu;zvino kana mukawirirana, pachinhu chimwe, mukakumbira,muchachigamuchira.”455 Mwari, pamwe mwana uyu ndiye unorwarisa muimba inomangwanani ano, nokuti haagoni kurarama asineMi, kwenguvarefu, uye ndiye ari kurwarisisa. Saka, tose tiri, tiri kuwirirana,semurwi wose amire pano. Zvino muboka rino makamira MbeuyaAbrahama yehumambo.456 Tava kufora tichipinda pana Satani zvino. Zvinochigadzirira kuenda, Satani, nokuti zvombo zvedu zvirikupenya, mavara ari kuvaima; varume navakadzi vakabataMinondo, vachifora kuenda mberi zvino kuuya kwauri, nokudakwemusikana uyu mudiki. Buda maari, Satani. Siya mwanauyo. Sehondo yaMwari mupenyu, tinokudzivisa. Buda maari,nemuZita raJesu Kristu.457 Ndinoenda kunoisa maoko angu paari. Zvino, Satani,wakasungamwana uyu, ndiwewakaita chakaipa ichi. Ndinozivakuti wakatodarika munhu kana zvichienzaniswa, asi haunamukana naIshe wangu, saka ndinouya muZita raKe. Musiye,iwe mweya waDhiyabhorosi. Iwe dhimoni rourwere, budamumwana uyu aende akasununguka, kubva nhasi zvichiendamberi. Ndinoreva izvi, nemuZita raJesu Kristu.458 Zvino, Ishe Mwari, Imi Uyo akamutsa vakafa nekuratidzakuti Imi maiva Mwari, mutsai mudzimai mudiki uyukuutano nesimba rake zvakare, kuti asimuke muimba ino

Page 63: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

HONDO HURUSA YATI YAMBORWIWA 63

pano. Dhiyabhorosi abva kwaari!…?…ari kuzomupodza.Ngaararame zvinopambiri nokukudzwa kunaMwari.

Zva—Zvataurwa, zvino itai kuti zviitike.459 Mune vamwe here muno avo vanoda kusimudza maokoavo vachiti, “Ndinoda kunamatirwa. Ndinorwara. NdinodaMwari”? Handizivi kuti tichine nguva yakadini. Tine nguvayakakwana yokuti tirege vanhu vachipfuura nepano. Ndirikungonzwa sekugutsikana mangwanani ano. Yaa. Yaa. Ndinodakuti uuye zasi kuno, Billy, ungotora pamwe chikamu chinopano apa, kudivi rino iri, bedzi. Ingorega chikamu ichi chiuyekutanga, wogozotora chikamu chekumashure mushure, kusvikapagwanza iro. Zvino tichangovatora saizvozvo, saka havazo…460 Iye zvino ndinoda Hama Neville nedzimwe dzehamadzangu dzinoshumira kuti vamire kuno neni, ipo pano, kutimugone kuvatora kudzika negwanza iro zvakare. Zvakanaka.Zvakanaka. Zvino ndi…461 Vangani venyu vakapfeka nhumbi dzavo dzokurwa nadzo?[Ungano inoti, “Ameni.”—Mupepeti.]462 [Hama Branham vanofuratira kupurupiti vachitauranehanzvadzi yavachangobva kunamatira—Mupepeti.] Zvirikuzosiyana zvino. Enda kumba, undonzwa zvakanaka zvino,upore.463 Ameni. O, ini zvangu! Imi mose varwi, dhonzai Munondo.Dhonzai Munondo, varwi vemuchinjikwa, muchiforera mberi,muchiforera mberi.

Pana Kristo, Ibwe rakasimba, ndakamirapo.Kumwe kwose ijecha rinonyn’udza.

464 Zvakanaka, huyai mupfuure, kusvika zasi kurutivi urwu.Munhu wese ngaanyengetere zvino, apo vari kungunodarikanepano.

MuZita raJesu, podzai mudzimai uyu. Ameni.Dhonza Munondo wako zvino. Gara panzvimbo yako,

uchidaidzira.465 [Hama Branham nevashumiri vanonamatira vanorwara, varikure nemaikorofoni, kwemasekonzi makumi mana nemashanu—Mupepeti.]

Pamberi, masoja eChikristo!Kufora sekwe kuhondo,Tiine muchinjikwa waJesuUchititungamirira.

466 “Vhura nzira, Satani!” Chiiko chanetsa, varwi? Hamufungikuti tinogona kukunda? [Ungano inofarira nokuti, “Ameni.”—Mupepeti.] Iye akatokundwa kare. Isu tinopfuura pavakundimunaKristu Jesu. Dhiyabhorosi wese adzingirwa kunze,nezvimwe zvese. Ameni.

Page 64: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

64 SHOKO RAKATAURWA

Huyai pano, hama dzangu!…?…Ndinonamata kuti mupodze!…?…Podzai munin’ina wangu, Doc; mupodzei, Baba, muZita

raJesu.MuZita raJesuKristu, podzaimudzimai uyu.Huya…?…

467 Zvino, akatora…ndatofanira kubvunza hama dzirikumashure. Kwese kwese, Ishe…?…468 O Ishe Mwari, Musiki wedenga nenyika! O, Mwari,munoziva zviri mumoyo make. Munoziva zvose pamusoropazvo. Ndinonamatira vose mai nababa. MuZita raJesu Kristu,ndinoisa…?…

MuZita raJesu Kristu, ndi…?…MuZita raJesu Kristu, ndi…?…

469 Mwari, ivai nehanzvadzi yangu. Tinoziva, kuti makoreachiwanda anokonzera kuti rufu rude kubata muviriwemudzimai. Zvino, MuZita raJesu…?…470 MuZita raJesu Kristu, ropafadzai kamusikana kadiki aka,Ishe. Hondo dzedu kuchikoro uko, ndinoziva zvaanopindananazvo. Ndinonamata kuti Mucharopafadza. NgaadhonzeMunondo, mangwanani ano, nokuenda mberi!…?…Ropafadzai mukomana mudiki uyu, Ishe; ari kuuya, achidanaZita reNyu, mangwanani ano; ndinonamata kuti Muchaendana…?…471 Mwari, ropafadzai hama yangu, muchimupa chikumbirochake.MuZita raShewedu Jesu, ndazvitaura!…?…

MuZita raJesu Kristu, tinopamunamato uyu.MuZita raJesu Kristu, tinopamunamato uyu.MuZita raJesu Kristu, tinopamunamato uyu.MuZita raJesu Kristu, tino…?…MuZita raJesu Kristu, tinopamunamato uyu.MuZita raJesu Kristu…?…MuZita raJesu Kristu…?…MuZita raJesu Kristu, podzai hama yangu.MuZita raJesu Kristu…?…MuZita raJesu Kristu!MuZita raJesu Kristu!MuZita raJesu Kristu!MuZita raJesu Kristu!MuZita raJesu Kristu!

472 [Mumwe anoti, “Baba vakafa.”—Mupepeti.] Mwari,mubatsirei, muZita raJesu.

Page 65: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

HONDO HURUSA YATI YAMBORWIWA 65

Mwari, muZita raJesu Kristu, tino…?…Mwari, muZita raJesu!MuZita raJesu Kristu…?…MuZita raJesu Kristu, podzai hama yangu.Mune raJesu Zita…?…Unonzwisisa here zvino?OMwari, izvi ngazvichibva kwaari…?…

473 Muzita raJesu Kristu, tinonamata!…?…Ipaihanzvadzi…?…474 O Mwari, tichiziva kuti amai vakakosha vadiki ava varikupindana namatambudziko aya ose, ndinonamata, Mwari,Mu…?…pavaari.

DhonzaMunondo, Edi, uendemberi, MuZita raJesu.475 O Mwari, podzai mudzimai. Mupei chikumbiro chake.NgaatoreMunondo uri pamberi pake,munguva dzokuomerwa.

O Mwari…?…mangwanani ano. Ndinonamata kuti Imimucha…?…476 Baba, Mwari, ndinonamata kuti Imi muchapodza hamayedu nokuipa kunzwa zvakanaka. Uye nemuZita raJesuKristu…?…477 Mwari, ndinonamata kuti Muchapodza hanzvadzi yedu,momuita kuti anzwe zvakanaka, nemuZita raJesuKristu.478 Baba, Mwari, ndinonamata kuti Imi mucha—muchapodzahama yedu.

Podzai hanzvadzi ye, Ishe!…?…Baba,muZita raJesu, podzai uyu, hanzvadzi yedu, Baba.

479 Baba,…?…tinonamata nemuZita raJesu. Mwari, podzaimudzimai uyu.

OMwari, ndinonamata kuti Imi…?…480 O Mwari, muropafadzei, Baba!…?…Tinovada avovakura, Ishe. Zvino ndinonamata kuti Muchamupa chikumbirochake!…?…481 Baba Vedu Vekudenga, ndinonamata kuti hamayangu…?…O Mwari,…?…iye, O Mwari…?…murwiwemuchinjikwa. Uye achadhonza Munondo uyo, mangwananiano, ofamba kuenda mberi.

Mwari, ti…?…Ipai ichi, O Ishe, chikumbiro chake.482 Mwari, ropafadzai hama…?…ndinonamatira kutiMumupodze, Ishe!…?…Mupei chishuvo chomwoyo wake,muZita raJesu Kristu.483 O Baba vekuDenga, mushumiri mudiki uyu weEvhangeri,pahuro pake…?…Apo akasuka mumapoto…?…Mwari,

Page 66: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

66 SHOKO RAKATAURWA

ndinonamata kuti Imi mucha…?…Zvino apo hondohuru yaMwari ichifamba kuenda mberi zvino, neMinondoyakasimudzwa, mupei mudzimai kukunda kwake, Ishe. Murumewake mudiki pano, Ishe, akabviswa panhovo yekenza paakangaakarara, achifa nekenza, uye vanachiremba vatopererwa nezanonaye, ava kunofa. Zvino heunoi, mangwanani ano, murwimudiki wemuchinjikwa. Musimbisei, Ishe, kuitira basa reNyu,tinonamata, muZita raJesu.484 Ndinoda mudzimai mudiki uyo…Pane chimwe chinhupamuparidzi uyu pano. Huyai pano, Hama Kidd. Murumeuyu akaendeswa kumba achibva muchipatara, nguva pfupiichangodarika, ava kufa, adyiwa nekenza. [HanzvadziKidd vanoti, “Gore rapfuura.”—Mupepeti.] Gore rapfuura.[“Maviri.”] Makore maviri apfuura, kenza. Chiremba wakeakamuti asara namazuva mashoma okurarama. Zvinomamwe mangwanani, takaenda kumusoro ikoko, rungwanani-ngwanani, tikamuitira munyengetero, wakangofanana newako,zvino havachakwanisi kuona kana nekayi kekenza. [Unganoinofarira.] Iye akapodzwa. Ameni. Iye—iye…[Hanzvadzi Kiddvanoti, “Aitofanira kuzvibvuma.”] Ava nehuremu hwakawandakudarika hwaakambove nahwo. Iye nemudzimai wake vangavari muminda yeEvhangeri, pamwe kubva ndisati ndaberekwa.Vari pano zvino…[Hama Kidd vanoti, “Makore makumimashanu nemashanu.”] Makore makumi mashanu nemashanu.Ndisati ndatongozvarwa panyika, vanga vava kutoparidzaEvhangeri. Zvino hevanoi vari pano zvino, vakapodzwa, pazeroringangoita makore makumi manomwe namashanu kana…[“Makumi masere nerimwe.”] Makumi masere nerimwe. [HamaKidd vanoti, “Taiva nerumutsiriro, musangano wamavhikimaviri, nokuparidza husiku hwoga hwoga.”] Rumutsirirorwamavhiki maviri, vachangobva kuita rumutsiriro rwamavhikimaviri, nokuparidza husiku hwoga hwoga. Makore makumimasere nerimwe okuzvarwa, vakapodzwa, pakenza, apo vangavakwegura.485 Zvakanaka, hanzvadzi, yava nguva yako zvino. Unotendahere? [Ungano inofarira uye inoti, “Ameni.”—Mupepeti.]Pamberi, masoja eChikristo. Zvakanaka, hanzvadzi. Imi,kuno mumwe nemumwe wenyu, chii chatiri kuzoita? ZVANZINAJEHOVHA. Chii chatinoita, toramba tiri pano here?486 Satani, iwe wakundwa. Tave kuuyako zvino. Tiri kuforatichipinda muNyika yechipikirwa. Chii ichocho? “Chii gomo iri,pamberi paZerubhabheri? Ndiani uyu, anomira pamberi apo?Uchaitwa bani.” Nemhaka yei? NeMunondo unocheka kwese,tichatema tichiwisira pasi. Ndizvozvo. Zvakanaka.

Pamberi, musoja weChiKristo!Kufora sekwe kuhondo,Tiine muchinjikwa waJesuUchititungamirira;

Page 67: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

HONDO HURUSA YATI YAMBORWIWA 67

Kristo, Tenzi wehumambo,Achitungamira kurwisa muvengi; (neShokoraKe)

Pamberi kuenda nehondo,Tarirai, mireza yaKe ichienda!Pamberi, masoja eChikristo!Kufora sekwe kuhondo,Tiine Muchinjikwa waJesuUchititungamirira.

487 Hareruya! Chii chavakaita? Chinhu chekutanga chakaenda,muhondo, kuvaIsraeri, chii chaiva chokutanga? Vaimbivakaenda, kutanga. Chii chakatevera? Areka. Zvino kozouyakurwa. Zvakanaka. Mave kuzvitenda here zvino? [Ungano inoti,“Ameni.”—Mupepeti.] Tiri kuimba Pamberi, masoja eChikristo.Tiri kukudhonzera kure, kukahadzika kwose. Tichisimukanetsoka dzedu zvino, tiri kufora kuenda kuhondo.

Ngatisimukei zvino, munhu wese.Pamberi, masoja eChikristo!Kufora sekwe kuhondo,Tiine muchinjikwa wa JesuUchititungamirira;Kristo, Tenzi wehumambo,Achitungamira kurwisa muvengi;

Tinomukunda sei iye? NeShoko.Pamberi kupinda muhondo,Tarirai, mureza waKe uchienda!Pamberi, masoja eChikristo!Kufora sekwe kuhondo,Tiine muchinjikwa waJesuUchititungamirira.Hatina kutsaukana,Tose tiri mutumbi mumwe;Humwe mutariro, nemudzidziso,Humwe murudo.

488 Vose vanotenda zvino, itii, “Ameni.” [Ungano inoti,“Ameni.”—Mupepeti.] Hareruya! Munozvitenda izvo here?[“Ameni!”] Tiri vakundi. Muvengi wese aripi? Pasi petsokadzedu. Tiri chii nhasi? TamutswamunaKristu!489 Zvino, zvapera, hanzvadzi. [Hama Branham zvakarevanotaura kuhanzvadzi iya yanga ichirwara—Mupepeti.]Unozvitenda here? Chienda kumba zvino. Uri kunzwazvakanaka?Anoti ari kunzwa zvakanaka zvino. Zvose zvanaka.490 Vangani uko vari kunzwa zvakanaka? [Unganoinofarira zvine ruzha uye inoti, “Ameni.”—Mupepeti.] Zvinopavakadaidzira, midhuri yakawira pasi, ameni, uye vakabva

Page 68: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

68 SHOKO RAKATAURWA

varitora. Ameni. Vakatora guta. Ameni! Ameni! MunoMutendahere? [“Ameni.”]491 Zvino, musakanganwa sevhisi yehusiku hwanhasi. HamaNeville vachange vari pano husiku huno, uye nekutiunziramharidzo yakanaka. Uye Svondo, svondo inotevera, Ishevachida, iva pano.492 Zvino ngatiendeyi, patiri kufamba. Uye zvino, tabudamumba muno, ngatiende, tichiimba, Pamberi, MasojaeChikristo. Uye kubva nhasi, zvichienda mberi, usambozoiseMunondo uyo mumuhara wawo zvakare. Uvhomore.Ngatikunde. “Vakaenda mberi, vachikunda, uye kuti vakunde.”Zvakanaka, zvakare, pandima yekutanga.

Pamberi, masoja eChikristo!Kufora sekwe kuhondo,Tiine muchinjikwa waJesuUchititungamirira.

Page 69: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

HONDO HURUSAYATIYAMBORWIWA SHO62-0311(The Greatest Battle Ever Fought)

Mharidzo iyi na William Marrion Branham, yakaparidzwakwokutanga neChirungu Svondo mangwanani, 11 Kurume, 1962, paBranham TabhenakerimuJeffersonville, Indiana, U.S.A, yakazotorwa kubva pa tepi yaka rhekodwandokuzodhindhwa muChirungu pasina chakamurwa. Kuturikirwa ukumuchiShona kwakazodhindhwa nokugoverwa neve Voice Of God Recordings.

SHONA

©2014 VGR, ALL RIGHTS RESERVED

VOICE OF GOD RECORDINGS, ZIMBABWE OFFICE

8 ST. ANNES ROAD, AVONDALE, HARARE, ZIMBABWE

VOICE OF GOD RECORDINGS

P.O. BOX 950, JEFFERSONVILLE, INDIANA 47131 U.S.A.www.branham.org

Page 70: SHO62-0311 Hondo Hurusa Yati Yamborwiwa VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO62-0311 The Greatest Battle Ever Fought VGR.pdfHONDOHURUSA YATIYAMBORWIWA Ndinokutendai,HamaOrman.Ishevakuropafadzei

Chiziviso chekodzero

Kodzero dzose dzakachengetedzwa. Bhuku iri rinokwanisa kudhindhwa papirinda yekumba kuti ushandise uri iwe pachako kana kugovera kunze, usingatengesi, semudziyo wekuparadzira Evhangeri yaJesu Kristu. Bhuku iri harigoni kutengeswa, kudhindhwa akawanda, kuiswa pawebhusaiti, kana kuwana mumuchina waringachengeterwa, kuturikirwa mune mimwe mitauro, kana kushandiswa kukumbira mari pasina mvumo yakanyorwa nevekuVoice Of God Recordings®.

Kuwana umwe umboo kana zvimwewo zviripo zvingawanikwa, tapota nyorerai:

Voice of God RecoRdinGsP.o. Box 950, JeffeRsonVille, indiana 47131 U.s.a.

www.branham.org